Ngwarirai matsotsi: zrp

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Ngwarirai matsotsi: zrp

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
VARIMI vokurudzirwa kuti vangwarire makoronyera pamwe nematsotsi zvichitevera kuvhurwa kwemwaka wekutengeswa kwefodya svondo rino nemusi weChitatu.

Kurudziro iyi yakaitwa nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) uye inotevera kubirwa kunogara kuchiitwa varimi makore ose nemakoronyera nematsotsi apo vanorasikirwa nefodya kana mari yavo.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii vanoti vakatotanga kupa chenjedzo kuvarimi kumisika yefodya yakasiyana.

“Kutaura kudai tiritori kumisika yefodya uko tiri kufamba tichifundisa varimi kuti vachengetedze mari nefodya yavo apo vanouya kuzotengesa kumisika. Donzvo redu nderekuderedza nyaya dzekubirwa kwevarimi idzo dzinowanzoitika mumwaka wekutengeswa kwefodya. Semapurisa, tinoti tiripo pakuchengetedza murimi nefodya yake uye tichikurudzira kuti vamhan’are kana vasangana nezvinonetsa,” vanodaro.

Asst Insp Chazovachii vanoti varimi vanofanira kungwarira mbavha dzinovabira dzichishandisa nzira yeChadonha apo dzinodonhedza mari dzichizoba mari zhinji kune uyo anenge ainhonga.

“Nyaya dzematsotsi eChadonha dzawanda uye tine fungidziro yekuti dzinogona kuzopinda mumisika yefodya varimi vakarasikirwa nemari zhinji iyo vanenge vakashandira kwenguva ndefu. Tinokurudzira varimi kuti vachengetedze fodya yavo nekuti pane mikana zvakare yekuti vanogona kuisirwa dzimwe mhando dzefodya dzinosungisa mufodya yavo apo inovhenekwa kumisika. Tinotiwo varimi ngavangwarire vanoita mabasa echipfambi kumisika ikoko nekuti ndivo vamwe vanogona kuvabira mari yavo uye ngavasangotenga zvinhu zvese-zvese nekuti vanotengeserwa zvakadai semotokari dzakafa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi nekukurudzira varimi kuti vafambe kwakachena uye vari muzvikwata senzira yekuti vasazvipinze panyatwa yekusangana nematsotsi.

“Varimi fambai muri muzvikwata uye siyanai nekufamba nemuzvinzira zvemuchibage nekuti munogona kubatwa mukapondwa pasina anokwanisa kukununurai. Kufamba muri muzvikwata kunobatsira zvikuru kuti zvisave nyore kumatsotsi anenge achida kukubirai,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey