‘Ngwarirai mafashamu’

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

SANGANO rinoona nezvekudzivirwa kwenjodzi munyika, reCivil Protection Unit (CPU), riri kuyambira vana vechikoro pamwe neveruzhinji kuti vangwarire mafashamu emvura, zvikuru panguva ino zvikoro zvave kuzarurwa.

Mukuru weCPU, VaMadzudzo Pawadyira, vanoti munguva pfupi yadarika kune chimwe chikoro chiri kuMbire, kuGuruve, icho chakasangana nedambudziko remafashamu.

“KuMbire kune chikoro chinonzi Mukuwatsine icho chakaita dambudziko iri nokudaro vagari venzvimbo iyi vakaita mushandirapamwe mukubvisa midziyo yakadai semakombiyuta ayo akange achangobva kupihwa kuchikoro ichi, mabhuku, mabhenji nezvimwe zvichiendeswa kunzvimbo yakanaka.

“Pari zvino takatuma chikwata chedu kuti chinoita ongororo kunzvimbo dzinowanzoita mafashamu saka tichazivisa veruzhinji zvavanenge vawana,” vakadaro VaPawadyira.

Vanoti zvikoro zvizhinji zvakavakwa panzvimbo dzakakwirira kusara kwezvishomana nekudaro dambudziko remafashamu muzvikoro richiri shoma.

“Hongu pane mikana yekuti zvimwe zvikoro zvinogona kuvhiringwa nemafashamu asi zvinenge zviri zviya zvakavakwa kare kana zvimwe zviri kungovakwa pasina mvumo yemakanzuru nebazi rezvedzidzo.

“Tinoona senzvimbo dzakaita seChitungwiza neEpworth vanhu vari kungovaka dzimba nezvikoro mumatoro zvinova zvine njodzi munguva yekunaya kwemvura.

‘‘Isu tinoti vanhu vari munharaunda ngavabatsire mukurwisa nyaya dzemafashamu kwete kungomirira kubatsirwa,” vakadaro.

Vanoti vana vechikoro vanofanira kuregedza katsika kekubira nzizi kana madhamu nekuti kunenge kuri kuisa upenyu hwavo parumananzombe.

“Kuvana vechikoro tinoti kana mvura ichinge yanyanya kuwanda vanofanira kugara kudzimba uye kana zvichinge zvaitika vari kuchikoro vanofanira kutsvagirwa kwekugara ikoko panzvimbo dzakakwirira pane kuti varasikirwe neupenyu. Zviri nani kuti vana varovhe chikoro pane kuti vaise upenyu hwavo panjodzi,” vakadaro.

Vakakurudzira zvekare varairidzi nevabereki kuti vaita muonera pamwe pakuchengetedza upenyu hwevana vechikoro munguva ino yekunaya kwemvura.

“Tinoyambira zvekare nyaya dzemheni, vana ngavaregedze kufamba mumapani kana kuchinge kuchinaya nekuti vanenge vave ivo zvinhu zvirefu panzvimbo yakaderera zvinova zvinopa mikana yekuti vange vachirohwa nemheni,” vakadaro.

Vakati kana kuchinge kwaita mafashamu munharaunda vanhu vanofanira kutanga kuzivisa mapurisa nemakanzura ari pedyo avo vanove vanozozivisa bazi ravo kuitira kuti pange pachitorwa matanho nekukasika.

“Nekuda kwekukurumbira kwave kuita nyaya dzemafashamu munyika muno tiri kushanda pamwe nebazi rezvedzidzo kuti pange pachiiswa chidzidzo chine chekuita nekugadzirira nyaya dzerudzi urwu (Curriculum on Disaster Management) kuitira kuti vana vakure vaine ungwaru hwekuchengetedza upenyu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey