Uncategorized

Ndoita barika here?

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Sekuru, ndine dambudziko rekuti musikana akauya kwandiri achiti ane mimba yangu, apa ini ndine mukadzi. Ndodini?

MHINDURO:
Iwe muzukuru nevamwe vane matambudziko erudzi urwu, uyu mweya wakaipa kana weshaisano unokutuma kuita saizvozvi. Iwewe unonyatsoziva kuti ndiwe wakamitisa mwana wevanhu asi wava kuda kubatsirwa kuti umurasise, uhu hutsinye.

Ndizvo waiziva kuti haumude musikana uyu, sei wakamunyangadza? Kana ukasamutora iwe, unoti ndiyani achada kutora musikana wawakabvisa humhandara? Pawaishereketa naye waisaziva here kuti une mudzimai kumba?

Ini ndinoti iwewe watova nebarika, udza mudzimai wako chokwadi chekuti waiita chipfambi zvino musikana ava nemimba yako. Usapedza nguva uchitsvaga kuti ungararisa musikana uyu sei nekuti iwe ndiwe wakazvivambira nyaya iyi wega, roora mwana wevaridzi kwete kumurasisa.

Ko kana wakamupa chirwere nekuda kwekusagutsikana nemudzimai mumwe chete kwako unoti achaita sei? Pamwe kana iye mudzimai wako wemumba wakatomupawo denda nekuti hauna kudzikama. Varume nevakadzi vakaroorana vimbikai, gutsikana nemudikani wako mumwe chete waunaye mumba.

Kunemiwo vasikana, musamhanyira kuita bonde nevarume vasati vakuroorai. Chionai uyu musikana ava nemimba apa murume ava kutsvaga nzira dzekumurasisa nadzo. Tanga wabvisirwa pfuma.

Kunewe muzukuru wanyora, ndinoti watova nebarika, tora musikana iyeye ugare naye semudzimai wako wechipiri.

Asi nekuda kwekuti iwewe hauna kudzikama, zvichida pamwe kune vamwe vakadzi vakawanda vawakashinha navo.

Naizvozvo ndinokurudzira kuti uende nevakadzi vako vaviri ava kuchipatara kuti munoongororwa chirwere cheAIDS nekukasika. Ndiko kuti mugonyatsoronga remangwana renyu.

— Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga pa: 0714 200 007 / 0775 421 949

Share This:

Sponsored Links