Uncategorized

Ndinouraya mbavha: N’anga

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Ndinouraya mbavha: N’anga

Kwayedza

‘. . . asi handisi muroyi’

N’ANGA inobva kudunhu reGorongoza, kuMozambique, inoti chiwororo kumbavha sezvo iine mushonga wekupfidzisa vanoba nekuvauraya.

VaAndone Fillipe Arumando (45), avo vasina nzvimbo chaiyo yavanozivikanwa nekugara muZimbabwe, vanoti vanobatsira vanhu vanenge vabirwa vachishandisa mishonga inoita kuti mbavha ife kana kusangana netsaona.

“Mbavha kana gororo anofa, ndine mashavi ari pandiri nemidzimu yevanhu vanenge vabirwa anoita izvozvo. Handini ndinouraya asi vanofa chete, havamire kunze kwekutenge munhu auya kuzokumbira ruregerero,” vakadaro VaArumando.

Vanoti vanosvikirwa nemweya wetateguru ravo, Samatenje, uye vanoshandira muno vaine chitupa chesangano redzin’anga nemaporofita, reZinatha.

VaArumando vanoti kunze kwemuZimbabwe, vanoshandirawo kunyika dzinosanganisira South Africa, Malawi, Namibia, Botswana, Tanzania, Ghana neEquatorial Guinea.

Panyaya yekushinhirira mbavha, vanoti munhu wavanenge vashandisira mishonga anofa nenzira dzakaita sekusangana netsaona kana kurohwa nezvaasingaone.

“Munhu anorwiswa nechinhu chaakaba, hazvina mhosva kuti imhuka here kana kuti kwete. Bhara chairo rinomurova kudzimara awota, richitaura kuti ‘ndidzosere kwaArumando kana kumba kwawakanditora’.

“Vamwe vanouya vakatsvuka ropa kumeso kwose vachichema kuti vari kurohwa. Kunyangwe nehuku chaiyo, inomurova akaita mushe. Akaba mombe inomutunga kusvikira yasvika naye kwandiri kana kuvaridzi vayo.” Yobvunzwa kuti kuita uku hakusi kuroya here, n’anga iyi yakaramba ndokuti mbavha vanhu vanozviuraisa voga nekuti munhu akachema, misodzi yake haidonhere pasi mahara. “Ini handisi muroyi, munhu akaba anenge azviroya oga. Ini ndinochema pamwe chete nevanochema, vabirwa vacho. Midzimu yangu neyevabirwa inobatana yorwisa mbavha kana kuti gororo robva rafa,” yakadaro n’anga Arumando. Inoti munhu akaba chipfuyo, anogona kufa paanotanga kudya nyama yacho.

N’anga iyi yakaramba kudura kuti inoshandisa mishonga rudzii mukuranga mbavha.

Zvisinei, VaArumando vanoti vanoshandisa girazi mukuita basa ravo pakuvheneka matambudziko evanhu.

“Kune vanovenga vamwe, kunyange mumabasa chaimo kune vakawanda vanouya kwandiri vachida kuti vaurairwe vavanoshanda navo vachibvisa mombe kana makutukutu emari. Asi vamwe vanenge vasina mhosva yavakapara. “Shavi rangu rinoramba zvodzokera kwauri iwe – ndiwe unozowirwa netsekwende. Yangu mishonga haishande kumunhu asina mhosva.”

Vanoti vakatanga zvehun’anga vaine makore matanhatu okuberekwa apo vaiita Grade 1 kunzvimbo yeUmu, kuMozambique.

Sabhuku Shirichena, VaWilson Shirichena (67) vekuMhondoro, vanoti vakashevedza n’anga iyi mumusha mavo vachida kuti vagari vemubhuku ravo vabatsirwe pane zvaivanetsa.

“Ini murume uyu ndakamushevedza paine mhuri yainangana huroyi ndokugadzira musha wose. Kune vanhu vaitaurirwa kuti iwe dzosera chinhu chanhingi chawakaba vachibvuma, vachinoripa kuvaridzi kwavakaba.

“Vamwe amai vechechi yeJohane Masowe yeChishanu avo vaibhejerana nemurume uyu vakarumwa nenyuchi vachienda kuchechi vakakanda bhegi remagemenzi pasi. Vakazonoponera kuchipatara cheBeatrice,” vakadaro sabhuku ava.

“Bhegi jena raamai ava rakapedza mazuva gumi rakamomoterwa nenyuchi vanhu vachitadza kusvikapo kuti varitore.” Vanoti mudzimai uyu aipomerwa kuti akange abira mumwe munhu uye akazokumbira ruregerero kuvanhu vaainge abira.

Sabhuku Shirichena vanoti zvakare pane mumwe murume wemubhuku ravo akange aba matoki akazorutsa nyama yacho yaakange adya zvichitevera kugadzirwa kwaakange aitwa nen’anga iyi.

Share This:

Sponsored Links