‘Ngatibvisei rusarura kune vane hiv’

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
‘Ngatibvisei rusarura kune vane hiv’

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika, First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vanoti vanokurudzira mapoka akasiyana anorwisa kupararira kweutachiona hweHIV neAIDS kuti asimbise zvirongwa zvawo kuitira kuti pasave nekusarurwa kwevanhu vari kurarama neutachiona uhwu.

Vachitaura svondo rapera nemusi weMugovera kuzviuru nezviuru zvevanhu vaive vakaungana paRujeko High School kuGlendale, kudunhu reMashonaland Central pamhemberero huru dzeWorld AIDS Day 2018, First Lady Amai Mnangagwa vanoti National AIDS Council nemamwe  mapoka ainoshanda nawo vanofanira kusimbisa zvirongwa zvinosandura mafungiro everuzhinji pamusoro pevanhu vanorarama neutachiona hweHIV neAIDS.

“Matanho aya achabatsira kuti munhu wose agoziva paamire pamwe nekuzvigamuchira,” vanodaro First Lady Amai Mnangagwa.

Vanoti zviri kunyanya kudzorera kumashure hurongwa hweHurumende hwekurwisa kupararira kweHIV inyaya dzerusarura kune vari kurarama neHIV.

Vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vanenge vaine pamuviri vavhenekwe HIV uyewo kusanganisira nevechidiki kuti vazive pavamire.

First Lady Amai Mnangagwa vanoti vanokuridzirawo Hurumende nemakambani akazvimirira kuti vawedzere mari yekurwisa HIV.

Vanoti zvakakosha kuti vanhu vanovhenekwa zvirwere zvepabonde, rurindi negomarara vange vachiwanda nechinangwa chekudzikisa ndufu dzinokonzerwa nezvirwere izvi.

“Makambeni eHIV nekuvhenekwa kwechirwere chegomarara zvinofanirwa kusvika kumativi mana ose enyika kuitira kuti munhu wose ange achibatsirika,” vanodaro.

First Lady Amai Mnangagwa (vechipiri kubva kuruboshwe) vaina Dr Moyo (kurudyi) negurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland Central Cde Monica Mavhunga (kuruboshwe) vachisvika pamhemberero dzeWorld AIDS Day kuGlendale svondo rapera.

Vachitaurawo pagungano iri, gurukota rebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana Dr Obadiah Moyo vanoti Hurumende icharamba ichikurudzira chirongwa chekuti vanhu vazvivheneke voga HIV pamwe nekuona kuti pave nedziviriro kubva mukutapurirwa utachiona uhwu.

“Nekuda kwemaARVs, vanhu vari kurarama neHIV vane utano hwakanaka, asi vamwe vacho vari kutambudzwa nezvirwere zvakadai segomarara, zvemowyo pamwe neitsvo nekudaro matambudziko aya anofanira kunge achigadziriswa,” vanodaro Dr Moyo.

Vanoti bazi ravo rakazvipira kupedza kupararira kweAIDS panosvika gore ra2030.

“Ticharamba tichishanda nesimba mukusimudzira nyaya dzeutano kusanganisira kuona kuti mari yekunze yawanikwa yekutenga mishonga, iyo ichange ichizoendeswa kumafamasi akazvimirira,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo rinoda kuti gwara remutemo ringe richitevedzwa maringe nemishonga inobatsira vane HIV.

“Pakadai apa panoda umboo hwakasimba kuitira kuti tisaise hupenyu hwevanhu vanenge vari kutora maARV zvakanaka panjodzi,” vanodaro.

Dr Moyo vanoti vanhu vanenge vachiti vawana mushonga wekurapa HIV vanofanira kuendesa umboo hwavo hwakazara kunyanzvi dzezveutano dzinoona nezvetsvakurudzo, votevera gwaro rinodiwa nemutemo kuitira kuchengetedza hupenyu hwevanhu.

Mhemberero dzegore rino dzeWorld AIDS Day dzakaitwa pasi pedingindira rinoti:  “Ziva paumire, Pandimire, hupenyu hwangu, utano hwangu”.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>