Nhetembo dzekupira midzimu

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
3. TSANANGURA pfungwa huru dzinobuda munhetembo dzinotevera dzekupira midzimu; Doro remukwerera, Kuteketera kwavadzimba, Nhaka, Kutuka midzimu, Kusuma midzimu. [25]

Nhetembo dzekupira midzimu ndedziya dzaiitwa naVaShona senzira yekunamata nayo kumidzimu yavo vachiisuma zviitiko zvakasiyana-siyana zveupenyu kana kuitukirira yatadza kuvachengeta kubva kumatambudziko.

Doro remukwerera, p.46 – nyanduri ari kupira doro rekukumbira mvura kuvadzimu vake nokuti yaramba kunaya kuti kurege kuita nzara. Munobuda pfungwa yekuti vanhu vakaungana kupira zvichemo zvavo zvinoti nzara, kufa kwezvipfuyo nekuparara kwepfuma, saka vaikumbira mvura kuna Musikavanhu kuburikidza nokumadzitateguru anoti Karuva, Nyanhehwe, Chaminuka, Mutota, Mukombwe, Nyamuswa nevamwe vavasingachazivi namazita. Pane zvirango zvinenge zvichiitwa panorehwa zita ratateguru oga oga kusvika kune wavasingachazivi. Panobudawo pfungwa yokuti midzimu inogona kufuratira vana vayo, saka vanofanira kuita mitoro yemvura kupira zvichemo zvavo kwairi.

Kuteketera kwavadzimba, p.51 – vanhu vanoburitswa vachisuma midzimu yavo vachida kuita zvinhu zvakafanana nekuvhima. Vavhimi vaiita izvi kuti vatarisirwe mumasango mavainovhima kubva kunjodzi dzokudyiwa nezvikara kana kutsakatika. Vaizviitirawo kuti vavhurirwe makwara kuti vabate mhuka, uye kuziva zvokuita munzvimbo dzinoera. Munobuda pfungwa yokuti vadzimu ndivo varidzi vemasango, saka vaitoudzwa zvose zvairongwa nevavhimi sepanonzi, “Vachengeti vavanhu ndimi” kureva kuti midzimu ndiyo inochengeta vanhu vayo nokuziva zvose zviri mumasango. Pfungwa yedoro rinoteurirwa pasi inoratidza kuti vadzimu vanodyidzana navapenyu sepanonzi, “Mhuri yati hoyo mukombe wenyu.”

Nhaka, p.50 – munobuda pfungwa yokuti zita romufi harirovi nokudaro pane chivanhu chaitoitwa chekugadza nhaka yezita kana pafiwa. Zita romufi rinopiwa kumwana wemushakabvu nezvirango zvakafanira. Munobuda pfungwa yokuti mukadzi aigona kusarudza zvake kungogarira vana vake asingachadi zvokuwanikwazve sepanonzi,

“Haranga yedu igere zvayo zvakanaka,

Yati handina kwandinoenda,

Ndakura — ndinogarira vana vangu.”

Munobudawo pfungwa yokuti midzimu yaitokumbirwa kuti isavhiringidza vana vemushakabvu vainge vasara. Mudetembo iri munodomwa zita remushakabvu Mudzanadzo, uye mwana wake Runesu. Panobuda pfungwa yokuti hama dzomufi dzairemekedza nhaka yomushakabvu kuratidza kusava nemakaro epfuma yake, asi kuti irere vana vake panonzi,

“Pfuma yose kunyange iri mumaoko edu,

Muridzi wayo ndiye.

Isu chedu kuchengeta chete.

Chakakosha kuona kuchengetwa zvakanaka kwevana vakasiyiwa nemushakabvu.”

Kutuka midzimu, p.49 — nyanduri ari kutuka midzimu yake yamukanganwa nokurega mhuri yake ichingogarorwara paanoti, “Mhuri yangu yazonga kugara iri pahukwe.” Munobuda pfungwa yokuti midzimu inogona kukanganwa vana vayo zvekuti munhu anotoibvunza kana pane chaanenge akaitadzira. Kutukirira midzimu itsika yakagara iri muVaShona kana munhu achinge awirwa nedambudziko serekurwarirwa kana rufu. Kutukirira kwaiita sechitsvambe kwairi kuti izive basa rayo sepanonzi, “Mudzimu weipi imba wondirova dzamatumburira?” Pamwe panonzi, “Ndadungana nemi midzimu yangu nokuti ndashaya andinopumha uroyi.” Nekuita uku midzimu yaipomerwa pane zvose zvaiwira mhuri yayo iyo iripo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey