Uncategorized

‘Njovhera yandiworora’

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Njovhera yandiworora’ Tinashe Mushayabvudzi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKOMANA anogara mumusha weNational, kuMbare, muHarare – uyo wekushereketa nepfambi achifunga kuti zvichangoperera murima – ava kuzvidemba achibuda pachena kuti akatapurirwa chirwere chenjovhera icho chava “kumun’en’ena” sikarudzi yake.

Muchinda uyu ari kudunura zuva raakanwa zvinodhaka izvo zvakazomutuma kushereketa nepfambi yaanoti yakamuzora chirwere chamusakadza icho chiri kuramba kudavira mishonga yaari kurapwa nayo kuchipatara.

Tinashe Mushayabvudzi (20) anoti sikarudzi yake yangova maronda nenjovhera iyi izvo zvamutuma kubuda pachena kuruzhinji achikumbira kubatsirwa.

“Ndapfidza nesiki, sikarudzi yangu yapera nemaronda. Kufamba kana kugara chaiko handichagona. Ndiri kuenda kukiriniki yekuno asi hazvisi kubatsira. Ndave kuda zvangu kana mishonga yechivanhu kune vanogona kundibatsira,” anodaro.

Mushayabvudzi anoti angova maronda.

“Ndangosara tsinga bedzi, handichaziva kuti ndichararama here. Ndinoda kubatsirwa, ndakaenda kune mumwe chiremba muguta reHarare ndikanzi nditange kubvisa $50, ndichizonzi ndaifanirwa kubaiwa majekiseni 7 ndichibhadhara $40 pazuva roga-roga pamazuva 7 akateverana. Mari iyi ndakaishaya saka ndinodawo kubatsirwa, ndicho chikonzero chaita kuti ndibude pachena,” anodaro.

Anoti paakaenda kukiriniki, akabaiwa jekiseni rimwechete ndokuzopihwa mapiritsi ayo aakanwa asi hapana chakasanduka.

“Kunze kwemaronda akadzidziuka, muviri wangu wave kugara uchipindwa nechando zvikuru, ndichipera simba mawoko nemakumbo uyewo ndinonzwa dzungu musoro wangu uchitema,” anodaro.

Mukomana uyu anogara naambuya vake mudzimai wasekuru avo vaanoti ari kutya kuvaudza nyaya iyi.

Ambuya ava ndivo vari kumupinza chikoro uye amai vake vanogara kwaMutare.

“Ambuya ndivo vakanditora kwaMutare mushure mekumbonyora O-Level ndikafoira ndichibva ndazonyorazve kuno kuHarare gore rakapera ndikabuda nemasubjects 6. Izvozvi vave kuda kundiitisa kosi saka ndiri kutya kuvataurira.

“Amai havanawo zvavari kuziva nenyaya yekurwara kwangu, baba vangu vanonzi ndeve kuMt Darwin asi ini handina kumbovaona.”

Anoti dambudziko renjovhera rakatanga nemusi wa25 Zvita paakatorwa neshamwari yake yekudzimba dzeTagarika apo anoti akapihwa doro iro aisambonwa.   

“Shamwari yangu yakandipa doro husiku ndokuzoenda kudzimba dzekumaJoburg Lines ndakadhakwa zvikuru. Ndakazongoerekana kuma12 pakati pehusiku ndakarara

padivi pemumwe musikana mumba umu muine vasikana vaviri kusanganisira mumwe aiva neshamwari yangu. Ndakabvunza shamwari yangu kuti zvii zvaitika, akanditi ndinyarare.

Mushayabvudzi anoti ane fungidziro yekuti pfambi iyi inogona kunge yakamushandisira mishonga yakaipa sezvo ari kungorota hope dzinotyisa.

“Fungidziro yangu inoti pamwe ndakaisirwa mapiritsi mudoro kana kuti ndakaitirwa zvechivanhu kuti ndisazive zvandiri. Ndakazobva kumba kwepfambi husiku ndokuenda kumba uko ndisina kutaurira kana mumwe munhu,” anodaro.

Dambudziko rekudzidziuka maronda anoti rakazotanga musi wa27 Ndira gore rino.

“Ndazviona kuti ndava murwere ndikatsvaga mari $13, ndakaipihwa nevamwe vandakaudza nyaya iyi vanondiziva muno muMbare,” anodaro.

Anoti mari yaave kuda kuti arapwe kuchipatara inosvika $400.

“Handizive kuti chii chakandipinda, ndinodawo kuzoroora ndoitawo vana vangu ndatanga ndapedzisa chikoro. Zvekuita chipfambi izvi ndakafurirwa. Zvino handichaziva kuti zvichaperera kupi nechirwere ichi, pamwe ndichatadza kuzvara,” anodaro.

Kune vanoda kubatsira mukomana uyu ridzai nhare dzinoti 0778 089 428.

 

Share This:

Sponsored Links