Uncategorized

‘Ndiri mukadzi wenjuzu’ l Tsvarakadenga yakatiza musha ichinogara murwizi

13 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
‘Ndiri mukadzi wenjuzu’ l Tsvarakadenga yakatiza musha ichinogara murwizi ROSYLINE Chakanyuka

Kwayedza

ROSYLINE Chakanyuka

ROSYLINE Chakanyuka

KUNE musikana wechidiki wekwaMurambinda, kuBuhera, anonzi akareurura kuti anoba achishandisa shavi renjuzu uye anoitwa mudzimai neimwe njuzu kurwizi rweko.

Rosyline Chakanyuka (19), wemubhuku raGosho, kwaShe Makumbe, akatombosungwa nemapurisa epaMurambinda svondo rapera achipomerwa mhosva yekubira vamwe vagari venzvimbo iyi apo akazobuda pachena kuti anoshandiswa nenjuzu.

Rosyline anonzi akati nguva zhinji paanoita mabasa ake aya, anenge asingazive, akaputirwa nechadzimira.

Mai vaRosyline, Mai Tecla Chashaya (48), vakatsinhira dambudziko rine mwana wavo uye kuti akatombosungwa nemapurisa abira vamwe vanhu vemunharaunda.

Mumwe mupurisa akataurwa naye anoshandira kwaMurambidza, uyo akaramba kudurwa zita rake nekuda kwemutemo webasa, anoti musikana uyu haana kumbonyara kutaura kuti anogara nenjuzu uye mbatya dzake dzakatowanikwa dziri mukati metsanga kurwizi rwaMwerahari.

“Musikana uyu akazobatwa nevamwe vakomana vanogara muno maMurambinda, vanova maRasta, avo akambobira. Achitaura nemapurisa, akati anogara nenjuzu kurwizi rwaMwerahari, uko anoshandisa masimba enjuzu idzi kurezva varume uyewo nekunoba pasina anomuona,” akadaro mupurisa uyu.

Rosyline anonzi akashaikwa kumba kwavo mumwedzi waKubvumbi gore rino uye vabereki vake vange vachitomutsvaga.

Vabereki ava vanonziwo vakazoshevedzwa kukamba yemapurisa mushure mekusungwa kwake achipomerwa nyaya dzekuba.

Rosyline, uyo anonzi “imhenya” pahunaku uyewo achichena zvikuru, anonzi akabuda pachena kuti varume vose vaanodanana navo haashinhe navo asi kuti vakangomupa mari bedzi, anobva avanzvenga achishandiswa nemashavi enjuzu. Mari yaanenga apihwa anonzi anonotenga mbatya dzakanaka nezvekudya.

“Mapurisa akazotorana nemusikana uyu vakaenda naye kurwizi rwaMwerahari kwaaiti ndiko kwaaigara nenjuzu. Vakanowana bhegi rembatya dzake mutsanga maiva nemvura riine mbatya dzaiva dzisina kunyorova.

“Rimwe bhegi raiva nemafuta ekuzora nemapefiyumu, matawuru netumwe tunonhuwirira raiva kuchikomo chebooster mubako mumahombekombe erwizi urwu.”

Rosyline anonzi akataurira mapurisa kuti paakabva kumba kwavo, akaenda kuChivhu uko aigara mune rimwe dhamu reko nenjuzu.

“Musikana uyu anoti dzimwe nguva anorota akakomberedzwa nenjuzu achipinda mumvura, apo anotozoona ari mudziva kana kuti pamusoro pematombo murwizi. Vabereki vake vakatsinhira kuti aingova nedambudziko rakadai kubvira ari Grade 4 kusvikira izvozvi, uyo akatopedza Form 4.

“Vabereki vemwana uyu vakataura kuti vanotoda rubatsiro nekuda kwezvinoitika kwaari. Zvichakadai, mwana uyu takazomuburitsa muchitokisi zvaonekwa kuti nyaya yake ine chekuita nechivanhu,” akadaro mupurisa uyu.

Rosyline anonzi akati anotorwa nerimwe zimunhu rakasimba zvikuru, rinopinda naye mumvura richinomuita mudzimai pamadiro.

Nyaya yake inonzi yakabuda apo akanga abira Gilbert Kamhunga (28) nevamwe vaanogara navo vanomwe mari inosvika $45 nenharembozha. Anonzi akasvika pamba pevarume ava achiti kune vanhu vaimudzingirira nemabhodhoro vaiva vakawanda apo aibva kurwizi rwaMwerahari.

Kwayedza yakaudzwa naKamhunga kuti:

“Nyaya iyi yakatanga nemusi wa9 Chikumi apo musikana uyu akauya kumba kwedu achiti aimhanyiswa nevanhu. Ini nevanin’ina vangu tikatombomhanya kutevera kwaaiti aiva aona vanhu tikashaya kana munhu.

“Takazomupa pekurara, mangwanani acho tikamuka tikamusiya pamba ndokuzodzoka tikawana mumba mazara mvura asi zvigubhu nemvura yedu yaiva mumba isina kuraswa uye $45 yaivemo musisina.”

Kamhunga anoti vakashamiswa apo vakapa Rosyline mapaketi emaputi masere akapedza kuadya vakatarisa mukati menguva diki-diki ndokunwawo marita maviri emvura.

Kamhunga anoti vakazonyeverwa nevamwe vanhu kuti musikana uyu aiva aonekwa kwaMurambinda apo vakamutevera vakamubata ndokumuendesa kumapurisa uko akanoburitsa nyaya yekuti anoshandiswa nenjuzu.

“Takaenda nemapurisa kurwizi kwaaiti aigara mutsanga tikanowana bhegi rake raiva nembatya nerimwe raiva nebhutsu nepefiyumu zviri mubako. Kwete mbatya dzenhando, izvi zvipfeko zvepamusoro uye musikana uyu akanaka zvikuru,” akadaro Kamhunga.

Rosyline anonzi aionekwa pamusika wemabhazi paMurambinda panotambwa mutambo wesnooker apo aienda kunorezva varume vaaizotorera mari nezvimwe zvinhu.

Vamwewo vanhu vaiwacha murwizi rwaMwerahari vanonzi vaingoerekana vashaya mbatya dzavo.

Amai vaRosyline, Mai Chashaya, pavakataurwa navo neKwayedza panhare vakati vari kutsvaga rubatsiro rwekuti dambudziko rine mwana wavo ripere.

“Musikana uyu akatiza pamba munaKubvumbi akatora $70 achibva aenda kuHarare. Iyi inyaya yemumusha, tinoda kubatsirwa uye kwandiri haana zvizhinji zvaanotaura asi dambudziko riripo kubva ari mudiki,” vakadaro.

“Ichokwadi kuti akambosungwa kwaMurambinda achinzi aitaura kuti anoshanda nenjuzu. Akazoburitswa zvake takumbira kuti tinoda kufamba naye,” vakadaro amai vacho.

Kune vanoda kubatsira Rosyline vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 928 860.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, vanoti vanoda nguva yekuongorora nyaya iyi.

 

 

Share This:

Sponsored Links