New Curriculum ‘mugiya’ dzvuku…Zvikoro 3000 zvava nemabhuku e$9m … Zvimwe 6000 zviri pedyo kubatsirwawo

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
New Curriculum  ‘mugiya’ dzvuku…Zvikoro 3000 zvava nemabhuku e$9m … Zvimwe 6000 zviri pedyo kubatsirwawo Prof Mavima

Kwayedza

Tandayi Motsi
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti Hurumende yawana mabhuku ekuverenga evana neevarairidzi eNew Curriculum anokosha $9 miriyoni ayo akatotanga kuendeswa kuzvikoro 3 000 zviri kumativi mana enyika.

Prof Mavima vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri seMashonaland Central mudare iri, Senator Monica Mavhunga.

Sen Mavhunga vaida kuziva mafambiro ari kuita chirongwa cheNew Curriculum zvichitevera kugunun’una kunoitwa nevamwe varairidzi nevabereki apo vamwe vanoti hapana mabhuku nezvimwe zvinodiwa pakudzidza kana kudzidzisa vana.

“Ndinoda kuziva kubva kune gurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari kuti varairidzi vari kujairira here New Curriculum sezvo pakave nekuchema-chema kukuru apo chirongwa ichi chakatangwa?” vanodaro.

Prof Mavima vanoti pane zvinhu zvakawanda izvo vari muchikamu chedzidzo vaigunun’una nazvo nekuda kweNew Curriculum.

“Chimwe chezvinhu izvi kuongororwa kwebasa remwana nguva dzose (continuous assessment) zvichienderana nemubvunzo unenge wakabvunzwa.

“Vaigunun’unawo pamusoro pezvimwe zvinofanirwa kuitwa nevadzidzi (tasks) izvo vaiti zvakanyanya uye ndinofara kuti zvose izvi takazvibvisa,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti bazi ravo riri kutora matanho akasiyana ekuti kufambiswa kwechirongwa cheNew Curriculum kuve nyore.

“Takwanisa kuwana mabhuku evana neevarairidzi nezvimwe zvinodiwa pakudzidzisa zvinokosha $9 miriyoni.

“Kuendeswa kwemabhuku aya muzvikoro kwakatanga svondo rapera apo takaparura chirongwa ichi kudunhu reSeke District.

“Mabhuku ose echikamu chekutanga echirongwa akatodhindwa kare uye motokari dziri kuendesa mabhuku aya kuzvikoro 3 000 izvo zvatakasarudza,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi: “Takanyatsosarudza tichitoziva zvikoro zviri kunzvimbo dzakasaririra nekuti tinoziva kuti kune zvimwe zvikoro zvinokwanisa kutenga mabhuku aya zvoga uye zvakawanda zvacho zvakatotenga kare. Tichapinda muchikamu chechipiri chechirongwa chekupa mabhuku evarairidzi neevana eNew Curriculum ichi apo tichapa zvikoro 6 000.

“Panguva iyi, tinovimba tinenge tazadzikisa nyaya yemabhuku evarairidzi neevana vechikoro nezvimwe zvinodiwa neNew Curriculum. Tinoramba tichivandudza ruzivo rwematicha nekuti New Curriculum inoda nzira itsva dzekudzidzisa.”

Vanoti chirongwa cheNew Curriculum chakanaka zvikuru.

“Regai nditore mukana uno kuti nditi New Curriculum yakanaka zvikuru. Ichave hwaro hwevanhu vakadzidzira mabasa izvo zvinozoita kuti nyika ino isimukire munyaya dzemaindasitiri pamwe neupfumi.

“Ichatibvisa kubva mu19th century kuenda mu21st century. Iri kukurudzira kufundiswa kwezvidzidzo zvakadai seScience Technology, Engineering neMathematics,” vanodaro.

“Inokurudzira zvakare zvidzidzo zvemabasa emawoko, zvekushandiswa kwemari pamwe nemichina yemazuva ano.

“Saka yakanaka asi kune zvimwe zvinhu zvatinofanira kugadzirisa kuitira kuti kufambiswa kwayo kuve nyore,” vanodaro Prof Mavima.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>