Uncategorized

Ndinouraya: Muporofita

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Ndinouraya: Muporofita Madzibaba nemhuri yaida kubatsirwa

Kwayedza

Madzibaba nemhuri yaida kubatsirwa

Madzibaba nemhuri yaida kubatsirwa

MUPOROFITA wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe yeNguwo Tsvuku, uyo anonamatira kupurazi reChigomo kuMt Hampden, anoti anokwanisa kuitira vanhu miteuro yekudzosera zvakaipa kune vanenge vachida kuvakuvadza izvo zvinoita kuti vanhu ivava vabva vafa.

Madzibaba Prangadai Passmore Chinovava (26), vanobva kwaSabhuku Bvudzijena, kwaMakandiwa kuMuzarabani, vanoti hapana ngozi inouya kwavari kana vakauraya munhu anenge achikonzera matambudziko kune vamwe.

Pavakashanyirwa neKwayedza svondo rapera vaive pakati pekubatsira imwe mhuri inobva kwaChigango, kuMt Darwin, iyo ine mwanasikana anonzi aiva akaiswa chikwambo nekuturikwa shavi rehuroyi nehama dzavo. Mweya unonzi uri pamudzimai uyu waitotaura vatori venhau varipo uchikumbira ruregerero nekuuraya kwawakaita vanhu vasina mhosva.

“Kana makambonzwa kuti maporofita eNguwo Tsvuku anouraya ichokwadi, asi hakuuraiwe vanhu vasina mhosva, unenge uchidzoserwa miseve yako yaunokuvadzisa nayo vamwe.

“Tarisai, izvozvi mudzimai uyu ari kubatwa neshavi rehuroyi asi hakusi kuda kwake. Ishavi raakaturikwa nevehukama, pamusoro pazvo anoshandiswa nechikwambo.

“Saka ini ndinodzosera zvonouraya muridzi wazvo kana vana vake. Izvozvi ndave kunovatengesa tsono six toita zvatinoita, chikwambo chake nemishonga yaakashandisa pamurandakadzi uyu zvinodzokera zvichimhanya kunourauya muridzi. Pane mhosva here ipapo?” akadaro Madzibaba Passmore, uyo nyakutokoka Kwayedza kuti inoona mashandiro ake.

Mudzimai wekunzi akaberekeswa shavi rehuroyi uyu akanga aenda kwaMadzibaba Passmore aina amai vake, vakoma vake vatatu nehanzvadzi yake kuti vanoshandirwa kuti shavi iri rinobviswa.

Vanasikana vose vashanu vemumhuri iyi vanonzi havaroorwe nekuda kwezvikwambo zvavanonzi vanoshandisirwa nehama dzavo.

Madzibaba Passmore anonamatira pasowe raimbova raMadzibaba Ashabai, uyo akafa achirohwa nezvidhoma gore rapera uye anoti vainamata vose nemushakabvu uyu.

Mumwe wevakoma vemukadzi aibatwa neshavi rehuroyi kumasowe uyu akazomhanyira kuzvitoro zviri pedyo kunotenga tsono dzaidiwa nemuporofita uyu idzo dzakabva dzagadzirwa pakarepo. Vose vemhuri iyi vaivepo vakawirirana kuti varidzi vezvikwambo zvinovatambudza vabaiwe netsono vafe.

Tsono dzacho dzakaiswa mumoto nemudhishi raiva nemvura yaiva yakasanganiswa nezvimwe zvinhu, muporofita uyu achirira nedzaaiti indimi.

Madzibaba uyu akavimbisa mhuri iyi kuti varume vaviri vavaida kuti vafe havaipedza nguva vari vapenyu.

Muporofita uyu anoti akaberekerwa muchechi yekwaMugodhi apo vaimbogara kuSohwe, kwaDotito kuMt Darwin.

Akazosvitsa shavi rehuroyi kumudzimai uyu (zita rake tinaro) uyo akatanga kuumburuka ndokutaura kuti akauraya vanhu vatatu nekuroya.

Mweya wacho wakatanga nekutaura mashandiro awo uchiti haufarire kuita izvi asi kuti waitumwa.

“Uri kundipisireiko nhai? Ndakatumwa naKind** kuti ndizouraya kamwana aka ndikadye nyama. Iwe handikugone, handina ropa newe usandipise. Uyu ari apa uyu ndinoda kuti basa rake ripere. Ndanyara zvangu, kundifumura kudai nhaiwe? Chirega ndiende, asi uyu Fungi haana mhosva anoshandiswa. Ini ndakatumwa naKind**,” wakadaro mweya wainge wakabata mukadzi aishandirwa naMadzibaba Passmore.

Vane mazita aitaurwa aya mumwe akanzi ndibabamukuru kumhuri iyi, mumwe wacho ari mwana wemumba yemhuri iyi chaiye.

Ainzi aida kudyiwa nyama mwana wemukoma wemukadzi wekusvikirwa neshavi kumasowe uyu, kuchiti murume ainzi aida kuburitsiswa basa ihanzvadzi yacho (zita tinaro). Shavi iri rakati ndiro raikonzera minyama kumhuri iyi uyewo nekuti vanasikana vose vasaroorwe asi kuti vanongobika mapoto.

Nyakubatwa neshavi anonzi ari pachipari asi hakuna kana kobiri reroora rakabviswa.

Hanzvadzi yemukadzi uyu, iyo yaivepo, yakabva yataura kuti kubasa kwake akanga anzi asadzoke. Akazopihwa muteuro wekuti asavhunduke uye akanyora zita remuridzi wekambani yaanoshandira nenharembozha dzake papepa zvichibva zvaiswa mubhodhoro raiva nemvura, iyo akanzi ageze nayo kumeso. Akazovimbiswa kuti zuva risati radoka murungu wake aizomuridzira nhare achiti adzoke kubasa.

Mukadzi aiva akabatwa neshavi akanga aenda pamasowe apa aine bhegi raiva nembatya, iro akazonzi avhure achiburitsa zvaivamo mukazowanikwa nyanga yakanzi nemuporofita uyu aiishandisa sechikwambo iye aisingazive.

Muporofita uyu akatanga amwaya sauti, hupfu nemvura pabhegi iri ndokuzoburitsa chidende achiisa mumvura icho chakazoiswa murusero. Mweya uyu wakazoti wave kuenda zvachose asi mukadzi uyu paakaedza kutaurwa naye nevatori venhau, akaramba anyerere.

Panguva yakazoenda mweya uyu, muporofita aipfungaidza mishonga mumarasha aiva mundiro yevhu asi haana kuda kutara zvizhinji zvezvaanoshandisa.

Mukadzi weshavi akati ane nyoka inogara yakamumonera nguva dzose, iyo inonzi yakauraiwa musi uyu, zvisinei kuti Kwayedza haina kuzviona. Chidende chaiva chawanikwa mumbatya chainzi chaizonopiswa uye vatori venhau vakasiya chiripo.

Mhuri iyi yakataura kuti babamukuru vayo vanonzi ndivo vainge vaturika shavi rehuroyi nekugadzika chikwambo pamukadzi uyu vaizivikanwa nezita remadunhurirwa rekunzi “Shumba yeDande” nenyaya dzehuroyi. Baba chaivo vemhuri iyi vakashaya. Madzibaba Passmore obvunzwa nenyaya yekuti Ashabai akakurirwa sei nezvidhoma izvo zvakazomurova akafa, akati aiva atsaudzira mhiko dzechinamato chavo.

Pasowe iri, iro riri mumugwagwa waOld Mazowe, pakaonekwa motokari dzichiita besanwa, vanhu vachida kushandirwa, asi vamwe vaitiza pavaiona vatori venhau. Mumwe wemadzimai aivapo akazokumbira kumutori wenhau kuti vasashandise mufananidzo wake achiti akange aita zvekutiza kumba murume asingazive. Kusvika pakudhindwa kwenyaya ino, zvainge zvisati zvazivikanwa kuti vanhu vainge vanzi vafe, vachiri vapenyu here kana kuti “minamato” yamadzibaba yakashanda.MACHIREMBA echivanhu akatsinhira nyaya yekuti kune dzimwe n’anga dzinokwanisa kuuraya munhu ari kure dzichishandisa mishonga sewekubaya netsono.

Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano ren’anga, reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti kune n’anga dzinoshandisa mishonga yekuuraya vanhu nenzira iyi apo mimwe mishonga yacho inogona kuti munhu afe pakarepo.

“Zvakaita sekubaya netsono munhu achifa mishonga yaizivikanwa ichishandiswa nen’anga dzekunze, iyo yakazopambirawo muno. Vamwe vanotoona vanhu vavanenge vachida kuuraya mumvura inenge iri mudhishi rakaiswa mushonga, munhu anonzi abaye oga otoona muchibuda ropa oziva kuti afa,” vakadaro VaKandiyero.

“Kazhinji mishonga iyi inobatirira kumunhu waunenge uchida kuuraya kana akakutadzira nekuda kwete nekukanganisa uye kana uchingoda kumuuraya pasina mhosva haubatirire.”

Mishonga yekuuraya vanhu netsono iyi vanoti yakangofanana neinoshandiswa nevamwe yakaita sekugadzira mheni ichinonorova munhu.

“Vamwe vanoita zvekurengerera munhu otobva kumba achienda kubasa ivo votumira mishonga yavo, zvamunonzwa zviya kuti abatwa nemagetsi ari kubasa, atsitsirirwa nemuti, apunzika pamusoro pemba achivaka nezvimwe. Zvimwe zvacho vanhu vanenge vazvikonzeresa nekuda kweruvengo kana kudzosera kutadzirwa kwavanenge vakaitwa,” vakadaro VaKandiyero.

VaFriday Chisanyu, vesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti tsono dzinoshandiswa zvakasiyana pakuroya.

“Nyaya yekuti munhu anogona kuuraiwa netsono zvinoitika, kunyange ari kana kuUK chaiko. Dzimwe tsono dzinobairirwa pamiti mazita evanhu vanenge vachida kuuraiwa nemitupo yavo achitaurwa. Ndivo vaye vamunonzwa kuti angopunzika achiti pamoyo pangu kana kuti parutivi,” vakadaro VaChisanyu.

Share This:

Sponsored Links