‘Ngwarirai zvirwere zvezvirimwa’

05 Feb, 2015 - 16:02 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vakayambirwa kuti vagare vachiongorora zvirimwa zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyana, zvikuru munguva ino yezhizha apo tumbuyu tunokonzera zvirwere izvi tunowanda zvinozoitawo kuti goho ravo ridzikire.

Nyanzvi mukupa mazano ezvekurima munyika vanova murimisi, VaJohnson Muzarurwi, vanoti varimi vanofanira kuongorora zvirimwa zvavo kuti hazvina zvirwere here kusvikira panguva yekukohwa.

“Kana muminda muine sora kana kuti bundo tumbuyu tunowanda twunozokonzera zvirwere kuzvirimwa saka murimi kana achigara achiongorora minda yake anokurumidza kuona zvirwere zvinoita kuti atore matanho nekuchimbidza,” vakadaro VaMuzarurwi.

“Murimi anofanirwa kuziva mhando yezvirwere zvose zvingangokanganisa zvirimwa zvake, zvimwe zvinotangira muvhu zvimwewo zvinobuda kunze zvichikanganisa mashizha mozoona zvirimwa zvabvaruka-bvaruka mashizha,” vakadaro VaMuzarurwi. Vanoti zvakosha kuti varimi vashande pamwe chete nemadhomeni mumatunhu avo mukurwisa zvirwere izvi sezvo varimisi ava vachiziva mishonga inofanirwa kunge ichishandiswa pachirwere chimwe nechimwe.

VaMuzarurwi vanoti hwiza zvakare dzinogona kudya zvirimwa nekudaro varimi vanofanira kutora matanho ekudzivirira mbesa dzavo kubva kutupukanana twakadai.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>