Nhava yemberi

28 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

ZVATAPEDZA kunyora bvunzo dzegore rechinomwe kudai, tatarisana nerwendo rwemberi urwo rwunoda manyatera nembuva. Mbuva iyi tinoirongedza munhava kuitira kumberi uko tichazoivhura tichishandisa zvirimo.

Mberi kotoenda uku tichanotarisirwa kunyora rondedzero dzemandorokwati, dzine hurefu hwakasiyana nehwatanga tichinyora pagore rechinomwe. Nekudaro tsumo, madimikira, nyaudzosingwi zvinoda kurongedzwa munhava.

Nhava yedu iyi tinoda kutanga nekuisa hwaro hwetsumo pasi.

Tsumo idzi tinoda kutanga nedzakafanana kana kuti dzinoreva zvakafanana. Tinozoenderera mberi tichibata mimwe mitauro.

Vakuru vanoti chava chigondora chava chimombe, kutadza kutunga hurema hwacho. Iyi tsumo inoreva zvakafanana netsumo inoti kabva muzai kava kashiri. Inoenderana zvakare netsumo inoti chasosodzwa chava chitiyo.

Imwezve tsumo inopinda apa ndeinoti ageza maoko haanokorerwi. Idzi tsumo ina dzinoreva chinhu chimwe chete, kuti kana munhu uchinge ayaruka, anenge achitarisirwa kuzviriritira. Anotarisirwawo kuitawo zvinhu zvechikuru achisiyana nezvechipwere.

Kune tsumo inozivikanwa neveruzhinji kwazvo inonzi aiva madziva ava mazambuko. Iyo tsumo inodaidza dzimwe dzinowanikwa shanu maringe nedingindira kana kuti zvainoreva. Ndipo panowanikwa tsumo iya yekuti chinokura chinokotama musoro wegudo chava chinokoro.

Inoenderanazve neyekuti dzaive nhungo dzave mbariro.

Mudingindira rimwe chetero munouya zvakare tsumo inoti kwava kusakara kwedoo serisakambodyiwa nyama. Bvupa jena rakabva munyama inopindazve imomo.

Tinenge tisina kupedza kana takasiya tsumo inoti aiva maguta ava matongo. Iwoyu mutserendende wetsumo unoreva chinhu chimwe chete chekuti, upenyu hunoshanduka uye magariro evanhu anoshanduka nekufamba kwenguva.

Ane ganda ane nyama hazvienzani neasina itsumo inoreva zvimwe chetezvo neinoti tsapata rukukwe hazvienzani nekurara pasi.

Chembere mukadzi hazvienzaneni nekurara mugota inopinda zvakare mubandiko irori.

Ndipo zvakare panopinda tsumo yokuti ane ganda ane nyama, hazvienzani neakabata hohwa. Chinenge chichirehwa nedungwe retsumo idzi ndechekuti zvakanaka chose kuva nechinhu chero chingave chidiki sei, kutove nacho ikoko kuri nani pane kubva washaya zvachose.

Zvine mashura bveni kuwa mumuti. Iyi tsumo inodyidzana neinoti yaruma sei nzara murimi kurarira hute? Ndimo zvare munopinda inoti charova sei chando chakwidza hamba mumuti.

Vanhu vazhinji vanozivikanwa nemabasa netsika dzavo. Zvinoshamisa vanhu kana munhu aita chimwe chinhu chaanenge asingatarisirwe kuita. Anenge aita chisionekwi.

Tsumo inoti idya zvose gudo harina nhunzi inoenderana neinoti chengaose manhanga hapana risina mhodzi. Iyi itsumo inoyambira vanhu kuti nerusarura. Mukusarura hauzivi chinozobatsira mangwana nokudaro zvaunzwa muchanza chako tambira usingasarudzi.

Tsvimborume kutandara nemvana moyo uri kumhandara itsumo inodyidzana neinoti chidhiidhii kutsvara huchi moyo uri kumakoto.

Munhu ane chinangwa chake anogona kumbovaraidza nguva achiita zvisinei nechinangwa chake.

Share This:

Sponsored Links