Uncategorized

NGOZI YODA KURIPWA NZOU 50 DZINOTSIKA. . . mhandara nemombe 60 pamusoro

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
NGOZI YODA KURIPWA NZOU 50 DZINOTSIKA. . . mhandara nemombe 60 pamusoro

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MWEYA wengozi yemukomana wechidiki wekwaNembudziya, kuGokwe – uyo anonzi akapondwa, nhengo dzemuviri wake ndokuchekereswa bhizimisi — uri kubuda uchiti unoda kuripwa nenzou 50, mombe 60 nemhandara pamusoro.

Mweya wengozi uyu — uyo wakabuda Kwayedza iripo — uri kuti uchazorora bedzi kana wapedza kurwisa vanhu vakapara mhosva iyi “kuti nyama yangu izorore”.

“Ndakanga ndamboti ndinoda mombe 32, kana nzou 12 — zvino ndava kuda nzou 50! . . . mombe ndinoda 60, vachandipa bedzi mukadzi wangu.

“Mafiro andakaita anorwadza, ndini ndichamira-mira ndega. Ndinoziva vanhu vanoramba kuti ndivo vakandiuraya, iye zvino ndinomira ngega. Chinondirwadza hakuna hama dzangu dzakandiona.

“Ini kuvigwa nebepa dema here baba, vamwe vachivigwa nemicheka michena? Baba ndinorwadziwa! Ndinoda kuzorodza nyama nekuti ndiri kurwadziwa. Vanhu kundirova nesimbi . . .” unodaro mweya uyu vatori venhau varipo.

“Vanhu ava vakatumwa — vakadzi. Akatanga kunditora kuti ndimuite mukadzi . . . mumwezve mukadzi ndokunditora ndikamuita mukadzi. Ndinoda nzou fifiteeee!”

Takudzwa Masikati

Mitemo yemuZimbabwe haitendere kushandisa vanasikana kuripa ngozi uye nzou imwe yemhuka dzinochengetedzwa zvekare dzisingatenderwe kugara muvanhu.

Mweya wengozi uyu unoti uri kuda kuripwa nezvinhu izvi zvichitevera kurwadziswa kunonzi kwakaitwa mukomana uyu paakapondwa.

Mashoko ari kubuda anoti mukomana uyu akapondwa nepfambi nhatu dzainge dzatumwa nemumwe muzvinhabhizimisi weko.

Takudzwa Masikati (26) — uyo aiva asati aroora achigara mubhuku raKwashira — anonzi mutumbi wake wakazowanikwa wakakandwa murwizi rwaiva nemvura shoma uye uine mavanga airatidza kuti akafa achiita zvekurwiswa.

Pakawanikwa mutumbi waTakudzwa — Mifananidzo naMemory Mangombe

Nyaya iyi yakaitika munguva pfupi yakadarika apo mweya wengozi uyu unonzi wakatanga kubuda pamukoma waTakudzwa — Peter Masikati (29) — chitunha chisati chavigwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands — Assistant Inspector Ethel Mukwende — vanotsinhira kuti kune munhu akapondwa ane nyaya iri kuferefetwa nemapurisa ekwaNembudziya uye vanoda nguva yekutsvaga zvizere.

Ngozi iyi iri kuti mushakabvu akapondwa nevakadzi vatatu avo vakatumwa nemumwe murume ane mabhizimisi paNembudziya.

Nyaya iyi yakatopinda mudare raSadunhu Nembudziya ikazodarikidzwa kwaMambo Chireya uko mweya uyu wakabuda mumatare ose.

Mweya uyu uri kudonongodza mafambiro akaita mufi kubva panonzi akanyengetedzwa achinzi aida kutengerwa banga nemumwe muzvinabhizimisi anonzi ndiye akazotuma vakadzi vanoita zvechipfambi kuti vanomugarira nekumuponda uye kuzobvisa nhengo dzake dzesikarudzi mushure mekunge vose vatanga vambomuita murume.

Kwayedza svondo radarika yakashanyira dunhu iri ndokuonana nemurume ari kusvikirwa nemweya wengozi iyi apo mweya uyu wakabva wabuda vatori venhau vari pakati pekuita hurukuro.

Peter Masikati

Mweya uyu wakabuda apo vatori venhau vakaenda nevemhuri iyi kumba kwevabereki vemuchakabvu mushure mekunge wambobuda zvakare padare raSadunhu Nembudziya.

“Imi vakuru (Sadunhu Nembudziya) ndaikumbirawo kuti tiende kumba kwevabereki vangu kwandakavigwa ndinokutaurirai zvose zvekupondwa kwandakaitwa,” unodaro mweya uyu padare rasadunhu.

Pakasvika vanhu pamusha pakavigwa Takudzwa, mweya wemufi wakabva wati tugu kubuda ndokutanga kuchema uchitaura kuti akapondwa achiita zvekuchekwa nebanga rake raaitengesa sezvo aiva mhizha aipfura mapanga nezvimwe zvakasiyana.

Mweya uyu unoti pazvakaitika, Takudzwa akaitwa murume nevakadzi vatatu avo vakazotora mbeu yake yababa ndokuzomuponda.

Mushure mezvo, anonzi akazobviswa nhengo dzake dzesikarudzi idzo dzinonzi dzakanoiswa kuchitoro chemurume ari kunzi ndiye akatuma vakadzi ava.

Norest Masikati

Zvombo izvi zvinonzi nemweya uyu zvakachenongetwa kuseri kwegonhi muchitoro ichi uko zvakazobviswa ndokunopiswa nemishonga.

Mweya uyu uri kuti mufi akapondwa naMaggie, Edinah naRose avo vanonzi vakatumwa nemuzukuru wemushakabvu anonzi Nicholas Shurugwi, uyo ane mabhizimisi paNembudziya.

“Akanditora Nicholas Shurugwi achiti aida kutenga banga rangu ndokundiveteredza achiti mari yaaida kundipa yaiva isati yakwana kusvikira husiku. Aiti pane motokari yandaizoenda nayo kumba ine vanhu vaivapo.

“Akazonditengera sadza nebhuruvhosi nedrink mubhawa ndikadya, ndokuzobva panzvimbo iyi ndave kuenda kumba apo akatuma vasikana ava vakanditevera ndokundirova nesimbi vakandisunga mawoko kusvikira ndafa.

“Vasikana vakandiuraya ndiMaggie, Edinah naRose vakazonditakura nemota vakanondiburutsa murwizi apo vakandisiya,” unodaro mweya uyu.

Unoti mutumbi wakaiswa mubhuti remotokari wakachonjomara, mawoko akapeteka.

Simbiso Masikati

“Vakazotakura mutumbi wangu kunoukanda murwizi Nyakasikana kuti ndigonzi ndawira mumvura, vari kuedza zvose zvavangaite kuvhara nyaya iyi. Zvino ini handinzarwo. Inobuda chete nyaya iyi.

“Pavainditema ndaichema pakazouya mumwe mukadzi akaona ndichiuraiwa akazotiza achindisiya ndichipedziswa,” unodaro mweya uyu.

Unotizve nyaya iyi iri kuda kuvharwa nemari nevakaita izvi asi mweya uyu ucharwa umire kusvikira kwafa vanhu vapfumbabwe vane chekuita nekupondwa kwaTakudzwa uyewo nekuripwa nemombe 60 nenzou 50.

“Ndakarwadziwa zvikuru asi ndiri kurwisa kudzimara nyaya iyi yabuda pachena yose, ndichapinda mumahofisi ose avanofunga kuti handisvike. Vari kuramba zvose asi vachabvuma zvavo. Ndiri kuda mombe nenzou semuripo, vanoziva kwavachazviwana sekuuraya kwavakandiita. Ndichasvika kwese ndoga.”

Mambo Chireya

Mweya wengozi unoenderera mberi uchiti: “Vanhu ava vakandicherera guva rechipiri kusango senzira yekunditsipika uko vakanoisa zvikari nezvipunu vakapisa nhengo dzangu dzakavandika. Vakarara neni vose asi ini handina kumbobvira ndakaziva mukadzi muupenyu hwangu. Handibvume zvose zvavari kuita. Vachabuda pachena, vachandiona zvavo handizorori.”

Mweya uyu pawakabvuzwa kuti zvino nzou dzekuripa dzinowanikwa kupi, unoti vakaponda vacho vachaziva kwavanodziwana sekuuraya uko vakaita Takudzwa.

Mweya wengozi uyu waitaura mashoko aya pamberi pehama dzemufi dzinosanganisira mukoma wacho, Norest Masikati (42) naamai vemushakabvu, Simbiso Masikati (67).

Pakuvigwa kwakaitwa mutumbi waTakudzwa, zvinonzi mweya wengozi uyu ndiwo waitungamirira vanhu mune zvose zvaiitwa.

Sadunhu Nembudziya, VaSamuel Shamuyedova (54), avo vakatonga nyaya iyi kekutanga vanoti vakashevedza vakadzi vatatu vari kupomerwa mhosva yekuponda ava pamwe chete neari kunzi akavatuma asi vose vari kuramba nyaya iyi.

“Mweya wengozi uyu uri kubuda uchitaura kuti mufi akauraiwa nepfambi dzemuno maNembudziya dzinoti Maggie, Rose naEdinah uye vanonzi nemweya uyu vakatumwa naNicholas Shurugwi. Vose vari kuramba mhosva iyi.

“Nyaya iyi ndakazoidarikidza kwamambo wangu Chireya,” vanodaro Sadunhu Nembudziya.

Mambo Chireya vanoti nyaya iyi vakaitonga mudare ravo uye vakadzi vatatu vari kunongedzwa nengozi kuti ndivo vakaponda vakabhadharwa $1 000.

Sadunhu Nembudziya

“Nyaya iyi ndakaitonga apo Shurugwi akanga anditumira mashoko ekubvuma nyaya iyi apo akambotanga achiramba. Akazosvika kuno ava kuiramba zvakare. Ngozi iyi yakasvika mudare mangu ikataura kuti akapondwa nevasikana vatatu ava vachitumwa naShurugwi.

“Mweya wakataura nyaya yeguva rechipiri rakanoiswa musango senzira yekutsipika mweya wemufi uyu, uko ndakatuma vanhu vakanozvionera. Pakapisirwa zvombo zvemufi pakaonekwa, ndakazoripisa Shurugwi mombe nhatu dzekuramba nyaya yaanoziva uye iri pachena,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti ngozi inoti ichasarudza yoga murume achapihwa mhandara yekuripa uko kuchazvarwa mwana anozotumidzwa zita raTakudzwa.

“Shurugwi haasati aunza mombe dzatakamuchaja sechirango chekutambisira dare nguva achiramba nyaya yaanoziva uyewo vasikana vaanonzi akatuma ava vari kuramba nyaya iyi,” vanodaro Mambo Chireya.

Vemhuri yekwaMasikati vanosanganisira babamudiki vaTakudzwa, VaPeter Masikati (70) naNorest Masikati (42) vanoti vangomirira kurwisa kwemweya wemufi.

“Hongu nyaya iri kuferefetwa kumapurisa, izvozvi tamboshevedzwa kukamba nhasi (svondo rapera) asi tinoti iye mufi tamirira kurwisa kwake oga,” anodaro Norest.

Sekai Masikati (49) anove hanzvadzi yaTakudzwa anotiwo sekubuda kwakaita mweya wemufi uchitaura, vanotarisira kuti ngozi iyi ichaenda kunorwisa yoga kuvanhu vakaponda ava kusvika vadura voga.

Share This:

Sponsored Links