Varimi voda ongororo yedonje

08 Sep, 2013 - 00:09 0 Views
Varimi voda ongororo yedonje

Kwayedza

VARIMI vanoti vanoda kuti paitwe ongororo yedonje rinorimwa nekukohwewa nechimbi-chimbi kuburikidza nenzira yeBiotech Cotton (Bt Cotton) kuitira kuti pave nematanho anotorwa akanaka mukurima chirimwa ichi munyika.

Varimi vazhinji vari kunyunyuta vachiti kurima vachishandisa nzira yeBiotech Cotton kuri kurambidzwa nekuda kwemashoko akaipa ari kufambiswa maringe nemhando yedonje iyi asi pasina tsvakurudzo iri kuitwa nezvakanakira kana kuipa kweruzivo urwu.

Varimi vari kuti kune dzimwe nyika vari kuwana goho guru pasina kushandisa mari zhinji nekuda kweruzivo urwu.

Mutungamiriri weZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vakati donje remhando yeBt Cotton rakanakira kuti harikanganiswi netwupukanana twakaita semakonye ebollworm utwo twunoderedza goho.

“Varimi vanofanira kuwana goho guru pasina kubudisa mari yakawanda kuitira kuti vabudirire. Varimi vari kune dzimwe nyika vari kuita mari zhinji kuburikidza neBt Cotton. Tine shungu dzekuti tinge tichishandisa ruzivo urwu nekuti rwakarerukira varimi uye rwunovandudza goho,” vakadaro.

VaChabikwa vakati dambudziko guru riri paBt Cotton nderekuti hapasati paitwa ongororo yekuona kuti donje remhando iyi harina here zvarinokanganisa kuutano neupenyu hwevanhu.

Vakati Zimbabwe inoshandisa mafuta ekubikisa anobva mudonje nokudaro vanhu vachange vachidawo mafuta anobva mariri.

“Ongororo inofanira kutanga yaitwa kuitira kuti tigokurudzira nyika kuti inge ichishandisa ruzivo urwu. Parizvino hatisati tave neidi kuti zvinhu zvinogadzirwa kubva kumaGeneric Modified Products (GMOs) zvakanaka here kuutano,” vakadaro.

Vakati mhando yedonje iri kuEurope neAmerica riri kuwanikwa nemitengo yepasi kana zvichienzaniswa nezvimwe zvinhu zvinogadzirwa zvisiri zvemaGMOs, chinova chiratidzo chekumwe kuipa kweruzivo urwu.

“Sangano reCotton Research Institute rine mhando dzakawanda dzembeu yedonje dzisiri maGMO saka zvakakosha kuti tinge tichishandisa idzodzo panguva iyo ongororo iri kuitwa kudonje remhando yeBt Cotton,” vakadaro.

Mukushi wemashoko kuCotton Council, VaGarikayi Msika vakati varimi havasi kumanikidzira kuti donje remhando iyi ringe richirimwa munyika muno asi kuti vanodawo kuti paitwe ongororo inopa umboo maringe neruzivo urwu.

“Tinofanira kuita ongororo yedu tega nekuti parizvino tiri kungotaura zvakaipa maringe nezvinhu zvatisati tave neumboo nazvo nekuti hatina ruzivo zvinova zvinotikanganisa mukuronga. Bt Cotton inobatsira mukutora kumwe kudya kwakakosha muvhu kunodiwa nezvirimwa,” vakadaro.

Malawi ndeimwe nyika iri kuita ongororo yedonje remhando iyi.

Zvakadai, bazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro rakakurudzira varimi kuti vashandise mbeu dzemuno pachinzvimbo chekuti vange vachidzisanganisa nemaGMO.

Share This:

Sponsored Links