Nhava ine tsumo

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

NHAVA yedu takairuka iri ngunde tichishandisa makavi emupfuti neemutsamvi nekudaro hatitarise kuora kana kupfukutwa kwayo naizvozvo tichasokera mbuva yedu kudzamara yati pamu pamu kuzara.Paichati pamu pamu ndipo patichatora uta nemiseve todaidza Zvamurimi naMuroyindishe tonanga musango kunoshava. Sekutaura kwandakaita muchikamu chapfuura kuti hwaro hwenhava yedu ngatihuwaridze tsumo, tinoenderera mberi tichabata tsumo zvakare.

Tsumo inoti kama wakaringa nzira mombe yekuronzerwa inoreva zvakafanana neinoti chisi chako rembedza maoko, usakungire hata sechako.

Inoenderana zvakare mundingindira neinoti kunzi pakata handi kuti ridza. Ndipo zvakare panokwana tsumo inoti chimwango chokukumbira hachina ndima.

Izvi zvinoreva kuti usavimba nechinhu chisiri chako nekuti mwene wacho anogona kuchitora paanenge afungira.

Kudya chemuzvere kubata mwana itsumo inowirirana neinoti chomungonzva chinodyiwa newakabata mwana kana kuti chaishe chinodyiwa neakagara padare.

Tsumo idzi dzinodudza kuti munhu kana ari paasvika pane vanhu, anofanira kubatsirana navo kana kushandawo pamwe chete navo ozowana mubairo.

Zvinonzi kakara kununa hudya kamwe. Iyi itsumo inoreva zvimwe chete neyekuti kashiri kakangwara kanovaka dendere rako neminhenga yedzimwe shiri. Tinoona zvakare tsumo inoti dzinoenda nekudyanana. Zvinoreva kuti munhu anobudirira kazhinji anoshandisa njere nemasimba evamwe vanhu.

Findikirai panotamba dzimwe itsumo inoreva zvakafanana neyekuti faranukai panotamba dera. Iyi itsumo inopa yambiro kana chenjedzo kuruzhinji kuti vachenjerere kupinda mumatambudziko pese pavanenge vari, kunyanya panoitwa zvinhu nevaya vanhu vane pfungwa dzisina kunyatsoti twasa twasa. Vanofanirwa kutambira kure kuitira kuti vasazonenedzerwa mukubikwa kwematakanana iwayo.

Tsuro kotsa muromo inoyenderana neinoti enda kumupanda wenyoka, kwete kunavapfumi. Inobatana zvakare nedzimwe tsumo mbiri dzinoti panorwa hama nehama, mutorwa bvira kure kana panotamba machinda nherera sinyangwe.

Sinyangwe zvinoreva kuti simuka. Dudziriro yetsumo mbiri idzi inoreva kuti munhu haikona kungozvisusukidza senyama yemusoro.

Munhu haafanire kungozviisa paasingakodzere kuva nokuti vaya vanoita zvavanoita vachiziva zvavari uye vanenge vaine chavakatsigira nacho kumashure chausingazive iwe.

Mhebwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu ine dingindira rimwe chete neinoti gavi rakabva kumasvuuriro. Panopindawo tsumo inoti mbudzi kudya mufenje hufana nyina. Zvinotaura kuti mwana wese anokura achitevedzera tsika nemagariro evabereki vake.

Kamuhomba kadiki kanonyeredza itsumo inoringana neinoti kamoto kamberevere kanopisa matanda mberi.

Dingindira retsumo mbiri idzi rinodudza kuti chinhu chakaipa chinotanga chiri chidiki asi nekufamba kwenguva chinozokura chichikonzeresa matambudziko makuru. Chivi chinotanga sekuseka chozopedzisira chadzama nekugombera muridzi.

Share This:

Sponsored Links