Ndoramba ndakanyarara here?

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MAKASIMBA here tete? Ini ndiri murume ane makore 52 ekuberekwa, ndakaroora uye ndine vana vashanu. Dambudziko rangu nderiri:

Mukadzi wangu anogara kumusha ini ndichigara mudhorobha nevana, vamwe vacho vakaroorwa. Nemudzimai wangu tainetsana achinditi ndinoita zvechipfambi. Asi sezvineiwo, iye ndakazomubata nechikomba. Ndakanyatsovawana wakarara mumba mangu kumusha.

Sevanhu takura, ndakaona zvisingakodzeri kudaidzira pandakavabata saka ndakagara nemukadzi wangu pasi ndikati izvi ndezvipi zvawava kuita. Handina kumurova nekuti ndaida kuti andiudze chokwadi asi akandipindura achiti, “Kuti iwe hauitewo zvechipfambi here?”

Ndakaedza kutaura naye asi haana kundinzwisisa, akandipindura achiti ingawani mutemo unoti yava 50 – 50, murume akaita zvechipfambi mukadzi ngaitewo zvimwe chetezvo.

Nyaya iyi iri kundirwadza tete kubvira pandakabatikidza mudzimai wangu nechikomba. Ndongoramba ndakazvinyarara here sezvandakaita pekutanga apo ndakanyara kuudza hama? Ndakanyarara hangu asi zviri kundidya moyo.

Nekuda kwekuti ndakanyarara kubva pakutanga, hazvishamise kuti vanhu ava vachiri kudanana. Tete ndibatsirei kuti ndofambisa sei nyaya iyi.

Title Katakwe.

Karoi.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rinorwadza zvikuru. Nyaya ye50 – 50 yaunotaura haiti vakadzi vevanhu vaite zvechipfambi, kana ivo Musiki havakurudzire kuti munhu anenge atadzirwa atsive.

Nyaya dzekuenzanisa kodzero dzakanyanya kunangana nekumabasa, kuitira kuti kusava nekudzvinyirirana mukushanda pakati pevanhukadzi nevanhurume kwete kudzimba sezvatava kunzwa izvi.

Pakuroorana mukadzi agara ari pasi pemurume wake, kwete kuti iye oda kuzviisa pamusoro pake. Murume ndiye musoro wemba.

Kana mudzimai wako ari kuita zvechipfambi nekuti anoiti iwe unoitawo zvakadaro, uku kutadza kwake. Iye haana kukubata asi iwe wakamuwanikidza achitoshinha nechikomba mumba menyu.

Mukadzi iyeyu akatowana murume akanaka, anoti amuwanikidza aine chikomba oti huya tigare pasi titaurirane. Dai vari vamwe angadai akabva adzingwa pamusha zuva iroro. Iwe wakaita zvakanaka muzukuru, wakafunga kuti mupedzerane muri vaviri nemudzimai wako nokuti dai zvakasvika kune vamwe, vamwe vacho imhesveri.

Zano randinokupa muzukuru nderekuti iwe chitsvaga hama dzako nedzekumudzimai wako nasadombo vauye vakutonganisei. Kana Bhaibheri chairo rinoti mukadzi anorambwa kana akaita cheupombwe. Ita kuti nyaya yako itongwe nehama dzekwako nedzekumudzimai sadombo aripo. Mukadzi wako ngaataure kuti ndiye aha murume pamusha pako here?

Tete.

Share This:

Sponsored Links