Uncategorized

Newe wakatombobata tsvina nemadzihwa

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

HANDINA kumbobvira ndafunga kuti ndichaenda kujeri. Ndagara handidi kubatwa kana kubatikidzwa ndichiita zvinhu zvinosungisa. Handidi kubatwa ndichiba shuga chaiyo, handidi kubatwa nezvinodhaka nekuti handizoziva zvandinoitiswa nedoro.

Handidi kusungwa kana kusungirwa zvinhu. Ndinoda kupinda nekubuda, kuenda nekudzoka, kusimuka nekugara pandinodira. Asi kusununguka kwerudzi urwu harwuko kujeri.

Asi zvandisingade zvacho ndizvo zvakaitika – ndakaenda kujeri. Ndakaenda kujeri racho chairo remajeri, kuChikurubi. KuChikurubi inzvimbo inotyisa. Hakuna masofa, asi kune varindi vejeri vane pfuti.

Kune fenzi refu kwazvo dzine minzwa kumusoro, kune madziro marefu-refu akavakwa nekongireti inenge simbi, kune makiyi nemakiyi asingaverengeke. Kune cheni nemisuwo inogara yakavharwa.

Asi muzvinhu zvese izvozvo – ufunge zvako, mukati meChikurubi mune vanhu vakafanana neni newe.

KuChikurubi ndakasangana negweta Madhuku achienda kunoona VaChombo. Ndakaonawo Dr Munyaradzi Kereke tikatokurukura. Vandisina kuona ndiGumbura naChipanga, asi ndakaona vasungwa vazhinji kwazvo tikataura tese. Chandakadzidza ndechekuti vazhinji vari mujeri vanhu kwavo nekuti vakabvuma kuti vakatadza. Vakabvuma kuti vakaita zvakaipa uye vanodawo kutanga patsva.

Vasungwa vandakaona kuChikurubi hadzisi mhuka – kana vapari vemhosva vanotyisa sevamajaira kuona paTV. Vasungwa vandakaona vana vevamwe vanhu vakafanana neni newe. Vandakaona kuChikurubi varume vane madzimai avo nevana vakasara kumba ivo vachienda kujeri.

Tine dambudziko rekutarisa vanhu vari kujeri sevatadzi vakafanana nenyoka dzinofanira kurohwa musoro. Asi asina kutadza ndiani?

Vamwe vedu tiri kunze zvedu asi tiri mhondi, uye tine mhosva huru kudarika vakavharirwa. Izvozvi wega une nyaya yawakaita yaunoziva kuti ingadai yakakusungisa, asi wakangopona kukasungwa vaive vasina mhosva.

Pandaive muChikurubi, handina kukwanisa kutaura nevasungwa vese. Asi vandakataura navo vakandidzidzisa chinhu chikuru – hukama haufanire kupera nekuti hama yako yakasungwa. Kusungwa kubviswa pakati pevamwe kuti ambonofunga zvakanaka, asi musungwa haasi marara atinotsvaira tohorera tichinorasira kugomba.

Musungwa munhu ane mweya waMwari. Ichokwadi, anogona kunge akapara mhosva, asi hakuna munhu asingakanganise. Munhu wese akatombobata tsvina kana dzihwa.

Pavasungwa vandakataura navo, pane mumwechete akandirwadza. Akati ndave kubuda, “Baba ndinokumbirawo kuti munditsvagirewo mapatapata ekugezesa. Hapana munhu ari kuuya kuzondionawo.”

Ndakanzwa hana yangu kudhirikira mukati setsime. Ndakafunga murume ari muBhaibheri kuna Johani 5 akanga achirwara uye apedza makore 38 ari paBhetisaidha achida kuporeswa. Bhetisaidha yaive nzvimbo yaigara yakazara nevanhu vaida kuporeswa zvekuti vaiita zvekutsikirirana chaizvo.

Jesu paakabvunza murume iyeyekuti, “Unoda kuporeswa here?”

Murume chirema uyu akati, “Handina munhu . . .” Rimwe Bhaibheri rinoti akati, “Ndinoshaiwa munhu . . .”

Mufunge tine vanhu vari kuda kuonekwa nekubatsirwa nesu, asi vari kushaya vanhu vanovaona. Inini ndine zvandakanga ndafambirawo kuChikurubi, saka ndakanga ndisina kufambira iye musungwa uyu. Musungwa uyu akanga achitsvaga munhu anouya akanangana nekuzokurukura naye. Kushanyirwa nehama ugopihwa mapatapata.

Ndakabva ndafunga kuti neniwo ndine hama yangu iri kuMutimurefu, kuMasvingo. Kubva paakasungwa gore rakapera, handisati ndambonomuona. Pamwe naiyewo haana mapatapata edhora chaiwo.

Panguva ino yeKirisimasi, patiri kubatidza magetsi etumiti tweKirisimasi nekuda kwekufarira kupera kwegore nekuzvarwa kwaJesu, ngatirangarireiwo hama dzedu dziri mumajeri nedzinoshaya. Chikuru rudo, mari inopera. Mwari vakatipa Jesu, ko iwe chii chawapawo mumwe munhu?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey