Nyama yembwa kunaka: Vobvubvudzana kuitenga

0

Belinda Moyo naThandeka Matebesi
HAAUWANDU hwevanhu vari kufarira nyama yembwa huri kuwanda paimwe nzvimbo iri pedyo neWestgate, kuBulawayo, uko kune murume ari kuita bhizinesi rekutengesa nyama iyi.
Murume uyu anoti veruzjinji – kunyanya vanhukadzi vari mumabhindauko ekuzvishandira – vari kunohodha nyama yembwa kwaari vachinoitengesa kunzvimbo dzinobikwa zvekudya dzinowanzoshanyirwa nemakorokoza kuNkayi, kuMatabeleland North.
Murume wekuBulawayo uyo anongozivikanwa saNdebele akatovamba bhizimisi rekuvhiya imbwa, nyama yacho achitengesera veruzhinji panzvimbo inorasirwa nekuvigirwa imbwa dzinenge dzafa nesangano reSociety for the Prevention of Cruelty to Animals (SPCA).
Gore rapera, Ndebele akambobuda muKwayedza nemumamwe mapepanhau apo akasungwa nenyaya yekufukunura imbwa dzinenge dzavigwa neveSPCA idzo anovhiya, nyama yacho achizotengesera vanhu – vamwe vacho vanenge vasina ruzivo rwekuti inyama yembwa.
Murume uyu anonyepera kuita semurwere wepfungwa kana vanhu vakasvika paari, asi akange agutsikana kuti ikasitoma inenge ichida nyama zvechokwadi, anobva atanga kutaura nezvemitengo yacho.
Nguva pfupi yadarika, vatori venhau vakashanyira murume uyu apo pakutanga akanyebedzera kunge munhu asingagone kutaura kusvikira azogutsikana kuti vaida kutenga nyama, ndokutanga kutaura nezvemitengo yacho.
“Mitengo yangu yakasiyana, zvinoenderana nepurofiti yaunowana kubva pa10kg yenyama yakaomeswa. Asi nhasi kana muchida nyama, munogona kuitora henyu mahara nekuti ndangosara neiyoyi yatsva nemoto wesango,” anodaro Ndebele achitaridza nyama yainge yakasasikwa pamiti.

Ndebele

Ndebele anoti anohodhesa nyama iyi kune vatengi vekuNkayi, avo vanozoenda kunoitengesera kumakorokoza eko.
Anoti vamwe vatengi vake vanotori vanhu vakuru kwazvo muguta reBulawayo.
“Vanototyaira motokari mbishi,” anodaro Ndebele, zvisinei nekuti ari kuchema-chema nenyaya yekushungurudzwa nemapurisa nguva zhinji.
“Bhizinesi rangu riri kukanganiswa nemapurisa avo vanombouya vachinditorera nyama yangu. Asi ndinoramba ndichitengesa nekuti zviri kundipa mari.
“Ndinovimba kuti vachandinzwisisa nekuti handina rimwe bhindauko rinondipa mari seiri,” anodaro Ndebele.
Zvinoratidza sekuti Ndebele haasi oga ari mubhizimisi iri sezvo vatori venhau vakaenda kunovigwa imbwa vakawana mumwezve murume achangobva mukufukunura mutumbi wembwa yainge yafushirwa. Zvisinei, Ndebele akazorova bara otiza mushure mekunge aona kuti aitorwa mifananidzo.
Mumwe anoziva nezvemadhiri enyama yembwa, anoti kune vanhu vakawanda vanoenda panzvimbo inovigwa imbwa iyi vachinofukunura nekutora mitumbi yadzo.
“Ndebele ndiye ega anowanikwa ari panzvimbo iyi, anovhiya achizotengesa nyama yacho asi kune vanhu vakawanda vanouya vachifukunura imbwa idzi. Zviri kutoshamisa kuti sei veSPCA kana vekanzuru vasingaise fenzi (ruzhowa) panzvimbo iyi kuti isangosvikwa nevanhu vose-vose nekuti zviri pachena kuti nyama iyi iri kutengeserwa vanhu vachitodya, vamwe vacho vasina ruzivo,” anodaro.
Mumwedzi waNyamavhuvhu gore rapera, mumwe mukuru anoona nezvemhuka akayambira vanhu kuti vasiyane nenhau dzekudya nyama yembwa achiti zvinogona kukonzera huhwere.
Mukushi wemashoko kukanzuru yeBulawayo, Mai Nesisa Mpofu, vanoti vari kuronga kuti nzvimbo iyi ichengetedzwe sedanho rekudzivirira kuti vanhu vasadyiswe nyama yembwa.
Ndebele paakasungwa gore rapera nenyaya yekutengesa nyama yembwa, mumwe mupurisa wekanzuru akarohwa nevarume vatatu avo vainge vaenda vachida kufukunura imbwa panzvimbo iyi.

Share.

About Author