Uncategorized

‘Ndinonanzvwa maziso nenyoka’

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Ndinonanzvwa maziso nenyoka’

Kwayedza

Daphne Machiri —
PANE musikana wemuHarare anoti anonanzvwa maziso ake nenyoka ichimuita mukadzi. Yolanda Gadheni wekuRugare anoti haana zororo sezvo nguva zhinji achirota nyoka inouya kwaari ichimuita mukadzi nekumunanzva maziso.

“Ndinorota nyoka ichiuya kwandiri yosvikondinanzva maziso angu pamwe nekundiita mukadzi wayo. Ndakamboenda kwachiremba nekuda kwedambudziko remaziso angu ayo anogara achirwadza asi zvakashaya basa,” anodaro Yolanda.

Pari zvino musikana uyu akanopotera kumuporofita Madzibaba Strive Masango uko ari kuedza kubatsirwa.

Vachitaura nezvemusikana uyu, Madzibaba Masango vanoti matambudziko aYolanda ari kukonzerwa neimwe hama yake yepedyo.

“Maziso ako hakusi kurwadza kuri kwega uye kuenda kumachiremba muri kutorasikirwa nemari. Hama yako yepedyo inoda kuti uite bofu, usaroorwe. Naizvozvo tichaita ‘back to sender’ kudzosera zviri kukukuvadza kumuridzi wazvo. Ndichakupa tsono yauchanokanda pamusuwo panopinda nehama dzako dzepedyo nesauti yemhiko ndiko kuti zvipere,” vanodaro Madzibaba Masango.

Vanoti mate enyoka inonanzva musikana uyu mumaziso ndiwo anokonzeresa kuti agare akatsvuka nekuva nemapundu.

Madzibaba Masango vanoti pakuita Back to Sender vanoshandisa zvinhu zvinosanganisira tsvimbo, tsono negate.

“Gate rinoshandiswa kuparadza mishonga nezvose zvakaipa, hondo dzemweya yetsvina.”

Vanoti pagore vanhu vari kufa mushure mekunge vavashandisira Back to Sender vanosvika 400.

“Mukunamata, tinopinda mumweya umo matinoudzwa kuti vanhu vobatsirwa sei? Vazhinji vanodeketerera vamwe mhiko dzerufu asi zvinongodzokera kwavari kana chero chii zvacho zvinodzokera sezvazviri.

“Pagore, kune avo vanodeketerwa mhiko dzerufu, iye zvino pane vakadzoka vachipa tsanangudzo dzavo vachiti vanhu vanosvika 400 vakatofa.”

Madzibaba Masango vanoenderera mberi vachiti: “Kune vanobatwa vaine hurombwa, vakaramba kuuya kuti vachenurwe, vanotofa. Kana uri mweya unodzokera kumuridzi wawo uye kana aida kupengesa mumwe, ndiye anotozopenga.”

Susan Chiruka, uyo anoti vana vake havasi kuroorwa nekuda kwekushereketerwa, anoti Back to Sender yakanaka.

“Vana vangu vatambura havaroorwe, mumwe akatodzoka kumurume izvozvi. Hazvina kumira mushe, ndashaya kuti ndodii. Hazvinei kuti ihama dzangu dziri kuzvikonzeresa, ngadzife uye kudai zvaibvira vatofa izvozvi.

“Hondo kuhondo. Havasi kufanira kutomborwara, izvozvi ngavafe,” anodaro Chiruka.

Share This:

Sponsored Links