Uncategorized

‘Ndinoita amai vangu mukadzi’

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘Ndinoita amai vangu mukadzi’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME akaroora wekwaMutare ari kutaura zvinotyisa – anoti kwava nenguva inodarika gore iye naamai vake mbune vachisangana mumachira semurume nemudzimai.

Mashura aya ava kutozivikanwa nemukadzi wemurume uyu, uyo waaine vana vaviri naye nedzimwe hama asi iye anoti kana dai akasada zviri kuitika izvi, simba racho haana nekuti ndizvo zvinodiwa naamai vake.

Murume anongoda kuzivikanwa saMhizi (30) anoti ari kushinha na- amai vake, Manetswa (60), izvo zvaanoti zvinoitika iye asingade uye anofungira kuti ari kushandisirwa mishonga yechivanhu.

Murume uyu anoti kana ava kunzwa kuda kupinda mumachira nemudzimai wake waakaroora, sikarudzi yake inongotsakatika izvo zvaanoti zvakonzera kuti atadze kunyatsogarisana zvakanaka nemukadzi wake.

“Iri idambudziko guru chaizvo, rekuti amai vangu vekundibereka ndinosangana navo semurume nemudzimai. Izvi zvava nenguva zvichiitika, zvakatanga munaNyamavhuvhu 2016 apo amai vakandishevedza kumba kwavo. Vakabika bota ndokudya tose asi ndichingopedza kuridya, ndakabva ndatanga kunzwa kuda kuita bonde ndichibva ndabuda kuti ndinogeza muviri.

“Amai vakanditevera kuimba yekugezera uko vakangosvikovhura gonhi ini ndiri musvo, vachibva vatanga kundibatabata izvo zvakaita kuti tisangane ipapo ipapo,” anodaro.

Anoti paakasvika kumba kwaamai vake, vakasvikogara muimba yekutandarira umo vakadyira bota.

“Musi wavakandishevedza kumba kwavo uyu, ndakasiya mudzimai wangu kumba kwedu. Patakabva tose kuimba yekugezera, takaenderera mberi tisina kudzivirira.”

Murume uyu anoti pane kachira kaiva naamai vake muimba yavo yekurara ako kavakakanda pasi pemubhedha, kachibva kasanduka kuita nyoka yaasina kuona kwayakaenda.

Anotizve amai vake vari kuenderera mberi nekushereketa naye apo anoti vanomuridzira nhare achibva kubasa kuti adarike nekumba kwavo, uko vanonoshinha vose iye asati asvika kumba kune mudzimai wake.

“Pavanondiridzira nhare dzimwe pfungwa ndinoti handidi kuenda neko, asi pane kamweya kanondimanikidza kudarika neko kana kuti ndinopindwa nemweya wekutya,” anotsanangudza.

Murume uyu anoti kubva patanga izvi, iye haana shungu nemudzimai wake uyo waaine vana vaviri naye kmushure mekuroorana makore matanhatu adarika.

“Chava kundinetsa zvino ndechekuti ndikada kupinda nemudzimai wangu mumachira, sikarudzi yangu ndinoishaya – tose nemukadzi wangu. Dai tawana vanotibatsirawo nekuti mudzimai wangu haachaziva murume kwegore rose.”

Mhizi anoti haazive baba vake sezvo akakura achichengetwa na- amai vake avo vaanoti vakazoroorwa nemumwe murume.

“Amai vangu vanogara nevamwe vana nevazukuru vavo,” anodaro.

Anoti nyaya iyi akambonyara kuitaura kumudzimai wake, kusvikira apo anoti akazotanga kurutsa nekuita manyoka.

Mudzimai waMhizi – uyo akangoti anonzi Shamiso (25) – anoti paakataurirwa nyaya iyi nemurume wake, hazvina kumbomushamisa sezvo achiti akagara azvibata kumapositori.

“Murume wangu akazondiudza nyaya iyi mwedzi wadarika achiti zviri kuitika izvi iye haazvide. Nhamo yavapo ndeyekuti iye haachakwanisa kurara neni, ava kungoita semumwewo mukadzi seni,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti vamwene vake vakauya kumba kwake Mhizi asipo, apo anoti vakasvikotora zvipfeko zvake nezvemurume wake zvemukati.

“Amai vakasvika vakavhura Monarch redu ndokutora mabhurugwa angu neemurume ayo vakaenda nawo. Nanhasi hatizive kuti vakanoashandisei,” anodaro.

Imwe yehanzvadzi dzaamai ava anova sekuru kunaMhizi, anoti akataurirwa nemuzukuru wake kuti amai vake vanoshinha naye.

“Ndakaedza kubvunza kuhanzvadzi yangu nyaya iyi, iye akandituka parunhare achiti aizopedzerana neni. Ndakaenda kumba kwake uko ndakasvikomushaya asi ndikapunzika pamba pake ndikakuvara zvekutadza kuziva kuti zvakafamba sei,” vanodaro.

“Uku kushereketa, mishonga yemari nekuti paakafirwa nemurume akatanga kuenda kuSA achinohodha ndokuita mari yakawanda,” vanodaro.

Obvunzwa nyaya yekuti havana here kuitisana mwana, Mhizi anoti Havana asi zvichida vava nepamuviri pake.

“Kana ndiri kumba kwedu nemudzimai wangu, pfungwa dzangu dzinenge dziri kuna amai.”

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti murume uyu nemudzimai wake vanofanirwa kubatsirwa kuchivanhu.

Share This:

Sponsored Links