Uncategorized

Ngozi yoda zvose: Mhandara, mombe 73, mbudzi nehuku

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Ngozi yoda zvose: Mhandara,  mombe 73,  mbudzi nehuku

Kwayedza

NGOZI yemurume wekwaShe Saunyama, kuNyanga, uyo anonzi akapondwa mugore ra2011 iri kuita kubaka semoto mumhuri ina sezvo mweya wacho uchiti unoda kuripwa nemhandara, mombe 73, mbudzi nehuku pamusoro.

Mhuri dzaoneswa chakati tende ndedzinoti yekwaMadara, Saunyama neyekwaMabaya, idzo dzine vanhu vari kupomerwa nemweya wengozi iyi kuti ndiko kune vakaponda.

Mapurisa, ayo ava kuferefeta nyaya iyi, anoti mhuri yechina, yekwaNyawarara, inodawo kuongororwa mukuedza kuwana chokwadi panyaya iyi.

Ngozi yabhebha iyi ndeyaSydney Manditsera, uyo anonzi akafa nekupondwa.

Panotova nemwanasikana pwere wemhuri yekwaMadara (zita tinaro), uyo anonzi ari kubatwa nemweya wengozi iyi izvo zvakazokonzera kuti nyaya iyi iputike.

Nyaya iyi yatova mudare raSadunhu Mushonga-Saunyama, VaFungai Mushonga (39).

Mwana ari kusvikirwa nemweya wengozi

Mwana ari kusvikirwa nemweya wengozi

Sadunhu ava vanotsinhira kuti vakatombotonga nyaya iyi kakawanda apo ngozi yacho yaisvika pamberi pedare ichitaura mafiro akaita mushakabvu.

Ngozi iyi iri kusvika pamwana ane makore 14 uyo ari kuita Form 1.

Sekutaura kwaSadunhu Mushonga-Saunyama, vatatu vari kutaurwa nengozi kuti ndivo vakauraya ndiOsten Lameck Madara uyo anonzi ndiye akarova mufi nesando mumusoro achibva atonhora, Cephas Dzingai Mungwari Saunyama naChristopher Mabaya.

Asi mutauriri wemapurisa munyika, uyo akatsinhira nezvenyaya iyi, Chief Superintendent Paul Nyathi, vanoti pamusoro pevatatu ava, vari kuferefetawo Tendai Shame Nyawarara.

chikomo

SABHUKU Kanyuru

SABHUKU Kanyuru

Zvichakadai, Mabaya anonzi akafa mushure mekuyambirwa nengozi iyi padare kuti asarambe nyaya yaaiziva.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi Manditsera akapondwa apo aibva kuHarare uko aishanda kuSun Crest apo aiva nemari yakawanda sezvo akanga apihwa mari yake yemihoro yemwedzi yakati wandei. Anonzi akazosangana nevanhu vakamuponda ava mudhorobha reNyanga.

Vanonzi pavakamuponda vainwa doro vose panzvimbo yeSt Mary’s, kwakare kuNyanga.

Sadunhu Mushonga-Saunyama vanoti ngozi iri kusvika pamwana yakatanga kubudira kuchechi kunopinda amai vake, kuApostolic Faith Mission, izvo zvakazoita kuti nyaya iyi ikwidzwe kudare.

“Ngozi iyi iri kutaura zvose, kuti mufi akatorerwa US$3 500 ndokubva mawoko ake adamburwa, ndokubviswa zvombo zvakavandika izvo vatatu ava vanonzi vaida kuenda nazvo kuHarare kune mumwe muzvinabhizimisi kwavaida kunozvitengesa senzira yekuchekeresa.

“Ngozi iyi ichitaura, inoti mawoko aya nenhengo hazvina kuzoendeswa kuHarare sezvo muzvinabhizimisi uyu akabva azovataurira kuti vakanga vanonoka, akanga awana zvimwe kare,” vakadaro sadunhu ava.

Mawoko anonzi akazofushirwa mumunda waMadara nhengo dzakavandika dzemufi ndokuiswa muchipepa umo zvinonzi zvakachengetwa nanhasi uno.

Sadunhu Mushonga vanoti Cephas aida kuramba nyaya iyi achibva anzi nengozi iyi bhurugwa raaiva akapfeka musi wakapinda nyaya iyi mudare rasadunhu raiva raiye mushakabvu. Rimwe bhegi raiva nembatya dzemufi rinonzi rakanotorwa kumba kwaMungwari-Saunyama uko raiva pasi pemubhedha.

“Ngozi iyi ichitaura, inoti mawoko akadamburwa aya anaMadara pamwe chete nedzimwe nhengo, bhegi rembatya rakawanikwa kumba kwaMungwari-Saunyama, uyo akakururiswa tirauzi raaiva akapfeka padare richinzi raiva remufi uyu,” vakadaro.

Ngozi iyi inonzi iri kuti inoda mombe 15 kubva kuna Mungwari-Saunyama, dzimwe 15 zvakare dzinobviswa naMabaya ne35 dzichabva kuna Madara sezvo achinzi ndiye akaporomora pakuru uye mhuri yake inonzi ndiyo inofanira kubvisa mhandara yekuripa.

“Pamusoro pemombe dzakatarwa nengozi idzi, isu dare redu nekusvibiswa kwakaitwa dunhu redu nevanhu ava nekuti vakanokanda mutumbi wemufi uyu mugomo redu rinoyera, umo tinoviga madzishe edu, takavati munhu woga-woga aripe nemombe mbiri nembudzi mbiri nehuku pamusoro izvo zvakatsigirwa nemweya wengozi uyu,” vakadaro sadunhu.

Vanoti Madara naMabaya vakatobvisa mombe imwe chete pamunhu.

“Kunze kwekubuda kuri kuita ngozi iyi, tine machiremba edu echivanhu maviri anoti Judith Ncube naMavis Nyagura, avo vakatsinhirawo kuti varume vatatu ava ndivo vakauraya murume uyu,” vakadaro.

Mudzimai wemushakabvu, Mai Eugenia Maunga (42), vanoti murume wavo akapondwa nemusi wa3 Zvita 2011. Vanoti akapedza mwedzi mipfumbamwe asingazivikanwe kwaari ndokuzonhongwa mapfupa ake mugomo reNyaunguzvi, ayo akambotorwa kuendeswa kuchipatara cheNyanga, asati anovigwa kumusha kwake.

“Ngozi iri kusvika kumhuri yekwaMadara pamwanasikana mudiki, anova mwana wemunin’ina waOstern Madara, Marasiwa Madara, uyo akashaika waakabereka nemudzimai wake, Mavis Kanyuru,” vakadaro.

Vanoti havana kwavakambofamba kuchivanhu kuti vagadzire mufi asi kuti mweya wengozi uyu wakangotanga kubuda wega.

Vakaita vana vana nemurume wekupondwa uyu.

Sabhuku Kanyuru, VaAlexio Saunyama (57), avo vane musha une gomo rinoyera umo makanokandwa mutumbi wemufi, vanoti mumwe murume anonzi Ndaraika Saunyama, uyo anonzi akaona mutumbi uyu akarega kuzivisa vanhu, akatarisanawo nekuripa mombe mbiri nembudzi mbiri kungozi iyi.

Musikana ari kubatwa nemweya wengozi paakataurwa naye haana zvaakakwanisa kutsanangudza kunze kwekuda kuchema.

Zvakadai, Madara anonzi akatotiza kumba kwake uyewo Mungwari-Saunyama arimo munzvimbo iyi. Vose vari vaviri havasati vasungwa nekuda kwenyaya iyi uye Kwayedza haina kuvawana kuti vataurwe navo.

Chief Supt Nyathi vanoti nyaya iyi yatova kufeyewa uye dhoketi rakatovhurwa.

“Tinotarisira kuti nyaya iyi ichapinda mudare kana mapurisa vapedza kuiferefeta. Dare bedzi ndiro richajekesa chaizvo zvakaitika.

“Izvo zviri kuitwa nashe vane kodzero yekuita izvozvo isu tichiitawo zvedu semapurisa,” Chief Supt Nyathi vakaudza Kwayedza svondo rino.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>