Uncategorized

Ngozi yoda mhandara, mombe 60

24 Jul, 2014 - 10:07 0 Views
Ngozi yoda mhandara, mombe 60

Kwayedza

BABA vemwanasikana ari kubatwa nemweya wengozi yemunhu anonzi akapondwa nemumwe wemudzinza ravo, vanoti vakazvipira zvavo kuendesa mumwe wevanasikana vavo vaviri vachiri kupinda chikoro kunoripisa ngozi yabvira moto iyi.

Izvi zvinotevera mweya wengozi yaKapuru Murandakumwe Machaya, uyo anonzi akapondwa neimwe yehama dzemhuri iyi makore 35 adarika.

VaChanetsa Mukumba, vanova baba vaBeatrice Mukumba, uyo ari kusvikirwa nemweya wengozi, vanoti vazvipira kuendesa mumwe wevana vavo kuti dambudziko iri ripere.

“Ndine vana vangu vaviri avo ndakanga ndati zvangu ndiendese kumhuri yekwaMachaya semuripo wengozi. Asi mweya uyu uri kuti unoda kuripwa nemwana mhandara anobva mumba ma(zita rehama yavo). Saka ndakabva ndashaya zvekuita, iye (zita rehama yavo) ari kungotiza-tiza, haachabuda pachena,” vakadaro VaMukumba.

Vanoti vakazvipira kuti pamusoro pemombe mbiri dzakabviswa nehama yavo yekunzi ndiyo yakauraya Machaya, vadziwedzere kuti dzisvike 9 vonoripa.

“Vamwe vose vehukama hwedu takazvipira kuripa. Ndasara ndava murombo wekupedzisira, handisisina mombe asi ndaiva nadzo dzaisvika 40,” vakadaro. Vobvunzwa nezvekuti vanoziva here kuti mutemo haubvumire kuti mwanasikana aripiswe ngozi, vakati nedambudziko ravainaro, zvinonetsa kuti varege kutevedzera zvinodiwa nechivanhu.

“Zvino ndingaite sei nenyaya iyi? Hatigone kuita zvedu toga zvakasiyana nezvinodiwa nengozi kunze kwekutenge iyo ngozi yatinyevenutsira,” vakadaro.

Pane mashoko anoti vekumhuri yekwaMachaya vari kuda kuripwa nemombe 60.

Ishe Mujinga vakataurwa navo panhare vakatsinhira nyaya iyi vachiti:
“Nyaya yengozi iyi ndinayo mudare rangu, vekwaMukumba vanofanirwa kuripa asi wacho nyakupara mhosva ave kutiza-tiza, ane mombe shoma dzaakaunza. Ndichavashevedza zvakare.”

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vakayambira mhuri yekwaMukumba kuti imhosva kuripisa ngozi nemwanasikana.

“Zvinhu zvaiitwa kare, iye zvino kuita izvi imhosva huru inogona kuendesa vanhu kujeri, vose vekwakabva mwana nekwaaendeswa. Mativi maviri aya ngaataurirane nengozi yacho vagowirirana pakuripana nemari nezvipfuyo.

“Nyaya iyi zvayasvika munzeve dzedu tichatuma mapurisa kunoona mamiriro ezvinhu sezvo mwana aine kodzero yekutsvaga waanoda iye oga,” vakadaro mutauriri wemapurisa. Vakazotiwo mhosva hairovi, kana nyaya yekupondwa kwaMachaya isina kunge yasvitswa kumapurisa, ichaferefetwa zvizere.

“Nyaya dzakadai tinosangana nadzo, zvikuru dzakaitika kare, dzototanga kuferefetwa patsva vanhu vachisungwa,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links