Ndiri mudzimai ane makore 35

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

MAKADII veKwayedza? Ini ndiri murume ane makore 40 ndiri kutsvaka mukadzi ane makore 35 kusvika 39 anoda zvekuroorwa ari pchokwadi. Ndinoshanda muHurumende. Anoda ndibate pa0773 846 831.

****

Makadii veTishamwaridzane? Ndiri musikana ane makore 20 ndinotsvaka mukomana ane makore 23-29 ari HIV positive wekuwadzana naye. Vanoda ndibatei pa0739 153 079, ndatenda.

****

Hama dzangu ndinokutendai veKwayedza. Ndiri murume wemakore 37 nevana 2 ndiri kudawo mudzimai ane makore 22 kusvika 36 ane vana 2 chero asina mwana. Ngaave anoda munhu kwete hupfumi kana mari. Ndinoshanda, ndibatei pa0771 736 647.

****

Ndiri mudzimai ane makore 35 nemwana mumwe chete ndiri HIV positive uye ndinotsvagawo murume ane makore 35 kusvika 45 ari positive. Ndinoda ari pachokwadi achitya Mwari, sms chete kana kufona pa0778 087 023.

****

Ini ndiri mukomana ane makore 27, ndinonamata Masowe uye ndiri kutsvaga musikana ane makore 18 kusvika 24 ave kudawo zvekumisa imba asina kumboroorwa. Ngaandibatewo pa0777 216 704.

****

Ini ndiri mukadzi ane makore 47 ndinoda murume ane makore 48 zvichienda mberi anoshanda. Ini ndinoita basa remawoko, ndine imba yangu zvimwe tozotaura. Anondida anondibata pa0733 859 362, macall me back kwete.

****

Ini ndiri mudzimai ane makore 35 nevana vatatu ndinotsvakawo murume ane vana wake ane makore 40 kusvika 50 asina mukadzi ari pachokwadi. Ari HIV negative anondida ngaandibate pa0777 424 582.

****

Ndiri mukadzi ane makore 28 nemwana mumwe ndinotsvagawo murume ari pachokwadi asiri HIV positive seniwo anonamata Zaoga, anoenda kubasa. Vari pachokwadi fonai pa0778 851 567.

****

Ndiri kutsvaga musikana wekuroora ane makore 22-28, ini ndine makore 32 ndichiri jaya. Anoda zvekutamba ndinzwirewo tsitsi, nhare dzangu 0772 988 682.

****

Ndiri mukadzi ane makore 30 ndiri kutsvagawo murume ane makore 35 kusvika 40 asina chirwere. Ndine mwana mwana mumwe chete, ari pachokwadi ndibatei pa0776 919 160.

****

Ndiri murume ane makore 37 ndinodawo mukadzi ane makore 25 kusvika 37. Ngaandibate pa0716 285 893.

****

Ndiri mukadzi ane makore 30 nevana 2 ndinotsvagawo murume ari kuda zvekuvaka imba kwete kutamba, akazvipira kunoongororwa ropa, anoshanda. Ngaave asingashoreke pane vanhu nekuti ini handishoreke. Vnobhipa kwete, nhare dzangu idzi 0713 690 998.

****

Ndiri murume ane makore 37 ndiri kutsvagawo mukadzi anondida akavimbika seni ane makore 27 kusvika 33. Ngaandibate pa0777 655 703.

****

Ndiri murume ane makore 34 ndiri kuda musikana wekuroora akavimbika anotya Mwari. Matsotsi kwete, anoda ngaandibate pa0739 690 973.

****

Ndapota imbondishambadzaiwo ndinogara ndichinyora asi hamundiburitsewo. Ndiri murume ane makore 34 nevana vatatu, ndiri HIV positive uye ndinoda mukadzi kana musikana ari positive ane makore 22 kusvika 30. Vanoda ngavandibate pa0716 696 382.

****

Ndiri mudzimai ane makore 24, ndiri HIV negative uye ndiri kutsvagawo murume wekufambidzana naye ane makore 30 zvichikwira. Vasina vakadzi chete ndibatei pa0783 655 347.

****

Makadii henyu? Ndiri murume ane makore 33 nevana 2 ndinodawo mukadzi ane makore 25 zvichidzika anoda hupenyu hwekumusha. Ndinogara kuBindura, nhare dzangu idzi 0777 208 031.

****

Ndiri murume ane makore 37 nevana 2, HIV positive uye ndinoshanda. Ndinoda mhandara yakaberekwa iri HIV positive iri kunwa maARV. Fonai pa0713 837 684.

****

Makadii henyu veKwayedza? Makaita basa ndakamuwana wandaida saka vose vaifona pa0712 548 407 chiregai henyu.

****

Ndinokukwazisai mose. Ndiri murume ane makore 30 nemwana mumwe ndinotsvaka musikana kana mukadzi akavimbika anonamata kuMasowe. Ngaave ane mwana kana asina ave kuda kutovaka musha izvozvi. Ini handina zvirwere, vane makore anotangira 30 zvichidzika kusvika 19 ndibatei pa0713 208 942.

****

Makadii veKwayedza? Ndiri mudzimai ane makore 35 ndinotsvagawo shamwari yeupenyu yakavimbika ane mwana mumwe kana asina. Anoda andibatewo pa0774 738 395.

****

Ndiri mukomana ane makore 25 ndinotsvagawo musikana ane makore 18 – 21 wokuvaka naye imba ari pachokwadi, akavimbika. Kumusha kwangu ndekwaGutu, ndinopinda chechi yeAFM. Munogona kundibata pa0776 249 731.

****

Ndiri mukomana ane makore 28 ndinotsvagawo musikana wekuroora ane makore 19 kusvika 23. Ari HIV negative ngaandibate pa0774 452 870.

****

Makadii zvenyu? Ndinotsvagawo mukadzi anoda zvemba, ndine mwana 1. Anondida nhamba dzangu 0733 156 395.

****

Makadini veKwayedza? Ini ndiri mukadzi ane makore 34 nevana 4 ndiri kutsvakawo murume wekuwadzana naye mukuru kwandiri uye ane vanawo vake. Ari paidi, ndaneta nematsotsi, ane zvaanoitawo muupenyu ari positive ngaandibate pa0776 794 999.

****

Makadii henyu? Ini ndiri mudzimai ane makore 36 nemwana mumwe chete ndiri kutsvakawo shamwarirume iri pachokwadi ine makore 40 — 45. Nhare dzangu 0773 295 522.

****

Ndiri mukadzi ane makore makumi mana ndinoda murume ane makore makumi mashanu zvichikwira anoshanda uye anogeza. Kana aripo ngaandibate pa0773 274 384.

****

Ndiri kutsvagawo musikana ave kuda nezvemba, ndine makore 36 saka ndinoda ane makore 30 zvichidzika. Ngaave mudzidzisi kana mukoti, achinamata ane rudo akanaka pamwe nerukudzo. Ndifonerei pa0738 808 187.

Makadii? Ndiri musikana ane makore 21 ndiri kutsvagawo mukomana ane makore 25 kusvika 29 anoda kuroora. Vanoda ndibatei pa0783 264 802.

****

Ndiri murume ane makore 30 ndinotsvagawo musikana ane makore 22 – 26 asina mwana. Anofona kana kundibata paWhatsApp pa0774 763 083.

****

Ndiri mukomana ane makore 33 ndinotsvagawo musikana kubva pamakore 20 kusvika 32. Nhare dzangu idzi 0716 090 330.

****

Makadii veKwayedza? Ndiri mudzimai ane makore 28 nemwana 1 ndinoshanda basa remumba uye ndinotsvakawo murume ari pachokwadi ane makore 30-37 ane vana. Nhare dzangu idzi 0714 215 680.

****

Ndiri mudzimai ane makore 32 nevana 4 ndinotsvagawo murume ane makore 38 – 40 asi vakambofona panhamba idzi 0776 907 948 musafone zvenyu ndapota hangu. Ndinodawo asina chirwere.

****

Makadini veKwayedza? Ini ndiri mudzimai ane makore 40 nevana vaviri uye ndinotsvaga murume ane makore 45 kusvika 60. Nhamba dzangu idzi 0733 490 358, paWhatsApp ndiripo zvizhinji tozotaura.

****

Ndiri mukomana ane makore 26 ndinotsvagawo munhukadzi wekushamwaridzana naye ane makore 25 zvichidzika, ngaave ari muHarare. Tumirai sms kana kufona pa0733 764 606 chero ipi zvayo nguva. Makaita basa veTishamwaridzane vese vaifona pa0717 019 960 ngavachirega zvavo nekuti ndakawana wandaida.

****

Ndiri murume ane makore 31 ndiri kutsvaga mudzimai ane rudo, anogeza anoshanda uye akaendawo kuchikoro ari HIV negative. Anoda nhamba dzangu idzi 0776 581 278.

****

Makadii veKwayedza? Ini ndiri mudzimai weChishano ane makore 40 ekuberekwa, ndiri HIV negative uye ndiri kudawo murume ane makore 44 kusvika 50 anoda kuti tichengetane, ari pachokwadi. Anoda ngaandibate pa0735 434 793 asi macall me back kwete.

****

Makasimba here? Ndinotsvakawo murume anoda zvekuroora ari positive asingaratidzike ane makore 30 kusvika 35. Ini ndine makore 25, nhamba dzangu 0715 213 818.

****

Ndiri mukomana ane makore 24 ndinoda musikana ane makore 19-23 ave kuda zvekuroorwa pachokwadi. Imba ndakatenga kare, ndinogara muno muHarare. Fonai pa0733 448 671.

****

Ndiri mukadzi ane makore 29 nevana 2 ndinodawo murume ane makore 35 – 45 ari pachokwadi asina mukadzi. Vanoda ndibatei pa0777 428 757.

****

Ini ndiri murume ane makore 50 ndinodawo mukadzi wekuroora. Anondida ngaandibate pa0715 309 329.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>