‘Ndinokukwapaidza netsvina yemunhu’

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘Ndinokukwapaidza netsvina yemunhu’ Misheck Mahlepu

Kwayedza

Gibson Mhaka

MURUME wekuBulawayo uyo aimbova mupurisa nyakumiswa mudare redzimhosva nenyaya yekupamba pamwe nekurova aimbove mudzimai wake svondo rapera akadzokazve mudare achipomerwa kugara achityisidzira mukadzi uyu kuti achadira tsvina yemunhu pazvinhu zvake zvaanotengesa pamusika.

Misheck Mahlepu wekuNketa 8 akamhan’arirwa kuBulawayo Civil Court neaimbova mudzimai wake, Silinganiso Msimanga, achiti ari kumushungurudza.

Silinganiso Msimanga

Msimanga anoti kunze kwekuita mhirizhonga, Mahlepu anoshungurudzawo mwana wavo ane makore maviri okuberekwa sezvo achimupa doro.

“Murume uyu ari kundituka pane vanhu achishandisa mashoko anonyadzisira. Akambondityisidzira achiti achandiuraya uye kuti anoda kudira tsvina yevanhu pazvinhu zvandinotengesa pamusika.

“Anondituka nezvinyadzi zvaamai vangu pamwe nekupa doro mwana wedu ane makore maviri okuberekwa,” anodaro Msimanga.

Anoti Mahlepu akambomutyisidzira zvakare achiti achamutsvagira mhondi dzichaona zvekuita naye.

Msimanga anoti aimbove murume wake uyu anomuudza kuti kana akamuponda, hapana zvinoitika kwaari sezvo aimboshanda semupurisa uye akadzidziswa kuuraya.

Achipawo divi rake, Mahlepu anotsinhira kuti akataura mashoko ose aya achiti akazvitaura nekuda kwekushatirwa.

“Takadanana kwemakore matatu, sezvo tiine mwana tose, ndinogara ndichimutengera girosari. Zvakaitika rimwe zuva kuti akauya kuzotora girosari apo akafonerwa nemumwe murume ini ndiripo. Izvi zvakaita kuti ndishatirwe kuti aigotaura nemumwe murume sei apo ainge aneni,” anodaro.

Mhinduro yake iyi yakatsamwisa mutongi wedare iri, Sithembele Ncube, uyo akamuudza kuti haana kodzero yekushungurudza aimbove mudzimai wake uyu sezvo vakasiyana.

“Hauna kodzero yekumutuka sezvo akazvipira kuenderera mberi neupenyu hwake. Kana asisade nezvako sei uri kumumanikidza kuti arambe ainewe?

“Musiye akadaro. Saka iye zvino wave kutongerwa kuti haufanirwe kuita mhirizhonga kumumhan’ari kana kumutyisidzira uye kumushanyira kwaanogara kana kwaanoshandira,” anodaro mutongi Ncube.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey