‘Ndinorohwa nabhudhi vamadhamu’

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa

MUKADZI wekupihwa gupuro nemurume wake mushure mekunge samusha uyu aoneswa ndondo nekurohwa nanatezvara vake anonzi ava kuda kuzviuraya pamwe chete nevana.

Tinashe Mutyauri akaendesa aimbova mukadzi wake, Stella Dzikiti, kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza.

“Amai ava vaimbova mukadzi wangu changamire, asi ndakamuramba uye ndakamupa gupuro. Akarwadziwa nazvo saka ava kugara achiti anoda kuzviuraya pamwe chete nevana avo vaanogara navo.

“Pataiva tese, aiva nedambudziko rekusada kutsiurwa, aingoda kupopota. Saka ndakaona kuti zviri nani tirambane,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Chimwe chinhu chakaita kuti tirambane ndechekuti pose patainetsana, aiudza hanzvadzi dzake dzouya kuzondirova. Saka ndanga ndanzwa nekurohwa changamire.

“Iye ndiye ane vana, asi ndinovada vauye kwandiri. Anouya achindituka zvisingaite zvino ndinoda kuti amiswe kuita uku.”

Dzikiti anoramba kuti anoshungurudza Mutyauri.

“Vanonyeba handivashungurudze ini, ehe akandipa gupuro ndikatobva kumba kwake. Panyaya dzekunetsana, ndiye anotanga kudenha kwacho ndozodzorerawo.

“Akatora gwaro raari kuda iri, ko vana tozovaita sei nekuti tine vana vaviri tose?” anodaro Dzikiti.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Mutyauri gwaro redziviriro.Nhundurwa dzinenge madomasi, asi hadzisi madomasi. Kana tichikwereta mafungiro nemaitiro evamwe vanhu, ndapota ngatikwerete zvine njere uye zvinofadza Mwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>