Nyakoko osimudzira vamwe

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Nyakoko osimudzira vamwe Wilson Nyakoko

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yekukwikwidza mumujaho wewiricheya – Wilson Nyakoko –  akavamba boka rekusimudzira vamwe vatambi vane matarenda mumutambo uyu rinonzi Wilson Nyakoko Foundation.

Nyakoko – uyo ane mukurumbira wekuhwapura menduru dzakawanda mumujaho uyu munyika muno pamwe nekunze – anoti akavamba boka iri nedonzvo rekubatsira vamwe vatambi kuti vagosvika padanho raave iye.

“Kukwikwidza mumujaho wewiricheya kunoda gadziriro dzakasimba uye zvinodiwa zvacho zvakawandisa saka kuti munhu ugotange kukwikwidza panenge pabatwa basa guru.

“Pane danho rinotarisirwa uye ini semumwe ave nemakore ndiri mumutambo uyu ndakaona zvakakodzera kutangisa academy yangu iyo ndichange ndichibatsira vamwe vatambi nekuti ndinoziva kuti zvinorwadza sei kuve mutambi anokwikwidza mumujaho uyu,” anodaro.

Nyakoko anoenderera mberi achiti akabatana neimwe kambani inogadzira mawiricheya kuUnited Kingdom nekudaro ari kutsvaga rubatsiro kubva kuvakotsveri rwekuti akwanise kutakura mawiricheya aya kubva kunyika iyi kusvika kuZimbabwe.

“Ndakawana mawiricheya kuUK saka chiri kudiwa kuti tibhadhare mari inosvika $700 pawiricheya imwe chete kuti agotumirwe kuno. Tiri kutsvaga vakotsveri kuti vatibatsire basa ratatanga iri rifambe zvakanaka uye tigobatsire vamwe vatambi vasimukire vagosimudzawo mureza wenyika kunze uko,” anodaro Nyakoko.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>