‘Ndinorumwa namadhamu’

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
‘Ndinorumwa namadhamu’

Kwayedza

Dorrit Paida Mwanza
VAMWE samusha vanoti vashaiswa rugare neaimbova mukadzi wavo uyo anomuruma zvose nekumurova achimukutsirana nevakoma vake. Tafadzwa Nhapi akaendesa aimbova mukadzi wake, Tafadzwa Mafaro, kudare reHarare Civil Court. “Mambo wangu, zvamaona ndichiuyawo kuno kudai, ndaona kuti upenyu hwangu kugaro donhedza misodzi chete. Mukadzi wamunoona uyu anondirova nekundiruma achibatsirana nemadzikoma ake,” akadaro Nhapi.

Nhapi akati Mafaro anogaromufonera nekumutumira mashoko panhare yake achiti kubasa haakushande nekumba haakugare. “Anondifonera nekundinyorera mameseji achindiudza kuti, ‘Ndinoda kuuya kubasa nekumba kwako ndichikukanganisa magariro nemashandiro ako’. Akatombouya kubasa akandivhiringidza,” akadaro Nhapi.

Mafaro haana kupokana nechikumbiro chaNhapi chekuti apihwe gwaro redziviriro. “Ini handipokane nemashoko aNhapi nekuti mameseji ndinomusendera nekumufonera ndichimutuka. Asi zvaari kuti madzikoma angu anomurova kunyepa, vanongomufonera vachimuudza kuti achengete mwana wake,” akadaro Mafaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Nhapi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey