Nhabvu izere nechitsotsi: Pasuwa

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Nhabvu izere nechitsotsi: Pasuwa Kalisto Pasuwa

Kwayedza

Abel Ndooka
Aimbove murairidzi weDynamos FC nemaWarriors, Kalisto Pasuwa, anoti bhora remuAfrica rizere nekubirira ndosaka zvimwe zvikwata zvisingakwanise kusvika kure mumutambo uyu.

Muhurukuro neKwayedza, Pasuwa anoti panguva yaaitamba nhabvu apo vaienda kune dzimwe nyika kunokwikwidza mumutambo weCAF Champions League chikwata chavo chaibirirwa zvakanyanya asi vakaramba vakashinga izvo zvakazoona Dynamos ichisvika mufainari yemutambo uyu mugore ra1998.

“Hatidi kuvanzirana bhora remuAfrica rizere nekubirira chete pese pamunofamba muchienda kune dzimwe nyika. Saka chinodiwa hushingi kuti murakidze kuti muri varume. Mukangopusa-pusa chete hapana kwamunosvika, isu taisangana nazvo zvekubirirwa asi takaramba tichishinga izvo zvakazotiona tichisvika kufainari ya1998.

“Dzimwe dzenguva taisvika nekunanga kunhandare kunotamba bhora taswedzwa panhandare yendege, totamba nhabvu takaneta uye tisina kuwana nguva yekuita gadziriro dzedu dzakakwana,” anodaro.

Zvakadai, gore rino Zimbabwe kuCAF Champions League ichange yakamirirwa neFC Platinum mumutambo uchatanga nguva pfupi inotevera.

Pasuwa anoti kuti zvikwata zvemuno zvibudirire zvinofanirwa kunyatsobika vatambi vazvo kwemakore akawanda izvo zvinove zvakavabatsira panguva yavo apo vairairidzwa naSunday Chidzambwa. Anoti chikwata chavo chakapedza makore mashanu chakabatana uye chiri pamwe chete izvo zvakabatsira kuti chizosvika kufainari ya1998 yemutambo uyu.

“Chinhu chikuru chinodiwa kuti mubudirire kuvaka chikwata chinogara makore akawanda chiri pamwe chete. Kwete kuti gore rega-rega munenge muchingoshandura chikwata.

“Isu takapedza makore akawanda tiri pamwe chete tichisangana nezvakawanda zvakafanana nekubirirwa kwataiitwa kune dzimwe nyika. Izvi zvakaita kuti tive nehushingi apo takazosvika kufainari ya1998,” anodaro Pasuwa.

Anopa muenzaniso wevatambi vakaita saMurape Murape naMoses Zhuwawo avo vaive vadiki panguva iyi achiti hushingi hwavakarakidza pavaibirirwa hwakazoita kuti vasvike kure nemutambo uyu.

“Mukaona vatambi vakaita saMurape uye Zhuwawo vairakidza hushingi mukutamba kwavo nhabvu ndosaka vachiremekedzwa uye vakatamba makore akawanda.

“Ukambosangana nenguva yakaoma hushingi hunouya kwauri, panonzi hapapindike panopindika chete uye unotorwa semvumba uchirwira chikwata chako,” anodaro Pasuwa.

Zvakadaro, muchinda uyu anokurudzira vatsigiri vese venhabvu kuti vatsigire FC Platinum paichatanga kurwira mukombe weCAF Champions League achiti zvakakosha kuti ihwine iri pamusha saka inoda rutsigiro rwakakura.

“Hazvina basa kuti uri muDeMbare, muBosso kana muKepe-kepe, izvi zvave zvenyika yese saka tinofanirwa kubatana kutsigira FC Platinum nekuti iri kumirira nyika.

“Iri pamusha, inofanirwa kuhwina uye rutsigiro runobva kwatiri runobatsira zvikuru nekuti painozoenda kunze uko kwakaoma inosangana nezvandange ndichitaura zvekubirirwa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links