‘Ne2 poinzi unotorwa kuyunivhesiti’

06 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
‘Ne2 poinzi unotorwa kuyunivhesiti’ Prof Amon Murwira

Kwayedza

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina — Professor Amon Murwira — vanoti munhu anokwanisa kuenda kuyunivhesiti nemapoinzi maviri chete asi mayunivhesiti akawanda anoti anoda mapoinzi mazhinji se13 kana 15 nekuti vadzidzi vanenge vakawandisa apo nzvimbo dzinenge dziri shoma.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo Metropolitan mudare iri, Senator Dorothy Tholakele Khumalo.

Sen Khumalo vaida kuziva kuti sei mayunivhesiti akawanda achiti anoda mapoinzi ari pamusoro se13 kana 15 kuti munhu awane nzvimbo.

“Mubvunzo wangu ndewekuti, sei vanhu vemuZimbabwe tichifunga nezve13 kana 15 poinzi? Mapoinzi mashanu anonzi haaite asi kune dzimwe nyika vadzidzi vanoenda kuyunivhesiti nemapoinzi mashanu asi vachibudirira muzvidzidzo zvavo pakupedzisira. Sei Zimbabwe ichida mapoinzi akawandisa kudaro?” vanodaro Sen Khumalo.

Prof Murirwa vanoti chinangwa chikuru cheHurumende ndechekuti vadzidzi vakwanise kuwana fundo pasina zvibingaidzo zvakanyanya.

“Vanhu kana kuti yunivhesiti ichiti inoda 15 poinzi, imhaka yekuti chidzidzo ichocho chinenge chichida kuitwa nevadzidzi vakawandisa izvo zvinoita kuti pave nemakwikwi evanenge vachitsvaga nzvimbo. Munozviziva here kuti mudzidzi akwanise kuenda kuyunivhesiti anongoda mapoinzi maviri chete? Izvi ndizvo zvatiri kureva.

“Kana tichiti 15 poinzi, zvinenge zvichikonzerwa nekuti hatikwanise kutora vose vanenge vachitsvaga nzvimbo kuyunivhesiti. Tinofanira kuve nezvikonzero kuti sei vamwe vari kuwaniswa nzvimbo vamwe vachishaya,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti mudzidzi ane mapoinzi maviri kana akaenda kuyunivhesiti anokwanisa kubudirira zvikuru kudarika uyo ane 15 poinzi nekuti dzidzo yacho yakasiyana neyekusekondari.

“Regai ndikuudzei chimwe chinhu. Dzidzo yekuyunivhesiti yakatosiyana, ndeyechimwe chikamu. Hazvireve kuti kana une 15 poinzi ukaenda kuyunivhesiti unobuda nedhigirii repamusoro-soro (first class degree). Kwete, uri kupinda mune chimwe chikamu chedzidzo chakasiyana. Avo vane mapoinzi maviri vanogona kutoona vave pamberi nekuti iyi idzidzo yakasiyana,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndicho chikonzero tagara tichiti hatidi kutadzisa vadzidzi kuenda kuyunivhesiti pasina zvikonzero zvakati tsvikiti. Panofanirwa kuve nechikonzero chakasimba. Nyaya iyo yekuti tinoda 15 poinzi chete tave kutoitora sekunge watove mutemo, hakuna mutemo wakadaro. Mutemo unoti mudzidzi anofanira kuve akapasa zvidzidzo zviviri paA-Level.”

Prof Murwira vanoti nyaya yekuwanda kwevadzidzi vanenge vakapasa paA-Level ndiyo inozokonzera kuti mayunivhesiti ati anoda vane mapoinzi epamusoro.

“Unotanga wati mapoinzi mashanu, woona vakawandisa, woti 10 poinzi, wooonawo vakawanda, wozopedzisira wati 15 poinzi.

“Iyi inongova nzira yekuti pave nevadzidzi vakaringana asi hatina mutemo unoti vane mapoinzi maviri havafanirwe kuwana nzvimbo kumayunivhesiti.

“Tinoda kuti munhu wose ane pfungwa anenge asvika A-Level akwanise kuenda kuyunivhesiti. Vanozobatsira zvakanyanya, hatina pfungwa dzekutambisa muZimbabwe,” vanodaro Prof Murwira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>