Nyakunzi imbavha ‘akasotwa’

21 Jun, 2014 - 20:06 0 Views
Nyakunzi imbavha ‘akasotwa’

Kwayedza

DUMBU (3)MURUME wemubhuku raMatsvaire, kwaChivero, kuMhondoro ari kuona pfumvu zvichitevera kuzvimba kana kuti kufutunuka kunotyisa kuri kuita dumbu rake izvo zvisiri kurapika paine fungidziro yekuti akagadzirwa nemushonga nevanhu vari kumupomera kuvabira zvinhu zvavo.

Dumbu raCollins Chigariro (30) rinofutunuka zvinototyisa, dzimwe nguva kutodarika remukadzi akurirwa nemimba, asi pane imwe nguva romboserera izvo zviri kumushaisa hope sezvo achiti dambudziko rake riri kutadza kurapwa kuchivanhu nekuchipatara zvose.

Murume uyu anoti akatanga kuzvimba dumbu nemakumbo mugore ra2011, ndokupinda muchipatara kasingapere asi denda iri richiramba kurapika. Guvhu remurume uyu rakatobuda kunze nekuda kwekuzvimba kwakaita dumbu rake.

Kune vanhu vane mishonga inodaidzwa kuti “rukwa” iyo inoshandiswa kuteya kana kuti kurwadzisa vanhu vanoba.
Paakamboshanyirwa neKwayedza muchipatara cheHarare Central Hospital, dumbu rake negumbo zvainge zvakaserera asi zvichinzi dumbu iri raimbofutunuka zvaitoshamisa varapi veko. Mazuva mashoma aburitswa muchipatara ichi, vatori venhau avo vainge vambomuona akaserera, vakashamiswa. Ainge oita kunge mudzimai akazvitakura.

Kune mashoko anobva kumusha kwemurume uyu kuMhondoro ayo anoti Chigariro akagadzirwa nevanhu vaakabira zvinhu avo vanonzi vakamuendera kun’anga.

Chigariro akati: “Ndakatanga kurwara mugore ra2011 dumbu nemakumbo zvose zvichingozvimba. Ndakanotorwa X-ray katatu ndichinzi moyo wangu waizvimba ndokunziwo muviri wangu wainge waiwandisa mvura.”

Murume uyu akapinda muchipatara cheHarare Central Hospital musi wa22 Kubvumbi ndokuzobudamo nemusi wa29 Chivabvu achiti mari yaidiwa mukurapwa kwake yakanga yave kusvika US$1 200, iyo yaasina kukwanisa kubhadhara.

Anoti kuchipatara uku chirwere chake hachina kuonekwa dakara paakabuda.
“Ndaifanirwa kunge ndakaitwa oparesheni yemudumbu asi mari yacho iri kushaika. Musi wandakabuda chaiwo ndakashaya US$20 yekutenga mapiritsi, saka izvozvi ndiri kutsvaga rubatsiro kuti ndirapwe, kungava kun’anga, kumaporofita kana kuchipatara, ndinodawo kurarama,” akadaro.

Collins anonzi akatanga kudunura oga achitaura kuti aida kubatsirwa apo aireurura kuti akanga aba zvinhu zvevanhu avo vakazomushinhirira.

“Ini zvangu handina chinhu chemunhu chandakamboba sekutaura kwevanhu. Pandakatanga kurwara mbuya vemumusha medu (zita tinaro), vaifamba vachitaura kuti kurwara kwandaiita ndivo vakandigadzira vachiti ndakavabira zvinhu pamba pavo,” akadaro Chigariro.

“Mukomana wavo mbuya ava (zita tinaro) ndakasangana naye akanditi ‘iwewe ndiwe wakaba mablankets nemapoto edu’ ini ndikazviramba. Vanhu ava vagara vaine fungidziro neni, kunyange vakashaya zvinhu  zvavo nekuti tiri manext-doors. Ini ndaishanda kuBelvedere ndikazosiya basa ndatanga kurwara,” akadaro Collins.

Collins anoti kune kwavakaenda nehama dzake uko vakanoudzwa kuti ainge akagadzirwa nevanhu kuti dumbu rake rizvimbe sezviri kuitika.

“Takaenda kumaporofita tikataurirwa kuti ndaiva ndagadzirwa nevanhu nemishonga yechivanhu kuti dumbu nemakumbo angu zvizvimbe,” akadaro.

Anoti dzimwe nguva anoita searapika, dambudziko roita serapora, asi zvozongomuka zvakare mushure menguva pfupi.

Collins ari kutsvagawo vangamubatsira nemari yekuti arapwe kana vanoda kumurapa pachena.
“Izvozvi ndiri kugara pamba pehanzvadzi yangu, Mai Tino kana kuti Nancy Chigariro, kuGlen Norah A uye kune vanoda kundibatsira vanogona kundibata panhamba dzinoti 0734 170 927 kana dzasisi dzinoti 0777 101 033.”
VaEverson Chigariro (35), avo vanoitwa munin’ina naCollins vakatsinhira kuti mukoma anoti “akasotwa” nevanhu vanoti ainge avabira.

KuMhondoro kwekare kune mumwe murume akambobuda muKwayedza pakupera kwa2013 nekutanga kwegore rino uyo anonzi akamera mitumba yemazamu mushure mekunge agadzirwa nevanhu vaanonzi akabira mombe.

KUZVIMBA dumbu-20/06/14

MUCHIPATARA:
Collins Chigariro ari muchipatara cheHarare.

Kurakidza Dumbu:
Collins achiratidza dumbu nemakumbo apo aiva muchipatara.

Dumbu:
Collins airatidza dumbu rake apo ainge ava kumba.

Gumbo:
Apa Collins airatidza gumbo ari kumba.

Everson Chigariro

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey