Ndinotsigira pairesi: Mkwamba

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Ndinotsigira pairesi: Mkwamba Patrick Mkwamba akabata CD renziyo dzake itsva

Kwayedza

Daphne Machiri

MUIMBI akamboita mukurumbira makore adarika nekambo kanonzi Bhonasi – Patrick Mkwamba – anoti haaone pane chakaipa kana mhanzi yake ikatengeswa pamusika wemukoto nenzira yepairesi sezvo achiti izvi zvinoita kuti azivikanwe neveruzhinji.

Mafungiro aMkwamba aya akasiyana chose neevamwe vaimbi avo vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwepairesi vachiti iri kudzosera mabasa avo kumashure sezvo pasina chavari kuwana nekutengeswa kuri kuitwa mhanzi yavo pamusika wemukoto.

Muhurukuro neKwayedza, Mkwamba anoti pairesi anoitsigira nekuti inoshambadza mabasa ake kuvatsigiri.

“Ini pairesi inondiitira pachezvangu, inoita kuti mimhanzi yangu izivikanwe kunzvimbo dziri kure kwandisingakwanise kusvika. Zvakare, ndinoidira kuti kana ndichinge ndazokwanisa kuenda kunzvimbo dziri kure dzakaita sekuKariba neMasvingo ndinosvika nekungosimudza chaunga sezvo vatereri vanenge vave kuziva nziyo dzangu kare,” anodaro Mkwamba.

Muimbi uyu anoti achangobva kubura nziyo mbiri dzinoti  Peace Order naSvee Kusanyara uye akabatsirwa kuimba nemusikana wechidiki – Anesu Makoni – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Lady Sai Sai.

“Chakaita kuti ndiimbe nemusikana wechidiki uyu ndechekuti ane izwi rinotapira chaizvo, zvakare donzvo rangu nderekuti vechidiki vane matarenda vazivikanwe uye vasimukire munyaya dzemimhanzi,” anodaro Mkwamba.

Anoenderera mberi achiti, “Zvemimhanzi ndakazvarwa zviri huropa, kambo kanonzi Peace Order ndakakanyora mushure mekuona mumwe mudzimai aishungurudzwa munharaunda yandaigara nemurume wake apo airohwa siku nesikati. Vavakidzani vakamboedzawo kuvabatsira asi zvakaramba kusvikira mukadzi akazoenda kumba kwavo murume ndokutevera kunokumbira ruregero kuvabereki vemudzimai wake. Asi mudzimai akaramba kudzokera akapedzisira aenda kumapurisa nyaya ndokuendeswa kumatare edzimhosva achitora Peace Order,” anodaro Mkwamba.

Anoti kambo kepiri, Svee Kusanyara, kari pamusoro pekushata kwakaita makuhwa.

“Kambo aka kanotsanangura kuti vanhu vanoreva vamwe kana vasipo asi vakakuona vonyepera kukuda sevasina zvavataura,” anodaro.

Zvakadai, Mkwamba anoti dambudziko raakatarisana naro nderekushaya mari yekutsikisa nziyo dzake pamwe nemidziyo yekuridzisa yakaita semagitare.

“Apa kudzoka kwandiri kuita mushure mukumbopedza makore gumi ndakagara ndisina pekutangira. Iye zvino ndiri kutengesa ndega nziyo dzangu dzandakatsikisa, pese pandiri ndinofamba nebhegi rinenge riine maCD,” anodaro.

Mkwamba akaita mukurumbira makore adarika apo aiimba nechikwata cheFour Brothers.

Dzimwe nziyo dzakatsikiswa nechikwata ichi dzinosanganisira Ramba Murume naUsambonyaya Kusekwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>