Ngatizivei nezveSyphilis

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Ngatizivei nezveSyphilis

Kwayedza

SANGANO reNational Aids Council (NAC) mumakore apfuura rakange riri kutenga zvinovheneka chirwere cheSyphilis (test kits) senzira yekuona kuti vanhu vese vavhenekwa uye kurapwa chirwere ichi.

NAC iri kuona zvakare kuti vanhu varamba vachiwaniswa dziviriro kuburikidza nekushandiswa kwakanaka kwemakondomu uye kuwaniswa ruzivo maringe nezvirwere zvinotapuriranwa pabonde.

Svondo rino tinokupai dzidziso pamusoro pechirwere cheSyphilis kuti chakamira sei.

 

Chii chinonzi Syphilis?

Syphilis chirwere chinotapuriranwa nenzira yebonde uye chinounza matambudziko makuru kana chikasarapwa.

Zviratidzo izvi zvinowanikwa muzvikwata zvakadai seprimary, secondary, latent nelate Syphilis.

 

Chinoparadzirwa sei?

Vanhu vanogona kuwana chirwere ichi kuburikidza nekusangana nemunhu anacho nenzira dzakadai semaronda anenge ari panhengo dzakavandika, bonde remumukanwa kana riye rinoitwa nenzira inobudisa tsvina (anal sex).

Maronda anogona kuwanikwa panhengo yababa yavakandika kana yaamai pamwe nenzvimbo dzinorasa tsvina yemumuviri kana pamuromo chaiwo.

Chirwere ichi chinogona kutapurirwa kubva kuna amai chichienda kumwana asati azvarwa.

 

Chakamira sei chirwere ichi?

Chine zviratidzo zvakawanda zvakafanana nezvimwe zvirwere nokudaro chinovhiringidza kana usina kuvhenekwa kuti uchizive.

Unoita maronda anenge aine bvudzi pamusoro kana kuti akangotsemuka-tsemuka kunge zipi yehembe asi mamwe anogona kungoita mapundu akakura asingarwadzi. Kana asina kuwana rubatsiro chirwere chinoenda padanho rechipiri (secondary). Pachidanho chepiri, murwere anoita twumapundu twudiki twusingarwadzi mumaoko, mutsoka kana mumuviri wese. Syphilis inogona kukanganisa maziso zvekutokonzera hupofu kana ikanonoka kurapwa.

Vamwe vanogona kuita zviratidzo zvishoma kana kutozvishaya zvachose asi vaine chirwere ichi.

 

Tingaderedza sei mikana yekutapurirwa chirwere ichi?

Nzira imwe chete yekudzivirira zvirwere zvepabonde kuregedza kuita bonde risina dziviriro ringave remumukanwa, rekunobuda netsvina kana rekushandisa nhengo dzesikarudzi.

Kuva vanhu vakavimbika muwanano yemurume mumwe chete nemukadzi mumwe.

Kushandisa makondomu nemazvo nguva dzose.

 

Ndiri panyatwa here yekubatira Syphilis?

Munhu wese anokwanisa kubatira chirwere uchi, zvikuru sei kana achiita bonde risina dziviriro.

Taura nachiremba zviri pachena kuti uone kuti ungavhenekwa here chirwere ichi uye unokwanisa kuramba uchivhenekwa zvikuru sei kana wakazvitakura kana kuti kana uine vadikanwi vakaonekwa vaine chirwere ichi.

 

Ndine pamuviri ko mwana wangu akangabatwa here nechirwere ichi?

Kana uine chirwere cheSyphilis unokwanisa kuzvara mwana anechirwere ichi. Kana amai vaineSyphilis vanogona kuzvara mwana ane huremu hwakaderera zvikuru uye vanogona kusununguka nguva isina kukwana kana kuti kusununguka mwana akafa.

Kuti uchengetedze mwana wako, unofanira kuvhenekwa usati wasununguka uye kukasika kurapwa kana uchinge waonekwa uinacho.

Mwana ane Syphilis anogona kuzvarwa asina zviratidzo asi kana asina kurapwa chirwere ichi chinogona kuzouya chine uturu hwakanyanya mushure memasvondo mashoma.

Vana vanenge vasina kurapwa chirwere ichi vanogona kuita tsanga mumaziso, kutadza kunzwa, kuita pfari kana kurasikirwa neupenyu.

 

Ungaziva sei kuti une Syphilis?

Zviratidzo izvi kuvanhu vakuru zvinowanikwa muzvikwata zvitatu.

 

Primary Stage:

Pachidanho chekutanga cheSyphilis unokwanisa kuona ronda rimwe chete kana mapundu akawanda.

Ronda iri rinoratidza panenge pakapinda nechirwere ichi. Maronda aya kazhinji kacho anenge akaita denderedzu asingarwadzi. Nekuda kwekuti maronda aya anenge asingarwadzi, unogona kunonoka kuaona. Maronda aya anotora masvondo matatu kana matanhatu kuti apere uye tinofanira kurapwa kuitira kuti asaende pachidanho chepamusoro (secondary stage).

 

Secondary Stage:

Pachidanho ichi, unogona kunge wava netwumapundu paganda kana mumukanwa nepanhengo yavakavandika uye nzvimbo inobuda netsvina.

Mapundu aya anogona kupora mushure mekupora kweronda.

Mapundu aya anenge akaomarara uye akatsvuka uye anogona kuwanikwa muchanza nemutsoka. Zvimwe zviratidzo zvinosanganisira kuzvimba kuseri kwenzeve kana kuti mwandabvu, kurwadziwa nepahuro, kurasikirwa nebvudzi, kutemwa nemusoro, kuderera kwehuremu hwemuviri, kurwadziwa mumamhasuru nekuneta. Zviratidzo izvi zvinopera paunotora mishonga.

 

Latent neLate stages:

Padanho iri, zviratidzo zvaunenge uinazvo zvinongobva zvangopera uchibva waregera kurapwa izvo zvinoita kuti urarame nechirwere ichi kwemakore anodarika 10-30. Izvi zvinogona kuti munhu aome mitezo yemuviri, kutadza kutaura, kuona kana kurasika kwenjere zvichizokonzera ndufu.

 

Chiremba wangu angaziva sei kuti ndine syphilis?

Munguva zhinji, munhu anogona kutorwa ropa kuti aonekwe kuti ane syphilis here asi zvichiitwa nemachiremba akafundira basa pamwe pacho vachitora mvura dzinenge dziri paronda kuti dzinovhenekwa.

 

Chirwere ichi chinorapika here?

Hongu chirwere ichi chinorapika kana ukapihwa mishonga chaiyo nemachiremba.

 

Ndakarapwa syphilis ingadzoke here?

Kuva nechirwere cheSyphils hakurevi kuti hauchachibatira zvakare. Kunyangwe uchinge warapwa unokwanisa kuzochibata zvakare kana kututsirwa chirwere chiri mauri (re-infection). Kumarabhoritari kunovhenekwa vanhu ndiko bedzi kunogona kuonekwa kuti munhu ane chirwere ichi here kana kuti kwete.

Ramba uchienda kunobatsirwa nemachiremba.

CAPTIONS: Secondary rash inokonzerwa nesyphilis mumawoko

Secondary rash inokonzerwa nesyphilis kumusana

Share This:

Sponsored Links