NGANO: Tsumo nengano namukanya

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
TSURO akaita hushamwari naRwaivhi. Tsuro aishamisika nekushanduka mavara kwaiita Rwaivhi. “Iwe, unozviita sei kuti zvidaro? Ndinodawo kupinduka ruvara,” Tsuro akabvunza mumwe wake.
Rwaivhi akati pwati kuseka akati, “Ndakazvarwa ndakangodaro shamwari. Tese kwaRwaivhi tinongopinduka saizvozvi. Handigone kukudzidzisa kushanduka mavara nekuti ini ndiri rwaivhi, iwe uri tsuro. Zvipo hazvifanane shamwari, saka vakuru vakati, “. . ., upfumi hahuna kuenzanwa.”

. Tsumo yacho: Chakaenzanwa ibvudzi, upfumi hahuna kuenzanwa.
* * *
Svondo rino:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:
RIMWE gore Mhembwe akadanana naNjiri. Tsuro akati kuna Mhembwe, “Washaya mukomana kwaye here asina mazino akabuda panze?” Mhembwe akati, “Njiri ndinomuda akadaro Tsuro.”
Nzou akati, “Njiri ane mhopo, zvakare anogara akasviba nguva zhinji.” Asi Mhembwe akati, “Imi, ndisiyei kani. Ndasarudza zvandinoda.”
* * *
Mhinduro svondo rinouya.
. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey