Uncategorized

‘Ndinotsindira vakadzi vakaroorwa – N’anga

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Ndinotsindira vakadzi  vakaroorwa – N’anga Lukas Sakhala - Mufananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuChinhoyi — uyo aimbova n’anga yaiuchika vakadzi asi iye zvino ave pastor wechechi — anoti mumazuva ake ekuita zvitadzo, akamitisa madzimai evanhu anodarika 100 apo aivatyisidzira nekuvanyepera achipfekera mushonga kusikarudzi dzavo uyo waaizoti unoda “kutsindirwa” kuti ushande.

Murume uyu anoti aishanda nemumwe wake sen’anga kana kuti tsikamutanda apo vari vaviri vakaitisa mimba vakadzi vanosvika 130 — “vamwe vakaroorwa” — ndokuvabarisa vana vanokwana 200.

Mubairo wezvakaitwa naLukas Sakhala (45) wekuAlaska ndewekuti izvozvi ava kupika jeri paHarare Central Prison mushure mekukonwa nemhosva yekubata chibharo.

Muhurukuro neKwayedza ari kujeri uku uye pasina kana kunyara, Sakala anoti aitsotsa madzimai vaida kuuchikwa kuti vakwanise kubara vana apo vaivapfekera mushonga kusikarudzi dzavo.

“Taiti kana tapfekera mukadzi mushonga, taibva tamuti unoda kutsindirwa kuti unyatsopinda uye kuti ushande. Vaya vaiti vanoda kunotsindirwa muti uyu kudzimba nevarume vavo, taivatyisidzira tichivati havasvike kumba, unenge wadonha.

“Saka nekutya, vaibva vati ini nemumwe wangu tivatsindire kuti zvishande. Inini ndakatsindira madzimai akawandisa, vandinonyatsoyeuka vanosvika 34, mumwe wangu vanodarika 90.

“Kana vari vana vandakamitisa nekutsindira vanokwana ku‘mahundred something’ uko . . . nekuti vamwe vakazvara matwins,” anoreurura Sakhala. Sakhala anoti akaita izvi nemumwe wake anonzi Felix Sadza uyo aiva mukuru wake pabasa uyewo pari zvino ari kupika jeri kuChikurubi Maximum Prison nemhosva dzimwe chetedzo.

“Iyi haisi mhosva nekuti taitowirirana nemadzimai aya . . . ndaivabatsira ivo vachindibatsirawo.”

Sakhala — uyo akatongerwa kupika makore 18 — anoti iye nemumwe wake vane mishonga yakasiyana, kusanganisira nyoka, kamba, tsvimbo yavanodaidza kuti Dhumba, rusero nendege izvo pari zvino zviri kumba kwake zvavaishandisa mukuuchika vakadzi.

“Zvinhu izvi zviriko izvozvi, ndakazvipihwa neimwe n’anga. Ndege ndaitomboityaira kuenda kuMalawi, ndakapotsa ndawira mumvura ndatadza kuityaira. Inomhara panenge paine rota (dota).

“Ndakarambana nemukadzi wangu mugore ra2000 nekuda kwekubata mishonga ndokusara ndava ndoga. Asi madzimai aisanetsa (kuwana), tainyepera vakadzi kuti mushonga wedu wekuuchika unofanirwa kutsindirwa nesikarudzi yemurume. Saka vaishaya mukana wekunosvika kumba kuvarume vavo isu tobva tavatsindira. Kureva kuti taishinha navo vobva vabata pamiviri varume vavo vasingazive. Ndiyo nyaya yakazoita kuti tipare mhosva dzekubata chibharo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Mukuru wangu Sadza anobva kuKaroi uye ane mishonga yakakomba iyo yataishandisa kuti tisasungwe nemapurisa. Pane zvikwambo zvake 4 — Dhumba, Nhamo, Cobra, naSadza — izvo zvaigara muhari mumba yedu surgery.”

Senzira yekusimbiswa, anoti akapihwa nyoka yerudzi rweshato nemumwe wake iyo pose apa yaimudzivirira asi anoti yaka

zotiza nzara kumba kwake apo akasungwa.

“Madzimai aya taivabata chibharo nenzira iyi musurgery medu,” anodaro.

Murume uyu anoti dai pawana vanomubatsira kufanobvisa mishonga nezvikwambo izvi kumba kwake iye asati adzoka kubva kujeri.

Anotizve kunotova nemamwe madzimai aidzoka nevarume vavo kuzotenda kuti vakabatsirwa nekuuchikwa.

“Takapihwa mombe nembudzi dzakawanda nevanhu vaidzoka vachitenda. Tine vana vangangodarika 200 pakati pedu tiri vaviri, kusanganisira mapatya, avo vari kuchengetwa nevarume vachifunga kuti ndevavo ivo vari vedu,” anodaro.  Anoti madzimai mazhinji “vatakauchika” vaisaudza varume vavo nzira dzatinoshandisa pakuvashandira nekutya “sezvo vamwe vacho vainge vachitoda kurambwa nekuda kwekushaya mbereko”.

Sakhala anoti vane mushanga wavaishandisa unovaita kuti vasabatwe nechirwere cheHIV neAids.

Pasi rose, hakusati kwava nemushonga unorapa kana kudzivirira munhu kuti asabatwe neHIV neAids. Zvisinei, Sakala anoti haasati aongororwa paamire maringe neHIV neAids.

“Takabatsira madzimai mazhinji kuti vawane vana nekuti vamwe vainge voda kurambwa nevarume vavo. Takazosungwa tatyora mhiko dzedu nekuti taisafanirwa kuita chipfambi, taifanirwa kuroora madzimai akawanda tichiunganidza pamusha,” anodaro.

Anoti n’anga yakavapa mishonga nemhiko inobva kuBinga.

Sakhala anoti murume waamai vake — vasiri baba vake — vakamusiirawo kandege, kamba, zvikwambo nerusero zvehuroyi izvo anoti zvava kumutambudza.

“Zvinhu zvandakasiirwa nastep-father vangu izvi ndakazvisiya kumba kwevarungu kwandakanga ndave kushanda ikoko kuAlaska, zvirimo mumba izvozvi. Kamba iyi inotaura neni ndirere ichiti inoda howa nemacabbages izvo yaipihwa nababa vasati vafa.”

Anoti akamboedza kupa kamba iyi — iyo inonzi inogona kudarika makore 20 isingadye kana chinhu – kumunin’ina wake asi akairamba.

“Dai zvaikwanisika ndinoda kuti munin’ina wangu Frank ari kuChinhoyi auye ndomuudza pane zvinhu izvi, zvimwe zvacho ozvidzosera kun’anga kuBinga. Vanonobvisa mombe dziri kudiwa dzekuti mishonga iyi itambirwe nekuti zviri kunditevera kuno kujeri,” anodaro.

Mishonga iyi anoti ndiyo yaishandiswa nemurume waamai vake kuenda nekudzoka kuMalawi vari murusero vachinotora hove nemupunga.

Sakhala anoti upenyu hwake hwasanduka. “Ndava mufundisi ndakatora dhigirii rechipastor. Ndinoda kuzoparidza shoko kana ndabuda.”

 

 

 

 

Share This:

Sponsored Links