‘Ndinoitwa mukadzi nezinyoka’

05 Jul, 2014 - 18:07 0 Views
‘Ndinoitwa mukadzi nezinyoka’ VIOLET Chitsa naamai vake, Mai Pauline Chitsa

Kwayedza

VIOLET Chitsa naamai vake, Mai Pauline Chitsa

VIOLET Chitsa naamai vake, Mai Pauline Chitsa

MUDZIMAI wechidiki ane makore 28 okuzvarwa uyo anobva kwaNyajina, kuUzumba, anoti aoneswa nhamo nekushinhwa naye nenyoka nezvidhoma.
Mudzimai uyu, uyo pari zvino ari kugara kuChitungwiza, ari kuti dambudziko iri rakatanga apo akanga aenda kunobatsirwa pane rimwe sowe rechechi yeJohane Masowe eChishanu, muHarare.

Violet Chita pari zvino ari kugara nehama dzake panhamba 3880 kuUnit D kuChitungwiza, uye anoti atambura nekushereketwa naye nemukweshwa wezinyoka.

“Ndinorara nenyoka ndakasvinura ndichitoona, pamwe ndichiita zvekurota. Nyoka inouya ndichiiona asi handigone kuchema kana kutiza.

Verenga zvakare:

“Inopinza musoro wayo mandiri yoita zvainoda neni. Panguva iyi ndinotonzwa kuzvifarira sezvinonzi munhu,” akadaro.

Asi asati atanga kutaurwa naye, mukadzi uyu akaonesa mutori wenhau uno moto apo akangoerekana amubata pahuro achikararadza mweya waiti haufarire kuti nyaya iyi ifumurwe kuruzhinji.

Chita, uyo ane mwana mumwe chete nemurume waakarambana naye, anoti anoona muporofita mukuru werimwe sowe rinoungana pedyo nekuRotten Row, uko “akambonobatsirwa” achiuya kwaari oshinha naye sezvinongoitwa nenyoka.

“Ndinobatwa chibharo ndakasvinura mufunge. Madzibaba (zita tinaro) ndinovaona vachiuya kwandiri ndakasvinura kana kuti ndichirota. Vanotanga nekunditsvoda vobva vashereketa neni. Kwese kwandinofamba ndinonzi dambudziko iri ndakaripihwa naMadzibaba ava pandakaenda kuchechi kwavo apo ndaisarwara,” akadaro Chita.

Anoti ane izwi rinotaura kwaari richiti zvose zviri kuitika izvi kurangwa nechikwambo chinoshandiswa pamasowe aya sezvo akafumura zvimwe zvinhu zvinoitikapo.

Chita anotizve akatombomanikidzwa kukumbira ruregerero pamasowe apa kumuporofita uyu, izvo akaita zvisinei kuti haana kuziva mhosva yaakapara.

“Pane imwe nguva ndaenda kune rimwe sowe raMadzibaba ava kuChivhu, ndakarara usiku hwese ndichiitwa madiro nekachidhoma kainditsvoda, kundibata-bata nekutamba pamusoro pangu,” akadaro.

Anoti anonzwa izwi raMadzibaba ava richimutaurira zvose zvekuita mukurarama kwake, izvo anoti haagone kupikisa nekuti anovhundutsirwa kuti anogona kufa kana akazviramba.

Nekuda kwedambudziko iri, mudzimai uyu anoti ari kutsvaga rubatsiro.

Dambudziko iri anoti rakatanga apo akasiyana nemurume wekwaKatiyo, kwaMurewa, ndokuenda kuvabereki vake mukupera kwegore ra2013.

“Ndakanogara zvishoma kuvabereki vangu kuUzumba ndokuzouya kuno kuHarare ndikatsvaga basa remumba kuimwe mhuri kuHatcliffe uko ndakazokurudzirwa nemhuri iyi kuenda navo kuchechi iyi vachiti ndaigona kunobatsirwa kuti ndidzokerane nemurume wangu,” akadaro Chita.

Paakasvika kumasowe uku, anoti akatanga kushandirwa achivimbiswa kuti dambudziko rake raizopera.

“Ndiri pamasowe apa ndakaona mutumba wenyoka waiva wakamonerera padanda, ndikashaya kuti chii chaiitika.

Ndakambofunga kuti ndairota ndokuzoona kuti chaiva chokwadi. Panguva iyi ndakanzwa izwi raitaura kuti, ‘Nyoka iyi ndiyo ichava murume wako. Uchagara nayo zvachose.’

“Ndakasimuka pamasowe ndikatura mashura aya asi ndakanzi ndinyarare nekuti zvaisafanirwa kutaurwa,” akadaro.

Anoti akanzi aifanirwa kugara ari pamasowe kuti abatsirwe izvo anoti akambotevedzera ndokuona kuti akanga ava kuramba achiona masaramusi akawanda.

Akaenderera mberi achiti: “Kubva ipapo ndipo pakatanga dambudziko rekushinha nenyoka iri, kupunzika ndichibatwa nemweya uri kundinetsa uyu. Ndaipihwa matombo nemvura yainzi muteuro izvo zvaitondiwedzera kurwara.”

Anoti nhengo dzesikarudzi dzinotanga kunyeredza, dzimwe nguva zvichiita sezvinopiswa apo anobva aziva kuti zinyoka rinoshereketa naye rinenge rava kuuya. Anotizve dzimwe nguva musoro wake unotamba nhova sezvinoita yemwana uchipisa.

Anotiwo anonzwa seanochekwa-chekwa muviri wose nezvinhu zvakaita semapanga kana kuti nehuswa hwejekacheka.

“Ndinochekwa muviri wose nemapanga nemudumbu uye ndinobaiwa nekurumwa nenyuchi ndichitodziona asi dzisingaonekwe nevamwe. Dzinozongonyangarika ndosara ndichinhuhwa nyuchi, hunye hwadzo huchindirwadza.”

Kuburikidza nedambudziko iri, maporofita epachechi iyi anonzi akatomboenda kumusha kwevabereki vemudzimai uyu, kwasabhuku Mutemaringa, kuUzumba, vachiti vainobvisa mamhepo asi izvi hazvina kubatsira.

Amai vemukadzi atambura uyu, Pauline Chita (49), vakatsinhira nyaya yemwana wavo.

“Tatambura nemusikana uyu. Anoti anoshereketwa naye nenyoka nemuporofita uyu uye kana zvamubata unoona achitamba-tamba,” vakadaro.

Vanoti vakaenda nemwana wavo kuchipatara cheParirenyatwa, muHarare uko akanotariswa nachiremba vachifunga kuti anorwara nepfungwa akawanikwa aine njere dzakakwana.

Kwayedza yakaona magwaro ekwachiremba anotaurwa aya.

Sowe riri kupomerwa nemudzimai uyu kuti ndipo paakagadzirwa ndere vanamati vari kunzi vakabva kuchechi yaMadzibaba Ishmael Chokurongerwa vekuBudiriro avo vari kutsvagwa nemapurisa nenyaya yekuti iye nevatendi vake vakarova mapurisa nevatori nguva yadarika. Dzimwe mhiko dziri pasowe iri dzinosanganisira kusadya sadza pamasowe, kusaenda nemagumbeze nekusadya chikafu chine muto.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey