New Curriculum ipei mukana

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
New Curriculum  ipei mukana

Kwayedza

ZIMBABWE inozivikanwa pasi rose munyaya dzebudiriro yedzidzo, izvo zvaona ichienda pamusoro pedzimwe nyika dzose dzemuAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Budiriro iyi yavepo nekuda kwekuzvipira kweHurumende mukusimudzira fundo ichibatsirana nemamwe mapoka akasiyana.

Nedonzvo rekuti dzidzo iyi inge ichifambirana nenguva, Hurumende yakaita kuti pave nechirongwa chekuvandudzwa kwefundo — icho chinodaidzwa kuti New Education Curriculum.

Chirongwa ichi chakauya mushure mekunge bazi redzidzo yepuraimairi nesekondari raita tsvakurudzo yakasimba pamwe nekunzwawo pfungwa dzeveruzhinji.

Pakutanga, pakambobuda mashoko akasiyana-siyana pamusoro pechirongwa ichi apo vamwe vaichitsoropodza asi vamwe vachichitsigira.

Zvisinei, pari zvino veruzhinji vave kuratidza kunzwisisa chirongwa cheNew Curriculum uye zvachinobatsira, zvisinei nekuti panogona kunge paine zvimwe zvichiri kuperevedza pachiri izvo zvichagadziriswa nekufamba kwenguva.

Pasi pechirongwa ichi, vana vanofundiswa zvidzidzo zveSainzi ne- zvemabasa emawoko kuitira kuti vange vachikwanisa kuzozvishandira mune ramangwana.

Izvi zvasiyana nemadzidziro akare apo vana vaingofunda chete vasingakwanise kuzozvimirira mune remagwana sezvo vanenge vaine pfungwa yekutsvaga basa chete.

Zvakadai, svondo rapera mutungamiriri wenyika President Mugabe vakarumbidza gwaro idzva redzidzo reNew Education Curriculum vachiti rinosimbaradza kuitwa kwemabasa emawoko pamwe nezvidzidzo zveSainzi uye rinopa mukana kuzvizvarwa zveZimbabwe wekuti zvinge zvichizvishandira.

Vakataura mashoko aya muHarare apo vaiparura musangano weThird Education Conference and Expo 2017.

Sekutaura kwaPresident Mugabe, gwaro redzidzo iri rinobvisa muvadzidzi pfungwa yekuti kana vapedza chikoro vanofanirwa kutsvaga mabasa, asi kuti varonge kuzvishandira nekushandirwawo.

“Dzidzo yakadai yakakosha nekuti vadzidzi vanokwanisa kushandisa zvavanenge vadzidza mukusimudzira upfumi hwenyika apo vanenge vapedza chikoro. Kwete dzidzo yekuti ugove mushandi bedzi, anoda kushandiswa chete,” vanodaro. Tinowirirana zvikuru nemashoko aPresident ekuti dzidzo inofanira kubatsira mwana kuti agokwanisa kuzvishandira mune remangwana pamwe nekupinza vamwe mabasa.

Zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti Hurumende haina kungomuka zuva rimwe ichifunga kuvandudza dzidzo yemuno asi kuti chirongwa ichi chakauya mushure metsvakiridzo yakadzama pamwe nekuona zviri kuitika kune dzimwe nyika dzabudirira dzakadai seChina.

KuChina kunokosheswa zvidzidzo zvemabasa emawoko izvo zvaona upfumi hwenyika iyi huchisimukira zvikuru.

Semaonero edu, chirongwa cheNew Curriculum chinofanirwa kupihwa nguva pamwe nekutsigirwa zvizere kuti chibudirire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>