Uncategorized

Ndinokorobheswa makuva: muroora

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Ndinokorobheswa makuva: muroora Cathrine Chiyanike

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUROORA weimwe mhuri yemubhuku raMbizi, kuVillage B, kwaKowo, kwaMutoko, anoti ava kusvuuka kana kuti kuvhunura muviri wake wose mushure mekunge amanikidzwa kukorobha makuva evatorwa ikoko achishandisa jira raanomonera rezambiya.

Mukadzi uyu ari kuti izvi zvakamuita kuti atize murume achizogara kuhama dzake kuHarare asi ava nerimwe dambudziko rekungoshevedzwa husiku nevanhu vaasingazive.

Cathrine Chiyanike achitaridza kufunuka kwaari kuita

Sezvinonzi izvi zvishoma, muroora wechidiki uyu anotizve svondo rapera akasangana netsaona yekuwira kwemwana wake chindumurwa mumugodhi achibva afa.

Pakazomuka gakava rakakonzera kuramwidzana kwekuvigwa kwemwana uyu pakati pehama dzaamai nedzekwababa.
Mutumbi wemwana uyu wakazovigwa nehama dzababa vake China chadarika apo amai vake nehama dzavo vakanga vasipo, vachingova ne‘‘burial order” yake bedzi.

Cathrine Chiyanike (20) — uyo ava kugara mumusha weSally Mugabe Heights, kuBorrowdale, anoti anga akaroorwa kwaMutoko naKumbirai Njagu (38).

Anoti kumavambo kwegore rino, akazonzi nevemhuri yemurume wake abvise zambia raaive akamonera vari parufu rwevamwe tezvara vake, ndokunzi akorobhe makuva ehama dzemhuri iyi ose izvo akaita ndokuzoramba achishandisa zambia iri kurimonera.

Kubva ipapo, mudzimai uyu anoti akatanga kusvuuka ganda muviri wake wose nechirwere chisingazivikanwe zvikakonzera ganda rake richibuda mvura.

Mackinradge Nyamadzawo

“Izvi ndakazvitaurirwa nevakuru vemusha uyu vachitungamirirwa natete avo vaitsigirwa nemadzitezvara angu nevakoma vemurume wangu. Izvi zvakaitwa tiri panhamo yemunin’ina wavatezvara vangu, mutumbi wave kutodzikiswa.

“Ndakanzi ndibvise zambia randaiva ndakamonera ndokunzi ndipukute naro makuva ose ndichipururudza. Ndakabvunza kuti zvairevei vakanditi ndiko kuti nditambirwe nemidzimu mudzinza ravo semuroora.

“Ndakatevedzera ndikapukuta makuva anodarika 10 aiva akaiswa matombstones, ndikaramba ndichikorobha makuva aya kusvikira ivowo vakapedza kuviga mutumbi wemufi ndokuzoenda kune vamwe ndapedza. Asi chakandinetsa, ndini ndoga ndakaitiswa izvi pakati pevaroora vose vaivapo,” anodaro Cathrine.

Mudzimai uyu anoti akaudzwa kuti muroora kana ari mutsva mumhuri iyi, anofanirwa kupukuta makuva evafi izvo zvinoitwa chete kana kwafiwa, chitunha chava kuvigwa nepanorohwa makuva.

Anoti chinomushamisa ndechekuti akazoitiswa izvi apedza makore maviri ari muroora mumhuri iyi.
“Pandakapedza kukorobha makuva aya, ndakazonzi ndinochera mvura iyo ndakatenderera ndichipa vanhu vaivapo vachinwa, izvo ndisina zvakare kutsanangurirwa kuti zvinorevei,” anodaro.

Cathrine anoti kubva ipapo, akatanga kurota achishevedzwa nekunzwa mazwi evanhu vanomuti, “Muka handei” avo vaanofungira kuti varoyi.

“Kubva ipapo, ndakatanga kurota ndichiona vanhu vakawanda vachiuya kwandiri vachinditi hende uko vaisataura kuti kupi. Dzimwe nguva ndinotonzwa ndichishevedzwandirere kuti, ‘Hendei muka iwe, tanonoka’ asi vanhu vacho ndisingavaone uye mumba makatanga kugwedebudzwa mapoto nendiro nezvinhu zvandaisaona.
“Kwandinofamba ndinonzi varoyi, ndakapihwa huroyi kubva musi uyu,” anodaro Cathrine.

Mudzimai uyu anoti kubvawo paakaitiswa izvi, murume wake akatanga kugara achida kuzvibaya nebanga nekuda kuzvisungirira.

“Murume wangu akanga ava kugara akatsamira banga achiti aida kuzvicheka asi asingataure chikonzero. Dzimwe nguva ndaizomubata aine tambo achida kuzvisungirira.

“Nekuda kwenyaya iyi, ndakazobva pamusha uyu ndikadzokera kuvabereki vangu ndokutakura mwana wangu aiva negore nemwedzi miviri yekuberekwa.”

Cathrine anoti akabva kumusha kwemurume wake mumwedzi waKubvumbi ndokuenda kuvabereki vake avo vasina kugutsikana nezvaakaitiswa zvekukorobheswa makuva.

Anoti svondo rapera akazosangana netsaona yekuwira kwemwana wake mumugodhi achibva afa uye ane fungidziro yekuti izvi zvakakonzereswa nemweya mumwe chete wekukorobheswa kwaakaitwa makuva uyo wakatevera mwana wake.

“Pandakabva mumusha mevanhu ava, ndakaoneka murume wangu naamwene natezvara vandakanga ndava kugara navo sezvo vamwene vangu natezvara chaivo vakashaika kare. Ndaichera mvura nemunin’ina wangu pamugodhi apo mwana akangoverera akanowira mumugodhi akafa.

“Takazozivisa vekumusha kwandaiva ndakaroorwa vakanditi wazozvionaka taikuudza, onai zvekuita nechitunha ichocho wedu mwana mupenyu. Vakanditi ndakabva ndisina kuoneka,” anodaro Cathrine.
Mwana akafa uyu ainzi Tawananyasha Njagu.

Mutauriri wemapurisa muguta reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira kufira kwemwana uyu mumugodhi.

“Tine nyaya yakadaro yemwana akafa achiita zvekuwira mumvura kuSally Mugabe Heights,” vanodaro.
Cathrine anoti mwana asati afa, akambenge afonerwa nemumwe muramu wake achiti aive amubira mbatya dzake.

“Musi wazowira mwana mumugodhi, zuva rekumashure racho ndakafonerwa nevamwe babamudiki vachiti ndaive ndaba mbatya dzavo vachiti vaizouya kuzodzitora mangwana acho. Mangwana acho mwana akabva awira mumvura.

“Tezvara vangu, VaVirimayi Njagu, navamwene vandaigara navo, Prisca Mazhowe, taiwirirana avo vairamba vachindisimbisa kuti ndisabve pamusha uyu,” anodaro.

Pakashaika mwana uyu, anoti vakanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa mutumbi wake ndokuendeswa kumochari yekuParirenyatwa Group of Hospitals.

“Isu takafanotora tsamba yekuvigisa mutumbi wemwana (burial order) asi vekumurume wangu vakazouya vachipenga vakatidzinga kuchipatara uku apo takatakura tsamba yekuvigisa mwana. Vakazosara vachitora mutumbi voga ndokunoviga isu tisipo,” anodaro.

Clarice Chiyanike (45), vanova tete vaCathrine vanoti semhuri, vakarwadziwa netsaona yekuwira kwemwana mumugodhi.
“Nyaya yakaitika muzukuru wangu achangobva kumurume uko akanga akorobheswa makuva. Nhasi vave kuramwa kuti tisakwanise kuviga mwana wedu. Vakatiudza kuti vakaviga nezuro (svondo rapera) mutumbi wemwana isu vatidzinga.
“Asi wedu mwana zvaakaitiswa izvi hazviko kudzinza kwedu, dai takangobatana panhamo yemwana uyu,” vanodaro.

Baba vaCathrine, VaTendai Chiyanike (40), vanoti vakashamiswa zvikuru nezvakaitwa mwanasikana wavo kuti akakorobheswa makuva evatorwa pasina ruzivo rwavo.

Vanoti nyaya iyi vachada kuenda nayo kumadzimambo ekwaMutoko kana ekwavo kuChiweshe.
“Tine hurombo zvikuru nekufa kwemuzukuru wangu akawira mumvura, asi nyaya yangu iri pamwana wangu kuti akakorobheswa makuva. Hezvo ave kurwara. Ndinotoda kubatsirwa, vemhuri iyi ndakavashevedza kuti vauye tizotaura mwana wangu ave kuno vakaramba,” vanodaro.

Vanoti havana pfuma yavakawana kubva kumukuwasha wavo kunze kwetsvakiraikuno chete.
Mackinradge Nyamadzawo (38) vanove amai kuna Cathrine vanotiwo vanorwadziwa nemafiro akaita muzukuru wavo apo vaiva mubishi rekufamba kuti vabatsire mwanasikana wavo nekuda kwekukorobheswa makuva evatorwa.

Zvakadai, vemhuri yekwaiva kwakaroorwa Cathrine vanosanganisira murume wake Kumbirayi nehama dzake dzinoti Ethel Njagu, Josiah Njagu, Tendekai Njagu naVirimayi Njagu havana kukwaniswa kuonekwa kuti vataurwe navo nekuda kwenyaya ino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>