Uncategorized

Nkala, Tonhodzayi hutu nemibairo

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Nkala, Tonhodzayi hutu nemibairo Nomsa Nkala

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru munyaya dzezvenhau munyika muno, yeZimpapers Group, svondo rapera yakave chidadiso pamabiko eMegafest 2018 Women’s Awards ayo akaitirwa muHarare apo vashandi vayo vaviri vakahwapura mibairo mikuru.

Mukuru weZimpapers Television Network (ZTN), Nomsa Nkala, akatora mubairo wefirst runner-up Outstanding Women in Media Category muchikwata chemadzimai akashinga kubata basa munyaya dzenhau apo mukushi wemashoko wekambani iyi, Beatrice Tonhodzayi, akatorawo mubairo wekugona basa weOutstanding Public Relations and Corporate Affairs Manager of the year 2018.

Nkala akacherechedzwa mukogona kufambisa basa rake nemazvo izvo zvakaona terevhizheni yeZTN ichiwaniswa rezinesi rekutepfenyura.

Kuwaniswa kwakaitwa rezinesi iri kukambani yeZimpapers kuchaona bhizinesi renhau richivandudzwa zvikuru.

ZTN yakatobhadhara $150 000 yerezinesi iri uye iri kutarisira kuzopa vanhu vanodarika mamiriyoni matatu zvaichatepfenyura nemitengo yakaderera.

Beatrice Tonhodzayi

Hurongwa huripo ndewekutanga nechikamu chenhau dzinenge dzichiwanikwa mumaawa 24 chinova chinhu chitsva kuitwa nekambani yemuZimbabwe.

ZTN ichange ichipa chikamu che75 percnet chenhau dzemuno uyewo nhau dzekunze pamwe nenziyo dzevaimbi munyika yose, mitambo uye zvevechidiki.

Kuvakwa kwemuzinda wekutepfenyura weZTN kwava pachidanho chepamusoro zvekuti munguva pfupi inotevera basa rinenge rotobatwa.

Kambani yeZimpapers ine chivimbo chekuti kuuya kweterevhizheni yeZTN kuchasimudzira zvikuru mabasa ekutapwa nekutepfenyurwa kwenhau munyika ichitsigirana nemapepanhau pamwe chete nenhepfenyuro yeStar FM nedzimwe.

Achitaura pachiitiko ichi, Tonhodzayi anoti mibairo iyi yauya panguva yakanaka apo Zimpapers iri kuedza kusimudzira mabasa ayo ekufambiswa kwenhau.

“Kambani yeZimpapers iri kubudirira zvikuru. Ndinovimba kuti zvose izvi zviri kukonzerwa nekushanda nesimba apo vanhu vazhinji vari kuona shanduko uye purofiti dzatiri kuita mubhizinesi sezviri kungoitwa nemamwe makambani. Ndinofara zvikuru nekucherechedzwa kwataitwa neveMegafest nekuona kukosha kwemadzimai,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links