Uncategorized

Ngozi chinombova chii?

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

PANE zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti munhu amuke ngozi kunyangwe vanhu vazhinji vachifunga kuti anenge afa achiita zvekupondwa ndiye bedzi anogona kupfuka.

VaGeorge Kandiyero, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha) vanoti ngozi kurwisa kwemweya wemufi pane zvaanenge akakanganisirwa kunyangwe uyo anenge akafa asina kuitwa zvekupondwa.

“Kudya pfuma yemunhu wausina ukama naye kana kutora mukadzi wemunhu chaiko, munhu iyeye akafa aine chigumbu anogona kukupfukira ngozi. Kana kuona munhu akafa worega kuzivisa hama dzake anokudzokera wotozonzwa nekufamba kwenguva mhuri yako yave kutambudzwa nezvinhu zvakadaro,” vakadaro VaKandiyero.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaFriday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association.

VaChisanyu vanoti: “Ngozi kudzoka kunoita mweya wemushakabvu kuzorwisa kana kuburitsa pachena chokwadi chinenge chakaitika mukufa kwake.

“Semuenzaniso, muno muZimbabwe, Ambuya Nehanda nevamwe vavo vakaurairwa ivhu nevachena mweya yavo yakazopfuka sengozi pakabva paita chapwititi chehondo yakapisa matanda manyoro. Vachena vakozoripa ngozi iyoyo nokudzorera ivhu kumhuri yeZimbabwe.”

Vanoti zvigumbu zvinodzosa mufi semweya wengozi zvinosanganisira kupondwa, kushandiswa pasina muripo kana kuparadzwa kwemidziyo, kunyanya yevakadzi nevanhu vasiri vedzinza ravo.

Vanotizve munhu kana achinge afa, mweya wake unonosangana nevekwake vanenge vakafa kare voita matare ikoko vachibvunzana zvavakakanganisirwa izvo zvinozoita kuti mweya idzoke kuzorwisa sengozi.

“Midzimu ndiyo inodzosa mufi kuzorwisa kana kuti yatinoti ‘revenge’ pachiRungu,” vakadaro VaChisanyu.

Vanoti magodobori nevanosevenzesa mari kutuma vamwe vanhu kunoponda havabatwe nengozi asi kuti inozobata avo vanenge vakatumwa kunoponda.

“Kuuraya mwana wako kana hama ingozi inotopera nekuripwa kwete kuti ukanamata mozvinyepera kuti zvapera, kuripa ndiwo mushonga,” vakadaro.

Vanoti zviratidzo zvekuti ngozi yapinda mumusha zvinosanganisira kufa kwevanhu zvisina tsarukano, kurasika njere nekurwisana zvisinganzwisisike.

Vamwewo ndivo vanogona kuona mashiripiti kana kusangana nemufi kuhope dzavo kana kumuona pavanofamba.

Mweya wemushakabvu unogona zvakare kubuda mudzinza ranyakupara mhosva yacho uchiita semudzimu apo unotaura zvinenge zvakaitika pakufa kwake uye maripirwo anofanirwa kuitwa ngozi yacho.

Mutevedzeri waVaChisanyu, VaItai Bakasa, vanoti dzimwe nguva nyakupara ngozi anogona kuiripa asi yoramba kupera izvo zvinoreva kuti pane zvinenge zvakanganiswa.

“Ipapo zvinenge zvaratidza kuti maripirwo akaitwa ngozi haana kugutsa mufi,” vakadaro.

Mbuya Marita Ridhi vanoti kana mumusha maita ngozi vemhuri vanofanira kubatana pakugadzirisa dambudziko iri.

Vanoti mombe nembudzi, mari kana vanasikana ndizvo zvinoshandiswa pakuripa ngozi.

Kana mwanasikana anenge aripiswa ngozi uyu abereka mwana mukomana kana musikana kazhinji anobva adzoka kumusha kwake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey