NetOne yakapa $25 000 kunbsz

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
NetOne yakapa $25 000 kunbsz Lucy Marowa (kuruboshwe) achitambidzwa cheki ye25 000 naVaLazarus Muchenje (vari pakati) vekambani yeNetOne apo vamwe vaive vakatarisa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI yeNetOne svondo rapera yakapa rubatsiro rwe$25 000 kuNational Blood Service Zimbabwe (NBSZ) yekusimudzira zvirongwa zvine chekuita nekupa ropa pamwe neutano munyika. Vachitenda rubatsiro urwu, chamangwiza veNBSZ, Mai Lucy Marowa, vanoti mari iyi ichasimudzira nyaya dzeutano muZimbabwe uye vanokurudzira veruzhinji – kunyanya vanhu vakuru – kuti vape ropa.

“Chikamu che78% cheropa ratiri kuwana riri kubva kune vechidiki – zvikuru vana vechikoro – apo chipo che30% chinobva kuvanhu vakuru. Nokudaro tinokurudzira vanhu vakuru kuti vatsigire zvirongwa zvekupa ropa. Kupa ropa kunochengetedza upenyu hwevakawanda uye hakurwadze,” vanodaro.

Chamangwiza wekambani yeNetOne, VaLazarus Muchenje, vanoti aka hakasi kekutanga vachishanda neNBSZ uye vane chido chekuramba vachitsigira sangano iri muzvirongwa zvekukurudzira veruzhinji kupa ropa.

“Tapa $25 000 kuNBSZ nekuti tiri vanhu vanoshanda neveruzhinji saka tinoda kuti upenyu hwavo huchengetedze kuti tirambe tichishanda pamwe chete. Vanhu vanopa ropa tinovatenda nekuti vanochengetedza upenyu uye tichange tichivatsigira kuti varambe vaine rudo rwakadzama kudaro.

“Panguva imwe neimwe pasi rose, kune vanhu vanenge vachida rubatsiro rweropa saka zvakakosha kutsigira zvirongwa zvakadai,” vanodaro.

Vanoti vacharamba vachifamba nesangano iri muzvikoro umo vanenge vachitsvaga ropa.
Zvichakadai, mumashoko avo avakatumira vari kuGeneva, kuSwitzerland, munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, vanotenda NetOne nekutsigira kwairi kuita zvirongwa zveutano.

Munguva yadarika, NetOne yakapa NBSZ makaravhani anoshandiswa apo sangano iri rinofamba richitsvaga ropa mumatunhu akasiyana.

Mumwe wevapi veropa, Farai Mpofu, anoti akatanga kupa ropa achiri mudiki uye achine shungu dzekuramba achiita izvi senzira yekuchengetedza upenyu.

“Pandakatanga kupa ropa, taiva kuchikoro asi ndakange ndiri kukwezvwa nezvinwiwa uye chingwa chaipihwa vanhu vanenge vapa ropa nekuti handaiziva kukosha kwazvo. Asi, nekuda kwehunyanzvi hune vashandi veNBSZ, ndakatanga kuona kukosha kwekupa ropa nekuti vaitipa dzidziso. Chandinoona vanhu vazhinji havadi kupa ropa nekutya kubaiwa netsono asi hapana chinomborwadza,” anodaro.

Pari zvino sangano reNBSZ rakavhura muzinda wekupa ropa paJoina City, muguta reHarare.
Munguva pfupi yadarika, NBSZ yaikurudzira vanhu vane ropa remhando yeBlood Group O kuti vape ropa iri sezvo rakashomeka.

Vanhu vane Blood Group O vanokwanisa kupa vamwe vane dzimwe mhando dzeropa, ropa ravo pasina dambudziko.
Mamwe maBlood Group ariko anosanganisira A, B neAB uye vose vane mhando dzeropa iri vanokwanisa kupihwa ropa nevane Group O.

Share This:

Sponsored Links