Ndomuroora here?

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Ndiri mukomana ane makore 25 uye ndiri kufambidzana nemusikana mukuru kwandiri nemakore maviri. Dambudziko nderekuti apa ndipo pada moyo wangu zvekutoti ndava kutoroora. Zvino vabereki nehama dzangu vakazviziva havazonetse here?MHINDURO:Hazvikurudzirwi hazvo kuroora mudzimai mukuru kwauri asi chakangokosha kudanana nekuwirirana kwenyu muri vaviri. Kana madanana, rooranai asi tinomboona matambudziko anozouya pashure pekunge vanhu vakadai varoorana.

Tinozoonzwa murume ave kuti mukadzi ava chembere nekuda kwekuti anenge abvira ari mukuru kwaari. Ndipo paya patinozoona iwe murume wave kutsvaga mumwe mukadzi wechidiki nekuti unenge wotanga kusema mudzimai wako mumba uchiti achembera.

Kunyange imi vaviri mukawirirana, vekunze ndivo vane tsika yekutaura tusina maturo utwo twunozoita kuti mugume mapesana. Asi ini ndinoti kana imi vaviri mawirirana bedzi, hapana chinoramba, saka rooranai.

Bvunza Kwayedza pa0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Share This:

Sponsored Links