Uncategorized

Ne$1 atova muridzi wemota

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Ne$1 atova muridzi wemota

Kwayedza

CONSTANTINE Musango (56) wekuGlen Norah B, muHarare, ndiye akaita rombo rakanaka rekuhwinha motokari yerudzi rweNissan MP 300 yekambani huru pakudhinda mapapenhau pamwe nekutepfenyura, yeZimpapers, mumakwkwi eOK Grand Challenge ayo akapera svondo rapera pashure.

Kwayedza payakashanyira Musango kumahofisi aanoshanda sachief recording officer kumatare edzimhosva eHarare Magitsrates’ Courts akaratidza mufaro mukuru.

“KuZimpapers ndinoti iyi ndiyo penjeni yangu yamandipa kana ndakatarisawo zera rangu nekuhwinha kwandazoita motokari. Mazorodza pfungwa dzangu nekuti dzange dziri kungopishana kuti ndingazoiwanepi mari yekupedzisa kuvaka imba yangu pamwe nekuendesa vana kuchikoro. Asi nekuda kwaMwari, matambudziko angu atapudzwa.

“Tange tave nemakore mana takangochengeta madoor emba atakatenga, zvino ave kuzoshanda manje. Handina kana mashoko mazhinji asi kuti ndinoti mbiri kuna Mwari nekuti ndivo vanoziva nhunha dzedu kana zuva radzinopera,” vakadaro.

Zimpapers inodhinda mapepanhau anosanganisira Kwayedza, The Herald, H-Metro, The Sunday Mail, Manica Post, Umthunywa, Chronicle, Sunday News, B-Metro, ZimTravel uye ndivo varidzi venhepfenyuro yabata ruzhinji, yeStar FM.

VaMusango vanoti vanogara vachitenga mapepanhau, zvikuru The Sunday Mail neThe Herald, zvinova zvakaita kuti vawana mukana wekuhwinha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey