Nguva yehondo

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SARUDZA nhetembo dzinobuda muna Rukuvhute dzinoburitsa dingindira rezvematongerwo enyika/hondo yeChimurenga.

Nhetembo yakanzi Ndipo patakamuvinga pano inojekesa dingindira rezvematongerwo enyika. Nyanduri anoti munguva yehondo vakaviga mumwe wavo murwi wehondo pakati pematombo nemiti semhuka yesango inotyisa sepaanoti, “Ndipo patakamuviga pano pakati pezvitombo nemiunga kunge chiya chikara chesango.”

Nyanduri anoti kune magamba akawanda kwazvo akafira muhondo uye akanga achiuraiwa vakatarisa apo vaisimbirira kuti nerimwe zuva vachawana rugare sepaanoti, “Akadauka pamberi pedu achipika kuti rake gidi richapururudza.”

Nyanduri anoti magamba akafira muhondo ndiwo akatanga kuvhura nzira yekuti vamwe tose tizowana rusununguko sepaanoti, “Akatanga kuvhurira vamwe tese nzira kuti tiwane kubuda parumananzombe.”

Nyanduri anoti munguva yehondo kwakauraiwa vanhu vakawanda chaizvo sepaanoti, “Iro ivhu rakamedza ropa rikazvimbirwa.” Nyanduri anoti munguva yehondo vakachema zvikuru nekurasikirwa nehama dzavo sepaanoti, “Yeduwo misodzi ivhu rakanwa rikaguta.”

Nyanduri anoti magamba ehondo aifa asi aine shungu dzekuti hondo yeChimurenga ifambire mberi sepaanoti, “Akati chindisiyai ndirote zvangu imi muende mberi neChimurenga.”

Chinhu chakabatanidza magamba kuti aende kuhondo chinangwa chekunosunungura nyika chete sepaanoti, “Zita, mhuri, mutupo, kana dzinza zvaingova mhindo. Taingoziva uyu mwana wevhu”

Munhetembo inonzi Pakamungoma nyanduri anoti vaive muhondo apo vaifara zvikuru sepaanoti, “Tainge tachiti miswe rashu miromo kushama enge mapako.” Nyanduri anoti paKamungoma vanhu vainge vachiimba nziyo dzehondo vachitungamirirwa navanachimbwido sepaanoti, “RweChimurenga rwaishaurwa naiye Rori, chimbwido mukuru.”

Chinhu chikuru chaiita kuti hondo ifambire mberi inziyo dzeChimurenga sepanonzi, “Kuimba ndiyo morarika muChimurenga kuti hondo ifambire mberi.”

Share This:

Sponsored Links