‘ndinorohwa natezvara’‘. . . apa vakatora mwana wavo’ ‘. . . nhema dzako, unza umboo’

04 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘ndinorohwa natezvara’‘. . . apa vakatora mwana wavo’ ‘. . . nhema dzako, unza umboo’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUKUWASHA akazopotera kudare redzimhosva achiti tezvara vake vari kumuonesa ndondo nekumurova vachiti vanoda kumuuraya zvisinei nekuti vakamutorera mudzimai wake.

Isaiah Sibanda akaendesa tezvara vake Dhingani Hodzi kuHarare Civil Court achiti anoda gwaro rerunyararo.

“Vakambondirova mushure mekunge ndanetsana nemwana wavo vachibva vamutora zvisina mvumo yangu,” anodaro.

Anoti hazvina kuperera ipapo, sezvo tezvara vake vachiramba vachimutuka nekumutyisidzira pavanongosangana.

“Vakatora mwana wavo ndikasiyana nazvo.

‘‘Asi zviri kuratidza kuti havana kugutsikana nekuti vari kuramba vachindituka nekundityisidzira pose patinosangana vachiti vanokwanisa kundiuraya,” anodaro Sibanda.

Anoti kurambana kwake nemudzimai wake kwava kushungurudza mwana wavo.

“Vakapindira muwanano yangu nemwana wavo zvinova zvava kushungurudza mwana wedu saka handichada kuti vasvike pedyo neni,” anodaro Sibanda.

Anoenderera mberi achiti: “Ngavagare nemwana wavo ini vandisiye ndiite humwe upenyu hwavanenge vasingandituke nekundirova.’’

Hodzi anoti zvose zvinotaurwa nemukuwasha wake manyepo.

“Anonyepa uyu, iye ndiye anotofona achiti anoda kundirova nekuti ndakamuparadzanisa nemwana wangu. Asi mwana wangu akabva oga pamba nekuda kwekusawirirana kwavo uye paakabva kumba kwake, haana kumbotizira kumba kwangu asi kwemukoma waSibanda. Zvaari kuti ndakamurova adii kuunza mapepa ekwadhokotera?” anodaro Hodzi.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaSibanda achiti hapana humboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naHodzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey