Ndinozeza kuenda kuchimbuzi

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Makadii henyu Sekuru. Ini ndiri mudzimai wemakore 30 ekuzvarwa uye ndine dambudziko rekuzeza kuenda kuchimbuzi nekuti ndinorwadziwa pakuita tsvina. Kana ndoita inobuda yakaomarara kunge nhoko dzembudzi. Kuzasi kwacho kune kanyama kariko kanorwadza zvikuru.

Handisati ndaroorwa, vanondipfimba vana vadiki kwazvo kwandiri kana kuti varume vevanhu. Ndanzwa kuenda kumakereke ndichitengeswa oil asi hazvisi kupera.

Kuchipatara ndakambopihwa mubhedha ndichinzi mahaemorroids. Hameno kuti chii Sekuru, handifarirwe nevanhu mumhuri kana pabasa. Ndibatsireiwo.

Mhinduro:

Iwe muzukuru pamwe chete nevamwe vangave nedambudziko serako, hongu mweya yakaipa iriko asi kune zvimwe zvinoitika mukurarama kwedu – sechirwere ichi munhu akafufutirwa, anenge ochinonoka kuenda kuchimbuzi nenguva kusvika tsvina yaomarara iyo inozopedzisira yave kurwadza pakubuda.

Kuti uchienda kuchimbuzi inenge yaomarara wopedzisira wave kugomera sezvo inenge yaita senhoko dzembudzi. Ukazvinonokera unopedzisira wakanganisika upenyu hwako.

Kana ukanonoka kubatsirwa, tsvina iyi inopedzisira yapinda muhura hwako, hura hunosvika hwochekwa sezvo ropa rinenge risisafambe zvakanaka. Ukaenda kuchipatara, hura hunochekwa hwobatanidzwa nehumwe asi unenge usisina utanho hwakanaka.

Asi kune vaye vanorota vachiita bonde nemadzimai kana varume, ndizvo zvinozoonekwa usisacharoorwe, varume kana madzimai vanongokuda asi hamusvike pakuroorana – vanongokusiya. Ndokusaka iwe muzukuru uchingopfimbwa nevana vadiki kwauri kana varume vevanhu.

Uyu mweya wechikwambo unokukanganisira upenyu hwako uchiita kuti usemwe nevarume. Unofanirwa kubatsirwa nekukasika kuchivanhu kuti uzowana murume kwaye anokufarira nekuzokuroora.

Chaungaite iwe kuenda kumahofisi esangano reZinatha ari pedyo newe woratidzwa munhu anokurapa. Zvinopera muzukuru.

— Bvunza Kwayedza pa0775 421 949 kana 0715 942 183

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Twitter: @sekuruelishamutanga

Instagram: @sekuruelishamutanga_official

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey