Uncategorized

Ngozi yaticha tugu pamwana wechikoro

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Ngozi yaticha tugu pamwana wechikoro

Kwayedza

MWEYA wengozi yemudzidzisi anofungidzirwa kuti akafa mushure mekushandisirwa mishonga yakaipa nevamwe varairidzi pachikoro cheMhakwe Secondary School, kuChimanimani, unonzi uri kubuda pamumwe mwana wechikoro wepo uyo anove mutorwa.

Zvinonzi kana zvamubata, mwana uyu anotaura mafiro akaita mudzidzisi uyu.

Mushakabvu Antony Chatukuta (33), anonzi aiva mudzidzisi weEnglish pachikoro ichi uye akafa zvisinganzwisisike nemusi wa22 Chikunguru gore rapera. Firo yake inonzi rakava bhaisikopo remahara mushure mekunge akumbirwa chinyoreso chake nevamwe vadzidzisi vaviri vechikadzi vepachikoro ichi.

Chatukuta anonzi akafa achiita zvekungodonha apo anonzi akati chinyoreso icho akambenge akumbirwa chaiva chaita zvekuputika akachibata.

Pachikoro apa panofungidzirwa kuti paiva nechikwata cheScripture Union chaiita zveSatanism, izvo zvaishorwa naChatukuta. Zvino Chatukuta anonzi ava kupfuka, mwana mutorwa wepaMhakwe anonzi ari kubatwa nemweya uyewo zvinonzi mufi uyu ari kuonekwa akagara muhofisi yaaishandisa akabata chinyoreso chitsvuku icho anonzi akashandisirwa mishonga nevamwe vake.

Mukomana ari kubatwa nemweya waChatukuta (zita rake tinaro) ane makore 17 okuberekwa uye ari muForm 4. Vadzidzisi vaviri (mazita avo tinawo) vari kutaurwa nemweya wemufi kuti ndivo vakamuuraya vanonzi vave kuziva nezvenyaya iyi.

Mwana wekubatwa nemweya wemufi akatosvika pakubviswa paMhakwe achinodzidza paNhedziwa High School, mudunhu rakare, nekuda kwenyaya iyi.

Mukomana uyu ange achigara pachikoro cheMhakwe achishandira mari yechikoro nekufudza mombe nemakwai uye pane fungidziro yekuti akazoturikwa mweya wemufi uyu nevadzidzisi vanofungidzirwa kuti ndivo vakauraya Chatukuta.

Amai vemudzidzisi wekufa, Mai Gloria Chatukuta (56), vakatsinhira nezvemweya wengozi yemwana wavo uri kubuda pamwana wechikoro.

“Ichokwadi, pane mwana akauiwa naye pano achitaura kuti aiva ndiye Antony Chatukuta apo aiti akauraiwa nevamwe vake vaaishanda navo. Anoti anoda kuripwa. “Mwana uyu aisandiziva asi paakandiona akatanga kuti, ‘amai ndauya, ndinoda kuti muzive kuti ndakauraiwa namudzidzisi nhingi nanhingi’,” vakadaro Mai Chatukuta.

Vanoti ivo semunhu anomanata uyewo nekuti mwana wavo ainamata, vaisatarisira kuti zvakadaro zvingaitike sezvo vaingoti mwanakomana wavo akafa vakamuviga, zvikapera.

“Pakarwara mwana wangu akanditi akange akumbirwa chinyoreso chake chitsvuku nevamwe vake icho akazodzoserwa. Chinyoreso ichi aiti chakazodonha pasi uye apo akachinhonga chakaputika sebhomba chikamurova kugotsi achibva angopunzikira pamubhedha apo anonzi akazoonekwa nemumwe waaigara naye mumba mumwe chete,” vakadaro.

Antony anonzi akazoendeswa kuchipatara cheBiriwiri uko akadarikidzwa kuMutambara, kunovawo kunoshandirawo mudzimai wake, Chido Chademunhu-Chatukuta.

Pashure akaendeswa kuchipatara cheMurambi, kwaMutare, asati apfuudzwa kuParirenyatwa, kuHarare.

Mai Chatukuta vanoti mwanakomana wavo akamboita zvakanaka, ndokuzotanga zvakare kurwara achibva adzoserwa kuParirenyatwa uko akazofira nemusi wa22 Chikunguru.

“Ndakangotiwo mwana wangu afa, tikamuviga kumakuva epano paMutambara asi ndakazoshamiswa mushure megore zvave kunzi mwana uyu ave kubatwa nemweya waAntony,” vakadaro.

Nyaya iyi inonzi yakazosvitswa kumadzishe maviri anoti Muusha naMutambara, apo mwana wekuchikoro uyu akaita mazuva matatu akabatwa nemweya wemushakabvu. Mweya uyu unonzi waitaura kuti vamwe vadzidzisi vakanga vamuuraira vane dzidzo iri pasi peyake uye kuti akange achitsigira kuvhariswa kwechikwata cheScripture Union pachikoro ichi.

“Pavadzidzisi vaitaurwa nemweya uyu, mumwe wavo anonzi akatuma mumwe wake kukumbira chinyoreso icho chinonzi ndicho chakazoshandiswa kuuraisa Antony,” vakadaro amai vemufi.

Madzishe maviri aya anonzi akazotsvaga n’anga nemaporofita vakadura kuti vadzidzisi vaviri ava ndivo vakaita izvi. Padare iri panonzi paiva nevanhu vaidarika mazana mana.

Zvinonziwo mumwe wevadzidzisi ava akati akatumwa chinyoreso ichi asingazive kuti chaida kukonzeresa rufu rwemumwe wavo. Tete vemukomana ari kubatwa nemweya, Docus Mareni (61), vemubhuku raSaurombe, kwaMuusha, vakatsinhira nyaya yekubatwa nemweya wengozi kwemuzukuru wavo.

“Nyaya iyi yakaenda kumadzishe mweya uyu wakabata vadzidzisi ava vakanzi varipe ngozi iyi nemwana wedu wavainge vaturika mamhepo,” vakadaro Mai Mareni.

VaAndrew Tongayi Mareni (63) vanoti nyaya iyi yamirira kupedziswa nemadzishe. “Nyaya iyi yakagarwa pasi nemadzishe anoti Mutambara naMuusha, kusanganisira sabhuku wemusha unogara mwana,” vakadaro.

Baba vemwana uyu, VaJacob Bheme (65), vanoti iyi inyaya yavasiri kunzwisisa kuti mwana wavo anozosvikirwa nengozi yemunhu asina kuuraiwa nevemhuri yavo sei.

“Ndizvo zviripo, tiri kufamba naye mwana wedu. Izvozvi takatengesa mombe nhatu tichifamba mun’anga nemaporofita,” vakadaro.

Amai vemukoma uyu, Mai Tapiwa Mudzinganyama (45), vanotiwo vari kuedza kuti mwana wavo abatsirwe.

“Uyu mweya wakagadzikwa pamwana hauneyi nesu,” vakadaro.

VaAndrew Bheme (40), vanova mukoma wemukomana ave kurwara, vanoti vakatanga kuona kusanduka kwezvinhu apo munin’ina wavo aiti aida kuenda kumusha kwake achitaura nemweya uyu. “Takafamba naShe Muusha, masabhuku nevadzidzisi nemukuru wavo tikataurirwa kuti vadzidzisi vaviri ndivo vakaisa mweya uyu pamukomana uyu,” vakadaro. Kwayedza yakasvika pachikoro pave kudzidza mwana uyu ichida kutaura nemukuru wechikoro, VaElias Mwatenga, avo vasina kuonekwa.

Mwana uyu akawanikwa ari kumba kwababamukuru vake, VaFanuel Kashiri (69) avo vakatsinhira chiitiko ichi. “Dambudziko iri tinaro, nyaya iyi yava kumadzishe. Mwana uyu ndinaye pano uye ava nani. Takatambura zvikuru naye, izvozvi mwana ave kutotadza kunyora mazamanishoni eForm 4. Takamubvisa kuchikoro cheMhakwe Secondary tikamuunza paNhedziwa High,” vakadaro VaKashiri. Mukomana uyu haana zvizhinji zvaakagona kutaura neKwayedza kunze kwekungoti ane shungu dzekuti aenderere mberi nechikoro zvakanaka.

Madzishe maviri akatonga nyaya iyi, Muusha naMutambara, zvose nemukuru wezvedzidzo kudunhu reManicaland havana kuonekwa neKwayedza panyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>