Ndoda upi murume?

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

KWAMURI tete
Makasimba here tete? Ndiri mukadzi ane makore 31 okuberekwa. Ndainge ndakarorwa tiine mwana mumwe chete.
Ini nemurume takasiyana makore maviri adarika mushure mekunge ndatadza kubata pamwe pamuviri. Aigarondirova, achindituka kusvika ndaenda kumba kwevabereki vangu. Iye akasara akatombogara nemumwe mukadzi.

Zvino ini ndakazowana pakadawo moyo wangu, tikafambidzana kusvika pari nhasi ndava kuda kutoroorwa. Apa baba vemwana wangu ndipo paava kuuya achiti ndokumbirawo ruregerero tidzokerane. Akatoenda nekwanababa vangu ini ndisingazive ana baba vava kuda kumunzwisisa.

Ndoitawo sei tete ndave kufunga kuti ko ndikaroorwa neuyo mutsva ko mimba ikasazobata anodiniwo, haazondirambi here? Murume wekutanga ari kuti ukaramba kuti tidzokerana ndinozviuraya. Ndapererwa tete ndibatsireiwo nemazano.

Joyline Mutsetsemwa.
Bindura.

MHINDURO:

Rako harisi dambudziko rakakura muzukuru. Makare-kare kuti uite mutupo miviri zvaiera, waiziva kuti zvikadaro vana vacho havaizokwanisa kuwirirana uyewo vanoita nedambudziko rekuvengana vana ivava.
Kana baba vemwana wako vari kutodzoka mugamuchire, nokuti sezvawataura kuti akambowana mushure mekunge masiyana, zvinoratidza kuti akazviona kuti iwe ndiwe mukadzi waanotokwanisa kugara naye.
Iyi nyaya yembereko kana wakatomboita mwana naye hapana chinokonesa kubata pamwe pamuviri, zvingangotora zvazvo nguva asi zvichaita.
Makore ano kumwe kunonoka kubata mimba kuri kukonzerwa nenzira dzave kushandiswa kuronga mhuri, ukatora nguva yakareba uchidzivirira mimba, kuzobata pamuviri kunogona kumboti netsei, asi zvichizoita zvazvo.
Dzokeranai muzukuru kuva nevana vane mutupo mumwe chete kwakangonaka.
Uye kana zvadaro monyatsogara pasi motaurirana panyaya dzekukurova idzo anoita nekuti hazvina kunaka, zvinokanganisa utano, uye zvinokanganisa pfungwa dzevana.
Murume iyeyu anogona kusungwa nemhosva yekukushungurudza saka tauriranai.

Tete.

Share This:

Sponsored Links