Uncategorized

‘nyama yemunhu no. 1 . . . kunyanya yekumagadziko’

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘nyama yemunhu no. 1 . . . kunyanya yekumagadziko’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
CHEMBERE yekwaNembire, kuCentenary, mudunhu reMuzarabani iri kubuda pachena kuti muroyi wemakoko, yauraya vanhu vakawanda ichidya nyama yavo – kunyanya yekumagadziko iyo yainoti inonaka kudarika zvimwe zvinhu zvose zvayakambodya.

Mbuya Zvokutoda Pawu (87) vemubhuku raMugoneka vanonzi vakatanga kureurura mabasa avo apo pakakokwa mumwe chiremba wechivanhu kuti azochenura dunhu iri. Chembere iyi yakazodzokorodza zvakare kudura mabasa ayo akaipa pamberi peKwayedza ichizviti kana pari pakuroya, hakuna anoti pwe kwairi.

“Ndine vamwe vaviri vandinoroya navo tichidya nyama yevanhu. Ini ndinonakirwa nenyama yemunhu – kunyanya yekumagaro nekuti yakapfava, haina mabhonzo sesu chembere kungodya chete,” vanodaro Mbuya Pawu vachiti hapana ari kuvamanikidza kuti vataure izvi. Vanoti vava kuda rubatsiro rwekuti vachisiyana nehuroyi.

Mbuya Pawu – avo vakaberekerwa kunyika yeMozambique – vanoti havazive kuti shavi rehuroyi vakaripihwa nani, kunyangwe zvazvo vaine fungidziro yekuti zvakabva kuvabereki.

“Pakauya n’anga iyi, ndakabatwa neshavi rangu ndikataura zvose ndega. Ini kumusha kwangu kuMozambique, ndiko kwandakazviwana izvi.

“Nekuda kwebasa randinoita rekuroya, izvozvi ndinorwadziwa nemoyo nemusana,” vanodaro asi havana kubuda pachena kuti hurwere uhu hunokonzereswa nenyama yevanhu yavanodya.

Ambuya ava vanodura mazita evamwe vavo vaviri vavanoti vanoroya navo avo vagere munharaunda. Sabhuku wemumusha unogara Mbuya Pawu, VaArt-kins Mugoneka (44), vanoti nyaya dzevaroyi dzanyanya mudunhu ravo.

“Mumusha mangu munototyisa kugara, iye zvino tine vanhu vane chitsama vari kubuda voga pachena kuti vanoroya pasina zvavaitwa. Mbuya Zvokutoda Pawu vakandivinga kumba kwangu vachiti vanetswa nezvinhu zvavo, izvo zvavanoti zvava kuvarova.

“Vanoti vanodya nyama dzevanhu uye vanonyanya kuda nyama yekumagaro emunhu vachiti inonaka zvikuru, kudarika chinhu chose chavakambodya,” vanodaro sabhuku ava.

Sabhuku Mugoneka vanoti imwe harahwa yakauya kwavari zvakare ichiti inoda kureurura kwavari kuti ine mushonga wainetsa unoita kuti irare nembwa yayo nevanasikana vayo vose. Harahwa iyi inonzi yakati yakapa mumwe wevanasikana wayo pamuviri akatobara mwana.

“Ini semwana mudiki, ndakavhunduka nekutya ndokuenda kwamambo wedu avo vakanditi nditsvage chiremba wechivanhu anobatsira vanhu ava. Ndakazoenda kuGuruve ndikanotora mumwe chiremba ndikatanga kuenda naye kumba kwambuya ava apo shavi ravo rehuroyi rakaburitswa rikataura roga,” vanodaro Sabhuku Mugoneka.

Vanoti n’anga iyi yakazoenda mudzimba dzevamwe vanhu mayaishevedzwa chete.

“Ini ndichiona, mbuya ava vakabatwa neshavi ndokutanga kuita zvavanoita vachiroya. Ndipo pavakabuda pachena kuti vanonyanya kuda nyama yevanhu yekumagadziko vachiti inovanakira kudarika dzimwe nyama dzose,” vanodaro Sabhuku Mugoneka.

VaGift Muzanenhamo (38) – avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Munhenga kana kuti Sekuru Tasvu – vachibva kuChikokonya, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve vanoti ndivo vari kuchenura dunhu iri.

“Ndakauya kuno ndashevedzwa nasabhuku wemuno nekuda kwezvichemo zvavaiva vapihwa nevanhu vavo. Handiite hutsikamutanda ndokusaka pandakauya ndakasvikonangana nevanhu vaindida avo ndiri kubatsira,” vanodaro.

“Haisi mhosva yavo ambuya ava, vanogona kunge vakaita huroyi hwekupihwa kana kuti ndehwe mudzinza. Chedu kuvabatsira kuti huroyi uhwu hupere,” vanodaro Sekuru Tasvu.

Share This:

Sponsored Links