Uncategorized

Nyakukecha nguruve akaripiswa mombe

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Nyakukecha nguruve akaripiswa mombe Sadunhu Chikosha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKOMANA jaya wekwaMusana, wekuwanikidzwa achishinha nenguruve hadzi yemuvakidzani wake, akazobatwa, ndokumiswa mudare ramambo veko uko akaripiswa mombe nembudzi imwe chete.

Muchinda wemubhuku raChandavengerwa, kwaSadunhu Chikosha uyu akasungwa zvakare nemapurisa uye akamirira kuenda kumatare edzimhosva nenyaya yaari kupomerwa yekushinha nemhuka.

James Chikange (22) – uyo anogara naambuya vake – akabatikidzwa ari mudanga renguruve umo aiita zvinorova kuzvipfuyo zvekwaMashazhike apo ruzhinji rwemumusha uyu rwaive rwakamirira kupinda muGoredzva.

Mambo Musana

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central Province, Assistant Inspector Petros Masikati, vanotsinhira kusungwa kwemukomana uyu nemhosva yaari kupomerwa yekushereketa nemhuka.

“Ichokwadi, tine mukomana wekwaMusiiwa uyo akasungwa achinzi akawanikwa achiita bonde nenguruve. Imhosva yatinoti muchirungu bestiality iyoyo,” vanodaro.

Sadunhu Chikosha, VaElisha Chidziva (64), vanoti vakazotumira masamanisi kuvabereki vemukomana uyu, nyaya iyi ikatongwa mudare ravo asi ndokudarikidzwa kudare guru raMambo Musana.

“Ndakatumira mapurisa angu netsamba kumba kwevabereki vemukomana uyu ikasvikopihwa ambuya vake sezvo iye aiva atiza. Takamutonga ndokuzomudarikidza kudare raMambo Musana uko akasvikopihwa chirango chekuripa mombe nembudzi zvekuchenura nyika ndokunzizve aripe varidzi venguruve iyi $300,” vanodaro.

Asst Insp Masikati

Vanoti varidzi venguruve iyi vakazokurudzirwa nedare pamwe chete nevebazi reDepartment of Veterinary Services kuti vaiuraye, nyama yacho yorega kudyiwa nevanhu asi kuti yofushirwa.

“Dare guru ramambo rapedza nyaya iyi, yakazoendeswa kumapurisa izvo tinonzwa kuti James akasungwa,” vanodaro Sadunhu Chikosha.

James pakumira kwaakaita mudare raMambo Musana, anonzi haana kumboramba nyaya yake uye akangoti haamboziva zvaiva zvamubata akazokumbira ruregerero.

“James akati aiva achibatwa neshungu dzakadarikidza dzekuda madzimai izvo ainopedzera nyota iyi kunguruve yaanoti yaisamunetsa pane kutaura nevakadzi,” vanodaro Sadunhu Chikosha.

Prophet Roy Mashazhike vanove muridzi wenguruve iyi vanotsinhira kuti vakaenda kumatare maviri anoti raSadunhu Chikosha nekwaMambo Musana.

“Takatanga kushevedzwa kudare rasadunhu uko nyaya iyi isina kupera ndokuzodarikidzwa kwamambo uko akanzi aripe mombe nembudzi isu ndokunzi atiripe $300. Takazonzi tiuraye nguruve iyi izvo takaita tikaifushira mapurisa ekwamambo Musana varipo,” vanodaro.

“Hapana munhu aigona kudya nyama yakadai iyi. Tinotenda matare emadzimambo edu aya nekutigadzirisira nyaya iyi nenguva. Tangomirira kunzwa kuti mapurisa vachati kudii avo vakamusunga kuti tizoenda kudare repamusoro iri,” vanodaro.

Mudunhu rimwe chete raSadunhu Chikosha, nguva yadarika kune mukomana akambowanikwa zvakare achiita bonde nedhongi iro aive akatopfekera kondomu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey