Uncategorized

Njuzu inoda vakanaka chete: N’anga

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

DZIMWE nyanzvi munyaya dzechivanhu pamwe nemaporofita vakapa maonero avo pamusoro penyaya yemusikana anoti akagara pasi pemvura nenjuzu kwemakore akawanda apo aitumwa kunobira vanhurume mari neupfumi hwavo.
Izvi zvinotevera nyaya yaCharity Makurumidze, uyo akabuda pachena kuti aishandiswa nemweya yetsvina achigara pasi pemvura nenjuzu kwemakore 16 apo aitumwa kunodanana nevarume achivatorera mari nekuparadza upfumi hwavo. VaPatrick Kapfunde (40), n’anga yekuMt Darwin iyo inozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni, vanoti njuzu mukurarama kwevanhu haina kuipa nekuti inotochengetedza mhuri dzevanhu vanenge vachibatwa nemweya iyi.

“Nyaya yemusikana uyu kwedu kuchivanhu hapana chakaipa nekuti shavi renjuzu rinorapa zvikuru kunyange zvirwere zviya zvinonzi zvinonetsa kupera. Izvo zvekuti pasi ipapo pane misha inogarwa nevanhu vachitorarama upenyu kuine huku, mombe, motokari nezvimwe hazvirambike, zviriko. Ndokusaka muchinzwa kuti kune makomo anonzwikwa vanhu vachidzvura nekuseka huku dzichikekedza,” vakadaro.

Zvisinei vakapokana nemashoko akataurwa naCharity ekuti aitumwa nenjuzu kunobira vanhurume mari neupfumi vachiti njuzu hadziite zvakadaro. “Njuzu ine runyararo, aya akanga ava mabasa emweya yetsvina nekuti kutora mari dzevanhu nekuparadza mabhizimisi mweya wakaipa.” Sekuru Bhaureni vakatsinhirawo nyaya yekuti vanhukadzi vatsvuku, vanaku ndivo vanodiwa nenjuzu.

“Ichokwadi ichi kuti mabasa iwaya anofambirana nekunaka kwevanhu saka muchizoona vamwe vachiti mukadzi akanaka zvakanyanya anotyisa, vamwewo vanobva vati mukadzi mutsvuku muroyi kana kuti ipfambi,” vakadaro.

Mbuya Florence Musarurwa Mushipe Madyira (50) vekuChitungwiza vakati mushure mekunge Charity agara nenjuzu pasi pemvura aifanira kudzoka ave murapi achishandisa mishonga yechivanhu. “Nyaya yandinoziva ndeye kuti vanhukadzi vakanyanya kunaka vanoshandiswa zvikuru nemweya yetsvina, zvikuruwo nekubatwa nemashavi enjuzu uyewo havadi kuroorwa,” vakadaro Mbuya Madyira.

Mbuya Marita Ridhi vekuChitungwiza vakatiwo nyaya yemusikana uyu inotyisa uye yakasiyana nekuziva kwavanoita maitiro enjuzu.

Madzibaba Passmore Chinovava vekuMt Hampden, vakati ichokwadi kuti mweya yakaipa inoda kushandisa madzimai akanaka.

“Honai mukaenda mumabhawa vakadzi vamunoona imomo munoti vashaya chii kuita basa iri, mashavi iwayo anotevera madzimai akanaka,” akadaro Madzibaba Passmore.

 

Share This:

Sponsored Links